Enda pane zvauri kuda

Ndivanaani Vainzi vaNefirimu?

Ndivanaani Vainzi vaNefirimu?

Mhinduro yeBhaibheri

 VaNefirimu dzaiva mhitsa dzaida zvechisimba dzakanga dzaberekwa nengirozi dzakaipa padzakarara nevakadzi mumazuva aNoa. a

  Bhaibheri rinoti “vanakomana vaMwari wechokwadi vakaona vanasikana vevanhu, kuti vakanga vakanaka.” (Genesisi 6:2) ‘Vanakomana vaMwari’ ivavo ingirozi dzakapandukira Mwari padzakasiya “nzvimbo yadzo yokugara yakakodzera” kudenga, dzichibva dzazvichinja ndokuva nemuviri wenyama uye dzakatanga ‘kutora madzimai, kureva ese adzakasarudza.’​—Judha 6; Genesisi 6:2.

  Vana vadzakabereka vakanga vakasiyana nevana vanoberekwa nevanhu. (Genesisi 6:4) VaNefirimu vaiva mhitsa uye vaidzvinyirira vamwe zvekuti nyika yese yakazara nechisimba. (Genesisi 6:13) Bhaibheri rinovatsanangura richiti “vaiva vanhu vaiva nesimba, vekare, vaiva nomukurumbira.” (Genesisi 6:4) Nanhasi vanozivikanwa sevanhu vaityisa uye vaida zvekurwisana nevamwe.​—Genesisi 6:5; Numeri 13:33. b

Nhema dzinotaurwa nevanhu nezvevaNefirimu

 Nhema: VaNefirimu vachiri kurarama panyika.

  Chokwadi nezvenyaya iyi: Jehovha akaita kuti mafashamo aparadze nyika sezvo yainge yazara nechisimba. VaNefirimu vakaparadzwa pamwe chete nevanhu vese vakaipa. Asi Noa nemhuri yake ndivo chete vakaponeswa naJehovha panguva iyoyo.​—Genesisi 6:9; 7:12, 13, 23; 2 Petro 2:5.

  Nhema: Vanababa vevaNefirimu vaiva vanhu.

  Chokwadi nezvenyaya iyi: Vanababa vavo vanonzi “vanakomana vaMwari wechokwadi.” (Genesisi 6:2) Bhaibheri rinoshandisa mashoko aya parinenge richitaura nezvengirozi. (Jobho 1:6; 2:1; 38:7) Ngirozi dzaimbova nesimba rekuzvichinja kuti dzive nemuviri wenyama. (Genesisi 19:1-5; Joshua 5:13-15) Muapostora Petro akataura ‘nezvemweya yaiva mujeri, yakanga isina kuteerera kare kushivirira kwaMwari pakwakanga kuchiri kumirira mumazuva aNoa.’ (1 Petro 3:19, 20) Achitaura nezvenyaya iyi, munyori weBhaibheri anonzi Judha akataura kuti dzimwe ngirozi hadzina “kuchengeta nzvimbo yadzo yepakutanga asi dzakasiya nzvimbo yadzo yokugara yakakodzera.”​—Judha 6.

  Nhema: VaNefirimu ingirozi dzakapanduka.

  Chokwadi nezvenyaya iyi: Mashoko akapoteredza Genesisi 6:4 anoratidza kuti vaNefirimu dzakanga dzisiri ngirozi, asi vaiva vana vakaberekwa pashure pekunge dzimwe ngirozi dzazvichinja, dzikava nemuviri wenyama ndokurara nevakadzi. Ngirozi padzakatanga ‘kutora madzimai, kureva ese adzakasarudza,’ Jehovha akataura kuti mumakore 120 aizoparadza nyika iyoyo yakanga yashata. (Genesisi 6:1-3) Nhoroondo yacho inoenderera mberi ichiti “mumazuva iwayo,” ngirozi dzainge dzava nemuviri wenyama ‘dzakaramba dzichirara nevanasikana vevanhu’ uye dzakabereka “vanhu vaiva nesimba, vekare,” vaNefirimu.​—Genesisi 6:4.

a Shoko rechiHebheru rakashandurwa kuti “vaNefirimu” rinogona kunge richireva “Vanhu Vanowisira Vamwe Pasi.” Bhuku rinonzi Wilson’s Old Testament Word Studies rinoti shoko iri rinoreva vaya “vakazviwisira pavanhu nechisimba, vachivatorera zvinhu zvavo, uye vachiita kuti vanhu vacho vawire pasi.”

b Kunenge kuti vasori vechiIsraeri pavakataura mashoko ari pana Numeri 13:33 vaifunga nezvenyaya dzavainzwa pamusoro pevaNefirimu, avo vakanga vava nemakore vafa.​—Genesisi 7:21-23.