Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kana Wawakaroorana Naye Akadanana Nemumwe Munhu

Kana Wawakaroorana Naye Akadanana Nemumwe Munhu

Maria, wekuSpain anoti: “Murume wangu paakandiudza kuti ava kundisiya achinogara nemumwe mukadzi wechidiki, ndakarwadziwa zvisingaiti ndikaona sekuti kufa kuri nani. Chakanyanya kundirwadza kufunga zvese zvandaimuitira.”

Bill, wekuSpain anoti: “Mudzimai wangu paakangoerekana andisiya, ndakanzwa sekuti pane chimwe chinhu chabviswa mandiri. Zvese zvataironga zvakanga zvaenda musango. Mamwe mazuva ndainzwa sekuti kunetseka kwandaiita kwapera, asi ndaizongoona ndava kushungurudzika zvekare.”

KANA mumwe wako akatanga kudanana nemumwe munhu unorwadziwa kusvika pekupedzisira. Vamwe vanokwanisa kuregerera mumwe wavo voramba vachigara vese. * Asi pasinei nekuti varamba vari vese here kana kuti kwete, uya anenge atadzirwa anogona kuramba achirwadziwa. Pane here chinogona kubatsira vanhu vakadaro?

MAVHESI ANOGONA KUKUBATSIRA

Pasinei nekurwadziswa kwavakaitwa, vakawanda vakanyaradzwa nezvinotaurwa neBhaibheri. Vakaona kuti Mwari anorwadziwawo paanoona vachishungurudzika.​—Maraki 2:13-16.

“Pfungwa dzangu dzinonetsa padzakawanda mukati mangu, [imi makandinyaradza.]”​Pisarema 94:19.

“Pese pandaiverenga vhesi iyi, ndaiita sendiri kuona Jehovha achindinyaradza sezvinoita baba vari kunyaradza mwana wavo,” anodaro Bill.

“Muchava akavimbika kune akavimbika.”​Pisarema 18:25.

Murume waCarmen akaita mwedzi yakawanda achidanana nemumwe mukadzi. Carmen anoti, “Pasinei nezvakaitwa nemurume wangu, ndinoziva kuti Jehovha acharamba akavimbika kwandiri, haambofi akandisiya.”

“Musazvidya mwoyo pamusoro pechinhu chero chipi zvacho, asi muzvinhu zvose kukumbira kwenyu ngakuziviswe Mwari nokunyengetera nokuteterera . . . uye rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo yenyu.”​VaFiripi 4:6, 7.

“Ndakaverenga vhesi iyi kasingaperi,” anodaro Sasha. “Pandairamba ndichinyengetera, Mwari aiita kuti ndinzwe kudzikama.”

Vese vataurwa pamusoro apa vakambonzwa sekuti havachakwanisi kutsungirira. Asi vakavimba naJehovha Mwari uye Shoko rake rakavasimbisa. Bill anoti: “Pandaiona sekuti hapana chandichararamira, kutenda kwangu ndiko kwakandibatsira. Kunyange zvazvo ‘ndakambofamba mumupata wezarima,’ Mwari akaramba aineni.”​—Pisarema 23:4.

^ ndima 4 Kuti uzive kuti woregerera mumwe wako here kana kuti kwete, verenga nyaya dzine musoro wekuti, “Apo Wawakaroorana Naye Anenge Asina Kutendeseka” dziri muMukai! yaMay 8, 1999.