Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 12

Basa Redu Rekuparidza Umambo Rinoitwa Sei?

Basa Redu Rekuparidza Umambo Rinoitwa Sei?

Spain

Belarus

Hong Kong

Peru

Nguva pfupi asati afa, Jesu akati: “Aya mashoko akanaka eUmambo achaparidzwa munyika yese kuti ave uchapupu kumarudzi ese, mugumo wozosvika.” (Mateu 24:14) Asi basa iri rekuparidza pasi rese raizoitwa sei? Raizoitwa pachitevedzerwa zvakaitwa naJesu paaiva panyika.—Ruka 8:1.

Tinoedza kutaura nevanhu pamisha yavo. Jesu akadzidzisa vadzidzi vake kuti vaparidze mashoko akanaka paimba neimba. (Mateu 10:11-13; Mabasa 5:42; 20:20) Vaparidzi ivavo vekare vaipiwa nharaunda dzekuparidza. (Mateu 10:5, 6; 2 VaKorinde 10:13) Basa redu rekuparidza rakarongekawo saizvozvo, uye ungano imwe neimwe inopiwa nharaunda yayo yekuparidza. Izvi zvinotibatsira kuti “tiparidzire vanhu uye tipupure kwazvo,” sezvatakarayirwa naJesu.—Mabasa 10:42.

Tinoedza kuparidzira vanhu kwese kwavangawanika. Jesu akatisiyirawo muenzaniso nekuparidza kwaaiita munzvimbo dzaiwanika vazhinji dzakadai sepatsime kana pamahombekombe egungwa. (Mako 4:1; Johani 4:5-15) Isuwo tinotaura nevanhu nezveBhaibheri pese patinokwanisa, mungava mumigwagwa, munzvimbo dzemabhizimisi, mumapaki, kana kuti pafoni. Pese patinowana mukana tinoparidzirawo vavakidzani vedu, vatinoshanda navo, vekuchikoro, uye hama dzedu. Zvese izvi zviri kuita kuti mamiriyoni evanhu pasi rese anzwe ‘mashoko akanaka anoponesa.’—Pisarema 96:2.

Unogonawo here kuudza mumwe munhu mashoko akanaka eUmambo hwaMwari uye zvahuchamuitira mune ramangwana kana akateerera? Usachengeta mashoko aya anopa tariro. Udzawo vamwe nekukurumidza!

  • ‘Mashoko api akanaka’ anofanira kuziviswa vanhu?

  • Zvapupu zvaJehovha zviri kutevedzera sei Jesu pakuparidza?