Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Munokosha.”​—MATEU 10:31

Mwari Anokukoshesa Here?

Mwari Anokukoshesa Here?

ZVATINODZIDZA KUBVA PAMASIKIRWO AKAITWA VANHU

Maminitsi 60 ekutanga mwana paanenge azvarwa akakosha chaizvo pakati paamai nemwana wavo. Nei? Nekuti kana vanaamai vakava pedyo nevana vavo panguva iyi inokosha, zvichabatsira vana vavo kukura zvakanaka.  *

Chii chinoita kuti amai vade kacheche kavo? Purofesa anonzi Jeannette Crenshaw anozvitsanangura mubhuku rinonzi The Journal of Perinatal Education achiti homoni rinonzi oxytocin “rinoita kuti amai vawedzere kuda mwana pavanomubata, pavanomutarisa, uye pavanomuyamwisa.” Rimwe homoni rinobudiswa panguva iyi “rinobatsira kuti amai vanzwisisane nemwana wavo” uye rinosimbisa ukama hwavo nemwana. Izvi zvinotidzidzisei?

Musiki wedu ane rudo, Jehovha Mwari  * ndiye akaita kuti amai nemwana vanyatsodanana. Mambo Dhavhidhi akati Mwari ndiye ‘akamubudisa mudumbu’ uye akaita kuti anzwe akachengeteka ari mumaoko aamai vake. Akanyengetera achiti: ‘Ndakaiswa kwamuri kubva pandakazvarwa; mave muri Mwari wangu kubvira ndiri mudumbu raamai vangu.’​—Pisarema 22:9, 10.

FUNGA IZVI: Kana Mwari ari iye akaita kuti amai vakwanise kuona uye kunzwisisa zvinodiwa nemwana wavo, angazotadzawo sei kuva nehanya nesu, vana vake?​—Mabasa 17:29.

ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI NEZVEKUDIWA KWATINOITWA NAMWARI

Jesu Kristu, uyo anoziva Musiki kupfuura chero ani zvake, akati: “Shiri duku mbiri hadzitengeswi nemari isingakoshi here? Asi hapana imwe yadzo ingawira pasi Baba venyu vasingazivi. Asi imi kunyange bvudzi romusoro wenyu rakaverengwa rose. Naizvozvo musatya: imi munokosha kupfuura shiri duku zhinji.”​—Mateu 10:29-31.

Hapana anombonyanya kuda kuongorora shiri imwe neimwe yaanenge aona, kana kuda kuziva kuti pane yafa here. Asi baba vedu vekudenga vanoona imwe neimwe! Kunyange shiri dzikawanda zvakadii hadzifi dzakakosha kuna Mwari kupfuura munhu. Chidzidzo chacho chiri pachena: Usafunga kuti Mwari haakukoshesi. Anokuda nemwoyo wese!

Mwari ane hanya nesu uye anoda kuti zvinhu zvitifambire

Magwaro anotivimbisa kuti

  • “Maziso aJehovha ari pose pose, achiramba akatarira vakaipa nevakanaka.”​—ZVIREVO 15:3.

  • “Maziso aJehovha ari pane vakarurama, uye nzeve dzake dziri pakuchemera kwavo kubatsirwa.”​—PISAREMA 34:15.

  • “Ndichafara nokufarira kwazvo mutsa wenyu worudo, pakuti makaona kutambudzika kwangu; makaziva nezvokutambudzika kwomweya wangu.”​—PISAREMA 31:7.

“NDAINZWA SEKUTI JEHOVHA HAANDIDI”

Dai taizoziva kuti Mwari ane hanya nesu uye anoda kuti zvinhu zvitifambire, zvaizobatsira here? Chokwadi zvinonyaradza. Inzwa zvakataurwa naHannah, * wekuEngland:

“Kakawanda ndainzwa sekuti Jehovha haandidi uye kuti minyengetero yangu haipindurwi. Ndaifunga kuti imhaka yekuti ndine kutenda kushoma. Ndaiona sekuti ndiri kurangwa kana kuti handisi kupindurwa nekuti handikoshi. Ndainzwa sekuti Mwari haana hanya neni.”

Asi iye zvino Hannah ava kuona kuti Jehovha anomuda uye anopindura minyengetero yake. Zvakafamba sei? Anoti, “Zvakaitika zvishoma nezvishoma. Ndichiri kuyeuka imwe hurukuro yeBhaibheri yaitaura nezvekufirwa kwatakaitwa naJesu. Yakandibatsira kuona kuti Jehovha anondida. Uye minyengetero yangu painopindurwa, ndinowanzochema nekuti ndinenge ndiri kuona kuti chokwadi Jehovha anondida. Kudzidza Bhaibheri uye kupinda misangano yechiKristu kwakandidzidzisa zvakawanda nezvaJehovha, unhu hwake, uye kutida kwaanoita. Iye zvino ndiri kunyatsoona kutsigirwa kwatinoitwa naJehovha, kutida kwaanoita uye chido chake chekuchengeta mumwe nemumwe wedu.”

Zvakataurwa naHannah zvinotikurudzira. Asi ungava sei nechokwadi chekuti Mwari anokunzwisisa uye anoziva manzwiro ako? Nyaya inotevera ichapindura mubvunzo iwoyo.

^ Vamwe vanaamai pavanosununguka vanobatwa nechirwere chekushungurudzika mupfungwa uye izvi zvinoita kuti vaomerwe nekunyatsoda mwana wavo. Asi havafaniri kuzvipa mhosva. Maererano neU.S. National Institute of Mental Health, izvi “zvinowanzokonzerwa nekuchinja kunoitika mumuviri . . . kwete kuti pane zviri kukanganiswa naamai.” Kana uchida kunzwa zvakawanda, verenga nyaya yakanzi “Ndakakunda Kuora Mwoyo Kunouya Pashure Pokusununguka” iri muMukai! yaAugust 8, 2002.

^ Jehovha ndiro zita raMwari rinotaurwa muBhaibheri.​—Pisarema 83:18.

^ Mamwe mazita ari munyaya dzino akachinjwa.