Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA | UNOGAMUCHIRA HERE CHIPO CHIKURU CHAMWARI?

Chipo Chikuru chaMwari—Nei Chichikosha?

Chipo Chikuru chaMwari—Nei Chichikosha?

Kuti uzoti chipo chawapiwa chakakosha, unenge waonei? Zvimwe zvacho ndeizvi: (1) munhu akupa, (2) chaita kuti akupe, (3) kuzvipira kwaakaita, uye (4) kuti chipo chacho chine zvachinokubatsira here. Kufunga izvi kunogona kutibatsira kuwedzera kutenda chipo cherudzikinuro chatakapiwa.

CHAKAPIWA NAANI?

Zvimwe zvipo tinozvikoshesa nekuti tinenge takazvipiwa nemumwe munhu ane chinzvimbo chepamusoro kana kuti watinoremekedza chaizvo. Zvimwe zvipo kunyange zvisingadhuri, tinozvikoshesa nekuti tinenge tazvipiwa nehama yedu kana kuti shamwari yepamwoyo. Ndizvo zvakaitika kuna Jordan ataurwa munyaya yekutanga akapiwa chipo nasekuru vake Russell. Izvi zvakafanana papi nechipo cherudzikinuro?

Chekutanga, Bhaibheri rinoti “Mwari akatuma Mwanakomana wake munyika, iye akaberekwa ari mumwe oga, kuti tiwane upenyu pachishandiswa iye.” (1 Johani 4:9) Izvi zvinoita kuti chipo ichi chinyatsokosha. Hakuna munhu akaenzana naMwari. Ndokusaka mumwe munyori wepisarema akazoti: “Imi, mune zita rokuti Jehovha, imi moga ndimi Wokumusorosoro kumusoro kwenyika yose.” (Pisarema 83:18) Mwari ndiye oga aikwanisa kutipa chipo chakadai.

Chechipiri, Mwari ‘ndiBaba vedu.’ (Isaya 63:16) Nei tichidaro? Ndiye akatipa upenyu uyezve anotichengeta sezvinoita baba vane rudo vanochengeta vana vavo. Paaitaura nezvevanhu vake vekare achivati Efremu, Mwari akati: ‘Efremu haasi mwanakomana anokosha kwandiri kana kuti mwana anodiwa here? Ura hwangu hwava husina kugadzikana nokuda kwake. Chokwadi ndichamunzwira tsitsi.’ (Jeremiya 31:20) Nanhasi Jehovha achiri kuda vashumiri vake sezvaaingoita kare. Ndiye Musiki wedu uye ndibaba vedu vanoramba vachitida. Chokwadi, izvi zvinoita kuti tikoshese chero chipo chaanotipa.

AKATIPIREI?

Zvimwe zvipo tinozvikoshesa nekuti wacho anenge atipa anenge achitida. Munhu iyeye anenge asingatarisiri kuti tichamupawo chimwe chinhu.

Mwari akatipa Mwanakomana wake nekuti anotida. Bhaibheri rinoti: “Neizvi rudo rwaMwari rwakaratidzwa pachena kwatiri, kuti Mwari akatuma Mwanakomana wake.” Akamutumirei? “Kuti tiwane upenyu pachishandiswa iye.” (1 Johani 4:9) Mwari aisungirwa kuita izvi here? Aiwa! “Rudzikinuro rwakabhadharwa naKristu Jesu” utori ‘mutsa waMwari usina kukodzera kuwanwa.’VaRoma 3:24.

Nei rudzikinuro rwuchinzi ‘mutsa usina kukodzera kuwanwa’? Bhaibheri rinoti: “Mwari anoratidza rudo rwake kwatiri pakuti, patakanga tichiri vatadzi, Kristu akatifira.” (VaRoma 5:8) Rudo rwakadzama rwaMwari ndirwo rwakaita kuti ade kubatsira vanhu vose, nekuti tose tiri vatadzi. Zvatakaitirwa naMwari izvi hatina kuzvishandira, uye hatifi takakwanisa kumubhadhara. Hakuna rudo runopfuura urwu.

