Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kana Pakaitika Njodzi

Kana Pakaitika Njodzi

Andrew, wekuSierra Leone anoti: “Pakutanga takapererwa. Zvese zvataiva nazvo zvakaparadzwa nemadhaka aiyerera achibva mugomo uye nemafashamo.”

David, wekuVirgin Islands anoti: “Dutu parakapera takabva tadzokera kumba. Takawana rangova giraundi. Takapererwa. Mwanasikana wangu akabva atanga kuchema.”

KANA wakambowirwa nenjodzi unogona kunzwisisa zvinhu zvinoitika kuvanhu vanenge vawirwa nenjodzi. Zvimwe zvacho zvinosanganisira kuvhunduka, kutadza kuzvibvuma, kuvhiringidzika, kuora mwoyo uye kuvhumuka paunenge wakarara. Vakawanda vanopona padutu vanosara vasisina tariro uye vava kuona sekuti hapana chekuraramira.

Kana wakarasikirwa nezvinhu zvako zvese pamusana penjodzi yakaitika, zvimwe unombonzwawo sekuti hauchagoni kutsungirira kana kuti hapana chikonzero chekurarama. Asi Bhaibheri rinoti upenyu hwako hunokosha uye kuti unogona kuva netariro yeramangwana.

KUZIVA ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI KUNOTIPA TARIRO

Muparidzi 7:8 inoti: “Kuguma kwenyaya kuri nani kupfuura kutanga kwayo.” Kana uchangobva kuwirwa nenjodzi, unogona kuona sekuti hapana chekuraramira. Asi zvishoma nezvishoma uchatanga kuona zvinhu zvichichinja.

Bhaibheri rinoti ichasvika nguva yekuti pachange pasisina ‘inzwi rekuchema kana kuti kutambura.’ (Isaya 65:19) Izvi zvichaitika kana nyika yava paradhiso, Umambo hwaMwari pahuchange hwava kutonga. (Pisarema 37:11, 29) Kuchange kusisina njodzi. Ndangariro dzese dzinorwadza dzichabviswa zvachose nekuti Mwari Wemasimbaose anovimbisa kuti: “Zvinhu zvekare hazvizoyeukwi, uyewo hazvizouyi mumwoyo.”​—Isaya 65:17.

Unozivei? Musiki wedu akakurongera ramangwana rine tariro, paachange ava kutonga pasi rese. (Jeremiya 29:11) Kuziva izvi kunogona kukubatsira kuti uone kuti une chikonzero chekurarama. Sally ambotaurwa munyaya yekutanga, anoti, “Kugara uchiyeuka zvinhu zvakanaka zvatinovimbiswa neUmambo hwaMwari kunogona kukubatsira kuti usaramba uchizvidya mwoyo nezvakaitika kare.”

Tinokukurudzira kuti udzidze zvakawanda zvinovimbiswa neUmambo hwaMwari. Kuita izvi kuchakubatsira kuti uve nechokwadi chekuti pasinei nedambudziko rawakasangana naro, uchine chikonzero chine musoro chekuti urarame. Iye zvino, Bhaibheri rinogona kukubatsira kuziva zvaungaita kuti urarame nedambudziko rako. Inzwa zvimwe zvacho.