Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kurwadziwa Kunoita Vana Pavanofirwa

Kurwadziwa Kunoita Vana Pavanofirwa

Pane munhu wekumba kwenyu akashaya here? Ungaita sei kuti utsungirire kurwadziwa kwauri kuita? Chimboona kuti Bhaibheri rakabatsira sei vamwe vana 3 kuti vatsungirire.

ZVAKAITIKA KUNA DAMI

Dami

Baba vangu vakatanga kurwadziwa nemusoro uye taingoti uchapora. Asi pawakazoramba uchiwedzera, mhamha vakabva vafonera ambulance. Ndichiri kuyeuka baba vachitorwa vachiendeswa kuchipatara. Ndaisaziva kuti ndiko kaitova kekupedzisira kuvaona vari vapenyu. Vakanzi vaiva netsinga yemumusoro yainge yakazvimba, uye pashure pemazuva matatu vakabva vashaya. Ndaingova nemakore 6 chete.

Ndakaita makore ndichingozvipa mhosva nezvekufa kwavo. Ndairamba ndichingofunga musi wavakatorwa vachiendeswa kuchipatara, uye ndaizvibvunza kuti, ‘Ndakaregererei kuitawo chimwe chinhu kuti ndivabatsire?’ Pandaiona vanhu vakwegura vanonetseka neutano, ndaizvibvunza kuti, ‘Nei baba vangu vakafa asi ava vari vapenyu?’ Nekufamba kwenguva, mhamha vangu vakandibatsira kuti nditaure zvaindidya mwoyo. Uye takabatsirwawo nevamwe vatinonamata navo veZvapupu zvaJehovha.

Vamwe vanhu vanofunga kuti kana ukafirwa unongorwadziwa, zvobva zvatopera ipapo, asi handizvo zvakaitika kwandiri. Ndakazonyanya kurwadziwa pandainge ndava nemakore ekuma13.

Kune wechidiki anenge afirwa nemubereki, ndinoti, “Taura nemumwe munhu nezvekurwadziwa kwauri kuita. Kana ukakurumidza kutaura, zvichakubatsira.”

Pandinoita zvimwe zvinhu zvinofadza muupenyu, ndinongoti dai baba varipo. Asi ndinonyaradzwa nezvinotaurwa neBhaibheri pana Zvakazarurwa 21:4. Inotivimbisa kuti Mwari “achapukuta misodzi yose pamaziso [edu], rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve.”

ZVAKAITIKA KUNA DERRICK

Derrick

Handikanganwi mazuva ataienda nababa kunoredza hove uye kunokwira makomo. Zvekukwira makomo vaizvifarira.

Baba vangu vakamboita dambudziko remwoyo; ndinoyeuka ndichivashanyira kuchipatara kamwe chete kana kuti kaviri pandaiva mudiki. Asi handina kuziva kuti dambudziko ravo raitova hombe. Vakabva vafa pandaiva nemakore 9.

Pashure perufu rwavo, ndaigara ndichingochema. Ndainzwa ndiine zibundu pamwoyo, uye hapana wandaida kuudza. Handisati ndamborwadziwa seizvi muupenyu hwangu, uye hapana chandainzwa kuda kuita. Vechidiki vekuchechi kwandaimboenda vakambotanga vachindinyaradza, asi vakabva vazongondisiya. Vamwe vacho vaiti, “Nguva yababa vako yanga yakwana” kana kuti “Mwari ndiye akavatora” kana kuti “Iye zvino vava kudenga.” Zvavaitaura hazvina kundigutsa, uye ndaisamboziva kuti Bhaibheri rinomboti kudii nezvenyaya iyi.

Mhamha vangu vakabva vatanga kudzidziswa Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, uye nekufamba kwenguva ini nemukoma wangu takabatana navo pakudzidza. Takadzidza kuti chii chinoitika kana munhu afa uye kuziva kuti Mwari achamutsa vakafa kwakatinyaradza. (Johani 5:28, 29) Asi vhesi yakandibatsira zvikuru ndiIsaya 41:10, Mwari paanoti: “Usatya, nokuti ndinewe. Usatarira-tarira, nokuti ndiri Mwari wako. Ndichakusimbisa. Chokwadi ndichakubatsira.” Kuziva kuti Jehovha aiva neni kwakandibatsira chaizvo panguva iyi yainge yakaoma, uye nanhasi kuri kundisimbisa.

ZVAKAITIKA KUNA JEANNIE

Jeannie

Pandaiva nemakore 7, mhamha vangu vakafa nekenza. Zuva razvakaitika handina kuzvibvuma, ndaiita sendiri kurota. Ndinoyeuka kuti vakafira pamba uye sekuru nagogo vangu vaivapo. Vanhu vese vainge vakadzikama. Ndinoyeuka kuti manheru emusi uyu takadya mazai. Upenyu hwangu hwakangoerekana hwachinja.

Kubvira ipapo zvichienda mberi, ndaifunga kuti ndaifanira kuzvishingisa, ndichiitira kamunin’ina kangu. Nanhasi ndinowanzoti kana ndiine zviri kundinetsa hapana wandinoudza asi izvi zvinenge zvichitondikuvadza.

Ndichiri kuyeuka kubatsirwa kwataiitwa uye rudo rwatairatidzwa nevamwe vatinonamata navo veZvapupu zvaJehovha. Kunyange zvazvo takanga tichangotanga kupinda misangano paImba yoUmambo, vatinonamata navo vakabva vakurumidza kutibatsira sekunge takanga tava nenguva tichizivana. Handiyeuki baba vangu vachibika vega chikafu chemanheru, nekuti kwegore rose vaiunzirwa zuva nezuva.

Vhesi yandinonyanya kufarira ndiPisarema 25:16, 17. Munyori wepisarema iri anoteterera Mwari achiti: “Tendeudzirai chiso chenyu kwandiri, mundinzwire nyasha; nokuti ndiri ndoga uye ndinotambudzika. Kutambudzika kwomwoyo wangu kwawanda; haiwa ndibudisei munhamo dzangu.” Zvinonyaradza zvikuru kuziva kuti paunenge uchirwadziwa, Mwari anenge ainewe. Bhaibheri riri kundibatsira kuenderera mberi neupenyu hwangu uye kuisa pfungwa pazvinhu zvakanaka zvakadai sevimbiso inotaurwa muBhaibheri yekuti vakafa vachamutswa. Ndinotarisira kuzoonazve mhamha vangu vava neutano munyika inenge yava paradhiso.—2 Petro 3:13.

Ungada here kuziva mamwe mashoko anonyaradza vanenge vafirwa anowanikwa muBhaibheri? Dhaunirodha bhuku rinonzi “Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa.” Enda pawww.pr418.com, wotarisa pakanzi MABHUKU NEZVIMWEWO > MABHUKU UYE MABHUROCHA.