Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvaungaita Nezvenjodzi Dzinongoitika Dzoga

Zvaungaita Nezvenjodzi Dzinongoitika Dzoga

Sezvo njodzi dzichinyanya kuwanda uye kuparadza mazuva ano, ungaitei kuti uzvidzivirire? Ngatimboongororai matanho anobatsira aungatora kuti uzvidzivirire.

Gara kure nenjodzi.

Bhaibheri rinoti: “Munhu ane njere anoona dambudziko ovanda, asi vasina zivo vanongopfuura havo vorangwa.” (Zvirevo 22:3) Iri izano rouchenjeri panyaya yenjodzi. Kana pakapiwa nyevero yokuti gomo rava kuda kuputika, kuchaitika mafashamo, kana kuti kuchava nemadutu, kuchenjera kuti vanhu vanogara kune njodzi vatizire kune imwe nzvimbo. Upenyu hunokosha kupfuura imba kana kuti pfuma.

Vamwe vangatosarudza kusagara munzvimbo dzinowanzoitika njodzi. Imwe nyanzvi inoona nezvenjodzi yakati: “Njodzi dzine kwadzinonyanya kugara dzichiitika. Inzvimbo shoma dzinogara dzichiitika njodzi panyika uye njodzi dzakawanda dzakakura dzichaitika munzvimbo idzodzo. Izvozvo zvinogona kunyanya kuitika munzvimbo dziri pedyo nemakungwa nenzizi huru uye munzvimbo dzinomboitika kudengenyeka kwenyika. Kana ukasagara munzvimbo dzinoitika njodzi kana kuti ukatama uchibva madziri, unogona kuzvidzivirira pamatambudziko adzinokonzera.

Ronga zvokuzoita.

Pasinei nezvaungaita kuti uzvidzivirire, unogona kungoerekana wawirwa nenjodzi yausingatarisiri. Kupukunyuka panoitika njodzi uye kukunda matambudziko anozovapo kuri nyore kana ukagara waronga zvokuzoita. Izvi zvinoenderana nezano rambotaurwa riri pana Zvirevo 22:3. Une kabhegi kawakaisa zvinhu zvinonyanya kukosha here? Bhuku rinotaura nezvenjodzi rinonzi 1-2-3 of Disaster Education rinokurudzira kuchengeta zvinhu zvakaita semishonga nemabhandeji, mvura yokunwa, zvokudya zvisingaori uye magwaro anokosha. Kuchenjerawo kuti ugare wakurukura nemhuri yako njodzi dzakasiyana-siyana dzingangoitika uye zvamungazoita kana pane yaitika.

Ramba uine ukama hwepedyo naMwari.

Izvi zvinogona kukubatsira pane zvose. Bhaibheri rinotaura nezvaMwari richimuti “Baba vengoni huru kwazvo uye Mwari wokunyaradza kwose, anotinyaradza pakutambudzika kwedu kwose.” Imwe ndima inomuti ndiMwari “anonyaradza vakasuruvara.”—2 VaKorinde 1:3, 4; 7:6.

Zvechokwadi, Mwari ane hanya chaizvo nezvinoitika kune vaya vanovimba naye. NdiMwari ane rudo uye anokurudzira nenzira dzakasiyana-siyana. (1 Johani 4:8) Hatifaniri kunyengeterera kuti Mwari atiitire zvishamiso asi kuti atibatsire nomudzimu wake mutsvene une simba. Mudzimu mutsvene unogona kuyeuchidza ndima dzeBhaibheri dzingakurudzira uye kuzorodza vaya vanenge vari mumatambudziko. Vashumiri vaMwari vakatendeka vanogona kunzwa sezvaiita Dhavhidhi, mambo weIsraeri yekare uyo akati: “Kunyange ndikafamba mumupata wezarima, handityi zvakaipa, nokuti imi muneni; tsvimbo yenyu nomudonzvo wenyu ndizvo zvinhu zvinondinyaradza.”—Pisarema 23:4.

Hatifaniri kunyengeterera kuti Mwari atiitire zvishamiso asi kuti atibatsire nomudzimu mutsvene wake une simba

VaKristu vanobatsirana.

Muzana remakore rokutanga, mumwe muKristu aiva muprofita ainzi Agabhasi akati: “Nzara huru yakanga yava kuda kuuya munyika yose inogarwa; iyo, chokwadi, yakaitika munguva yaKraudhiyo.” Nzara yacho yakaonesa chitsvuku vateveri vaJesu vakawanda muJudhiya. VaKristu vaiva kune dzimwe nzvimbo vakaitei pavakanzwa kuti vamwe vavo vakanga vari mutsekwende? Nhoroondo yacho inoti: “Vaya vaiva vadzidzi vakasarudza, mumwe nomumwe wavo maererano nezvaaigona, kuti vaite basa rokuyamura nokutumira zvinhu kuhama dzaigara muJudhiya.” (Mabasa 11:28, 29) Vakaratidza rudo nokupa zvinhu zvokuyamura.

Mazuva ano vashumiri vaMwari vanoitawo saizvozvo kana paitika njodzi. Zvapupu zvaJehovha zvinonyanyozivikanwa nokuyamurana. Somuenzaniso, pakaitika kudengenyeka kwakakura kuChile musi wa27 February 2010, Zvapupu zvaJehovha zvakakurumidza kubatsira vaya vakawirwa nenjodzi. Karla uyo ane musha wakaparadzwa netsunami akati: “Zvaizorodza uye zvaikurudzira kuona Zvapupu zvichiuya kubva kune dzimwe nzvimbo kuzotibatsira zuva rakatevera pashure petsunami yacho. Hapana mubvunzo kuti ndiJehovha akatinyaradza achishandisa vanhu ava vakazvipira. Ndakaona kuti Jehovha anondida uye kuti anondidzivirira.” Sekuru vaKarla vasiri Chapupu vakaona rubatsiro urwu rwuchipiwa. Vakabva vati: “Izvi zvakasiyana nokure nezvandakaona zvichiitika muchechi medu kwemakore.” Zvavakaona zvakavabaya mwoyo zvokuti vakakumbira kudzidziswa Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha.

VaKristu vanobatsirana kuti vakunde matambudziko panoitika njodzi

Kuwadzana nevanhu vanoda Mwari kunogona kubatsira chaizvo munguva dzematambudziko. Asi pachazombova here nenguva yokuti panyika panenge pasisina njodzi? Regai tione kuti Bhaibheri rinotii panyaya iyi.