Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MAZANO OKUBATSIRA MHURI | WANANO

Zvaungaita Kuti Usaramba Uine Chigumbu

Zvaungaita Kuti Usaramba Uine Chigumbu

DAMBUDZIKO

Zviri kukuomera here kukanganwa kurwadziswa kwawakaitwa nemumwe wako? Zvava kuita kuti kuda kwawaimuita kutange kudzikira here? Mava kungogara henyu mose asi rudo pasisina here?

Usaora mwoyo, zvinhu zvinogona kugadzirisika. Asi chokutanga chaunofanira kuziva ndechokuti kuramba uine chigumbu kwakaipirei.

ZVAUNOFANIRA KUZIVA

Kuramba uine chigumbu kunoita kuti zvinhu zvisafamba mumba menyu

Kuramba uine chigumbu kunogona kuparadza imba yenyu. Sei? Kuti imba isimbe murume nomudzimai vanofanira kudanana, kuvimbana, uye kuzvipira. Asi kana ukaramba uine chigumbu hauzokwanisi kuita zvinhu zvitatu izvi. Saka kuramba uine chigumbu nderimwe dambudziko rauri kutomutsa kuwedzera pane rawagara unaro. Ndokusaka Bhaibheri richiti: ‘Bvisai kutsamwa nokupopota nokutuka.’VaEfeso 4:31.

Ndiwe unorwadziwa kana ukaramba uine chigumbu. Kuramba uine chigumbu kwakafanana nokuzvikwatura mbama wofunga kuti mumwe munhu ndiye acharwadziwa. “Munhu waunenge wakagumbukira anogona kunge asingatombozivi kuti wakagumbuka, achitonakidzwa zvake noupenyu,” akanyora kudaro Mark Sichel mubhuku rinonzi Healing From Family Rifts. Anowedzera kuti, “kuramba uine chigumbu kunokuvadza iwe kudarika munhu wawakagumbukira.”

Kuramba uine chigumbu kwakafanana nokuzvikwatura mbama wofunga kuti mumwe munhu ndiye acharwadziwa

Kuramba uine chigumbu kuda. Asi vamwe havazvibvumi. Vanoti, ‘Zvaakaita ndizvo zvakandigumbura.’ Asi dambudziko riripo nderokuti muupenyu haukwanisi kudzora maitiro emumwe munhu, chaunogona kudzora maitiro ako. Ndokusaka Bhaibheri richiti: ‘Mumwe nomumwe ngaaongorore maitiro ake.’ (VaGaratiya 6:4) Munhu anogona kutaura kana kuita zvaafunga asi isu ndisu tinotofanira kuona kuti tazvidzora kana tagumburwa. Kuramba uine chigumbu hakusi iko kuzvipedza.

ZVAUNGAITA

Unogona kuregerera mumwe wako. Zviri nyore kupomera mumwe wako. Asi yeuka kuti kuramba uine chigumbu kuda. Unogona kusarudza kumuregerera woita zvinotaurwa neBhaibheri pana VaEfeso 4:26 kuti: “Zuva ngarirege kuvira makatsamwa.” Kuregererana kunoita kuti mugadzirise matambudziko omumba menyu makadzikama.—Zvinotaurwa neBhaibheri: VaKorose 3:13.

Zviongorore. Bhaibheri rinotaura kuti vamwe ‘havatani kutsamwa uye vane hasha.’ (Zvirevo 29:22) Ndozvauri here? Zvibvunze kuti: ‘Ndinokurumidza kugumbuka here? Ndinotora nyaya duku ndoiita hombe here? Ndinoramba ndiine chigumbu here?’ Bhaibheri rinoti munhu “anoramba achitaura nezvenyaya yacho anoparadzanisa vaya vanoshamwaridzana.” (Zvirevo 17:9; Muparidzi 7:9) Zvinogona kuitikawo muwanano. Saka kana uchiramba uine chigumbu, zvibvunze kuti, ‘Ndingaitei kuti ndisakurumidza kugumbukira mumwe wangu?’—Zvinotaurwa neBhaibheri: 1 Petro 4:8.

Sarudza zvokuita. Bhaibheri rinoti pane “nguva yokunyarara nenguva yokutaura.” (Muparidzi 3:7) Pane zvimwe zvinhu zvokuti unogona kungosiyana nazvo ‘zvoperera mumwoyo mako, uri pamubhedha wako, woramba wakanyarara.’ (Pisarema 4:4) Asi kana waona kuti nyaya yacho haisi yokungosiya yakadaro, imbomira kusvikira hasha dzaserera. Mumwe mukadzi anonzi Beatriz anoti, “Kana ndagumburiswa ndinombomirira kuti hasha dziserere. Dzimwe nguva ndinotozoona kuti yanga isitombori nyaya hombe. Izvi zvinondibatsira kuti ndizotaura nezvayo ndakadzikama uye zvine ruremekedzo.”—Zvinotaurwa neBhaibheri: Zvirevo 19:11.

Ziva zvinorehwa nokuregerera. MuBhaibheri shoko rokuti regerera rinobudisa pfungwa yokuti siyana nazvo. Izvi hazvirevi kuti nyaya yacho hapana zviripo kana kuti woiona sokuti hapana chakaitika. Chiripo chete ndechokuti unosiya zvipfuure nokuti kuramba uine chigumbu kunotokurwarisa kana kutoparadza imba yako kudarika dambudziko raita kuti ugumbuke.