Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 25

Dzimba dzeUmambo Dzinovakirwei Uye Dzinovakwa Sei?

Dzimba dzeUmambo Dzinovakirwei Uye Dzinovakwa Sei?

Bolivia

Nigeria, yekare uye itsva

Tahiti

Sezvinoratidzwa nezita rekuti Imba yeUmambo, Umambo hwaMwari ndihwo chinhu chikuru chinodzidziswa padzimba idzi pachishandiswa Bhaibheri, uye Umambo ihwohwo ndihwo hwaiva dingindira reushumiri hwaJesu.—Ruka 8:1.

Ndiyo nzvimbo inoungana vanamati vechokwadi munharaunda. PaDzimba dzeUmambo ndipo panorongwa basa rekuparidza mashoko akanaka eUmambo. (Mateu 24:14) Dzimba dzeUmambo dzakasiyana-siyana pakukura kwadzo uye pamavakirwo adzo. Dzese dzine mwero uye dzakawanda dzacho dzinoshandiswa neungano mbiri kana kupfuura. Mumakore achangopfuura, takavaka makumi ezviuru eDzimba dzeUmambo. Paavhareji, taivaka Dzimba dzeUmambo shanu pazuva zvichienderana nekuwandawo kuri kuita ungano dzedu. Tiri kuzvigona sei?—Mateu 19:26.

Mipiro yekuvaka inoiswa muhomwe imwe chete. Mari iyi inotumirwa kuhofisi yebazi kuti izopiwa ungano dzinenge dzichida kuvaka kana kugadzirisa Dzimba dzeUmambo.

Dzinovakwa nevanhu vanozvipira vanobva mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana. Munyika dzakawanda makarongwa Mapoka Ekuvaka Dzimba dzeUmambo. Mapoka evanovaka Dzimba dzeUmambo nevamwe vanozvipira, anoenda muungano dzakasiyana-siyana, kunyange dziri kure nemaguta, achibatsira ungano kuvaka Dzimba dzeUmambo munyika yacho. Mune dzimwe nyika, Zvapupu zvakakodzera zvinogadzwa kuti zvitungamirire basa rekuvaka uye kugadzirisa Dzimba dzeUmambo munharaunda dzazvo. Kunyange zvazvo vamwe vane ruzivo rwemabasa akasiyana-siyana vemunharaunda yacho vachizvipira kushandisa ruzivo rwavo panenge pachivakwa Imba yeUmambo, vanhu vemuungano yacho ndivo vanoita mabasa akawanda. Mweya waJehovha ndiwo unoita kuti basa iri ribudirire pamwe chete nekuzvipira nemweya wese kwevanhu vake.—Pisarema 127:1; VaKorose 3:23.

  • Sei dzimba dzedu dzekunamatira dzichinzi Dzimba dzeUmambo?

  • Chii chiri kuita kuti basa rekuvaka Dzimba dzeUmambo riri kuitwa pasi pese ribudirire?