Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 5

Uchawanei Kana Ukauya Pamisangano Yedu yechiKristu?

Uchawanei Kana Ukauya Pamisangano Yedu yechiKristu?

Argentina

Sierra Leone

Belgium

Malaysia

Vamwe vanhu vakarega kuenda kumachechi nekuti pavaienda ikoko vaishaya mhinduro dzemibvunzo inokosha yavaiva nayo. Saka zvine musoro here kuti upinde misangano yeZvapupu zvaJehovha? Uchawanei kana ukapinda misangano yacho?

Mufaro wekuva pamwe chete nevanhu vanokuda. Panguva yevaapostora, vaKristu vaiita misangano muungano dzavo kuti vanamate Mwari, kuti vadzidze Magwaro uye kuti vakurudzirane. (VaHebheru 10:24, 25) Pavaiungana, vaiona rudo rwavairatidzwa nehama dzavo uye izvozvo zvaiita kuti vanzwe vachifara vaine shamwari dzechokwadi. (2 VaTesaronika 1:3; 3 Johani 14) Tinotevedzera muenzaniso wavo uye tinowanawo mufaro patinoungana sezvavaiita.

Uchadzidza kuti ungashandisa sei zvinotaurwa neBhaibheri. Mazuva ano varume nevakadzi nevana vanoungana pamwe chete sezvaingoitwawo nevanhu vanotaurwa muBhaibheri. Vadzidzisi vane ruzivo vanoshandisa Bhaibheri kuti vatibatsire kuona kuti tingashandisa sei zvarinotaura muupenyu hwedu. (Dheuteronomi 31:12; Nehemiya 8:8) Munhu wese anogona kutaurawo panokumbirwa vateereri kuti vataure uye anogonawo kuimba nevamwe, zvichipa munhu wese mukana wekuti ataure nezvetariro yatinayo sevateveri vaKristu.—VaHebheru 10:23.

Kutenda kwako muna Mwari kuchasimbiswa. Muapostora Pauro akaudza imwe ungano yaivapo mumazuva aakararama kuti: “Ndiri kusuwa kukuonai, . . . kuti tikurudzirane, imi muchindikurudzira nekutenda kwenyu ini ndichikukurudziraiwo nekwangu.” (VaRoma 1:11, 12) Patinogara tichionana nevamwe vatinonamata navo pamisangano yedu, tinosimbisa kutenda kwedu uye chido chedu chekuita zvinodzidziswa neBhaibheri.

Uya uzvionere wega zvinhu izvi pamusangano wedu weungano unotevera. Uchagamuchirwa nemufaro. Hapabhadhariswi mari yekupinda misangano yacho uye vanenge varipo havakumbirwi mari.

  • Tiri kutevedzera ani pamisangano yedu?

  • Tinobatsirwa sei nekupinda misangano yechiKristu?