Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MAZANO OKUBATSIRA MHURI | VECHIDIKI

Paunofirwa Nemubereki

Paunofirwa Nemubereki

DAMBUDZIKO

Dami aiva nemakore 6 baba vake pavakafa nemhaka yekuzvimba kweimwe tsinga yemumusoro. Derrick aiva nemakore 9 baba vake pavakafa nechirwere chemwoyo. Jeannie aiva nemakore 7 amai vake pavakafa pashure pegore rimwe chete vachirwara nekenza yechibereko. *

Vechidiki vatatu ava vakafirwa vasingatombotarisiri. Izvi zvakamboitikawo kwauri here? Kana wakafirwa, nyaya ino ichakubatsira kutsungirira. * Chii chinoitika munhu paanenge achirwadziwa?

ZVAUNOFANIRA KUZIVA

Vanhu vanorwadziwa nenzira dzakasiyana-siyana. Izvi zvinoreva kuti zvaunoita paunenge uchirwadziwa zvinogona kusiyana nezvinoitwa nevamwe. “Vanhu pavanofirwa, vanoratidza kurwadziwa kwavo nenzira dzakasiyana-siyana,” rinodaro bhuku rinonzi Helping Teens Cope With Death. Haufaniri kufira mukati. Nei? Nekuti . . .

Kufira mukati kunokuvadza. Jeannie ambotaurwa anoti: “Ndaiedza kuzvishingisa, ndichiitira kuti kamun’in’ina kangu kasaona kuti ndiri kurwadziwa. Kunyange nanhasi, dzimwe nguva ndinoedza kusaratidza kurwadziwa kwandinoita, uye izvozvo zvinokanganisa utano.”

Vanoongorora nezvenyaya idzi ndizvo zvavanotaurawo. “Haufaniri kufira mukati kana kuti kuita sekuti hapana chakaitika,” rinodaro bhuku rinonzi The Grieving Teen. “Kurwadziwa kwaunenge wakatsindira mumwoyo kunozoita kuti dzimwe nguva ungoerekana waputika nehasha kana kuti kutorwara chaiko.” Kufira mukati kunogona kuita kuti unwe doro kana kushandisa madrugs, uchiedza kupodza marwadzo.

Vanhu vanofunga zvakawanda pavanenge vachirwadziwa. Semuenzaniso, vamwe vanogumbukira mufi vachiti avasiya. Vamwe vanopa Mwari mhosva, vachiti aifanira kunge akaita kuti hama yavo isafa. Vakawanda vanozvipa mhosva nezvavakaitira mushakabvu kana kuti zvavakambomuudza, sezvo panenge pasisina mukana wekuti vakumbire ruregerero.

Izvi zvinoratidza kuti kurwadziwa kwatinoita patinofirwa kunosiyana-siyana. Chii chingakunyaradza uye chingakubatsira kuti uenderere mberi neupenyu?

ZVAUNGAITA

Udza mumwe munhu. Panguva iyi inenge yakaoma, unogona kunzwa uchida kungova wega. Asi kana ukaudza munhu wemumhuri menyu kana kuti shamwari nezvekurwadziwa kwauri kuita, zvichaita kuti unzwe zviri nani.Zvinotaurwa neBhaibheri: Zvirevo 18:24.

Iva nekabhuku kekunyorera. Nyora nezvemubereki wako akashaya. Semuenzaniso, ndechipi chinhu chinokufadza chaunonyanya kuyeuka nezvake? Unhu hupi hwakanaka hwaiva nahwo? Ndehupi hwaungada kutevedzera?

Paunozvidya mwoyo, zvimwe nemhaka yemashoko anorwadza awakamboudza mubereki wako achiri mupenyu, nyora kuti izvozvo zvinoita kuti unzwe sei uye kuti nei uchinzwa saizvozvo. Semuenzaniso, unogona kunyora kuti, “Ndinozvipa mhosva nekuti ndakagumburisana nababa vangu, vachibva vazoshaya mangwana acho.”

Wadaro, chiona kuti zvawanyora ndizvo zvinhu zvingabva zvaita kuti uzvipe mhosva here. Bhuku rinonzi The Grieving Teen rinoti, “Haufaniri kuzvipa mhosva nekuti wakanga usingazivi kuti waisazowana mukana wekukumbira ruregerero. Tose tinotombotaura kana kuita zvimwe zvinhu zvatinozoda kukumbira ruregerero.”Zvinotaurwa neBhaibheri: Jobho 10:1.

Ita zvinhu zvinoita kuti uve neutano. Iva nenguva yakakwana yekurara, gara uchiekisesaiza, uye idya zvine utano. Kana uchinzwa usingadi kudya chikafu chemangwanani, chemasikati kana kuti chemanheru, tsvaga tumwe tunhu tudiki tunovaka muviri twaunogona kuswera uchidya, kusvikira wava kukwanisa kunyatsodya. Usanwa doro kana kudya chikafu chisina utano uchiitira kuti uderedze marwadzo; zvinhu izvi zvinotowedzera matambudziko.

Nyengetera kuna Mwari. Bhaibheri rinoti: “Kanda mutoro wako pana Jehovha, iye achakutsigira.” (Pisarema 55:22) Kunyengetera hakusi kwekungoti ungonzwawo zviri nani. Unenge uchitotaura naMwari, uyo “anotinyaradza pakutambudzika kwedu kwose.”2 VaKorinde 1:3, 4.

Chimwe chinoshandiswa naMwari kutinyaradza iShoko rake, Bhaibheri. Verenga unzwe zvarinodzidzisa pamusoro pezvinoitika kumunhu kana afa uye kumutswa kuchaitwa vakafa. *Zvinotaurwa neBhaibheri: Pisarema 94:19.

^ ndima 4 Verenga nyaya inotevera kuti unzwe zvakaitika kuna Dami, Derrick, naJeannie.

^ ndima 5 Kunyange zvazvo nyaya ino ichitaura nezvekufirwa nemubereki, mazano arimo anoshandawo paunofirwa nemunhu wemumhuri kana kuti neshamwari.

^ ndima 19 Ona chitsauko 16 chebhuku rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1. Unogona kuridhaunirodha pawww.pr418.com. Enda pakanzi MABHUKU NEZVIMWEWO.