AKAZVIPIRA KUITEI?

Zvimwe zvipo tinozvikoshesa nekuti anenge atipa wacho anenge azvipira kuita chinhu chakaoma achiitira kuti tiwane chipo ichocho.

Mwari “akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga.” (Johani 3:16) Jesu ndiye ainyanya kudiwa chaizvo naJehovha. Mwari akashanda naJesu kwemabhiriyoni emakore pakusika zvinhu zvose uye ndiye “munhu waaida kwazvo.” (Zvirevo 8:30) Jesu ndiye “Mwanakomana wake waanoda” uye anonzi “mufananidzo waMwari asingaoneki.” (VaKorose 1:13-15) Hakuna vanhu vane ukama hwakasimba seuhwu.

Kunyange zvakadaro, Mwari “haana kuramba noMwanakomana wake.” (VaRoma 8:32) Jehovha akatipa mwana wake wepamwoyo. Pazvipo zvake zvose ichi ndicho chikuru.

KUBATSIRA KWACHINOITA

Zvimwe zvipo tinozvikoshesa nekuti zvinenge zvichitibatsira kana kuti zvinenge zvauya panguva chaiyo yatinenge tichizvida. Ngatitii warwara zvekuda kufa uye hauna mari yekutenga mushonga uri kudiwa. Waizonzwa sei mumwe munhu akazvipira kukubhadharira mari yemushonga wacho? Chokwadi waizoshaya kuti ungamutenda nei.

“Vose zvavari kufa muna Adhamu, saizvozvowo vose vachaitwa vapenyu muna Kristu.” (1 VaKorinde 15:22) Sevazukuru vaAdhamu, tose tiri “kufa” uye hatikwanisi kuzviponesa paurwere nerufu. Tinotoda mumwe munhu kuti atiyananise naMwari kuti tiregererwe zvitadzo zvedu. Nezvivi zvatinazvo, hatikwanisi kuramba tiri vapenyu kana kuti kubatsira vamwe kuti varambe vari “vapenyu.” Bhaibheri rinoti: “Hapana kana mumwe chete wavo anogona kudzikinura kunyange hama yake, kana kupa Mwari rudzikinuro nokuda kwake. Mutengo wokudzikinura mweya yavo unokosha kwazvo. [Havatombokwanisi kuubhadhara].” (Pisarema 49:7, 8) Tinotoda kubatsirwa nekuti hatikwanisi kubhadhara mutengo wekuti tisunungurwe.

Nerudo rwake rwakakura, Jehovha akaita semunhu akatibhadharira mushonga wataida kuti tirarame. Achashandisa Jesu kuti vanhu ‘vose vawane upenyu.’ Izvi zvinogoneka sei? “Ropa raJesu Mwanakomana wake rinotichenesa pazvivi zvose.” Kana tikatenda muropa raJesu rakateurwa ticharegererwa zvitadzo zvedu uye tichawana upenyu husingaperi. (1 Johani 1:7; 5:13) Ko hama dzedu dzakafa dzinobatsirwawo here nerudzikinuro rwaJesu? “Rufu zvaruripo nokuda kwomunhu, kumuka kwevakafa kuripowo nokuda kwomunhu [Jesu].”1 VaKorinde 15:21. *

Kufirwa kwatakaitwa naJesu ndicho chipo chikuru chatakapiwa naMwari uye hakuna aizokwanisa kutipa chipo ichocho. Hakunawo munhu ane rudo kana kuti akambozvipira kuita zvinhu zvakaoma kupfuura zvatakaitirwa naJehovha Mwari. Uyezve hakuna chipo chingapfuura rudzikinuro chingakwanisa kutisunungura pachivi nerufu. Rudzikinuro chipo chakakura chatisingagoni kunyatsotsanangura kukosha kwacho.

 

^ ndima 19 Kana uchida kunzwa nezvekumutswa kwevanhu vakafa, verenga chitsauko 7 chebhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha uye riripowo pawebsite yedu inonzi www.pr418.com.