Enda pane zvauri kuda

Nhamba Yokuti 666 Inorevei?

Nhamba Yokuti 666 Inorevei?

Mhinduro yeBhaibheri

 Bhuku rokupedzisira muBhaibheri rinotiudza kuti nhamba yokuti 666 izita rechikara chine misoro 7 nenyanga 10 chinobuda mugungwa. (Zvakazarurwa 13:1, 17, 18) Chikara ichi chinomirira masangano ose ematongerwo enyika anotonga “madzinza ose nevanhu nendimi norudzi.” (Zvakazarurwa 13:7) Kuna Mwari nhamba yokuti 666 inoratidza kuti masangano aya ematongerwo enyika akundikana zvakanyanya kutonga. Sei tichidaro?

  Zita racho rine zvarinoreva. Mazita anopiwa naMwari anenge aine zvaanoreva. Somuenzaniso, Mwari akapa Abramu (Baba Vanokudzwa) zita rokuti Abrahamu iro rinoreva kuti “Baba Vemarudzi (Akawanda),” paakamuvimbisa kuti aizova “baba vemarudzi mazhinji.” (Genesisi 17:5) Saka Mwari akapa chikara zita rokuti 666 sechiratidzo chine zvachinomiririra.

  Nhamba yokuti 6 inoratidza kusakwana. Bhaibheri rinowanzoshandisa nhamba kumiririra zvimwe zvinhu. Nhamba yokuti 7 inomiririra kuzara kana kuti kukwana. Uye 6 inomiririra kusazara kana kuti kukundikana pamberi paMwari uye inoshandisirwa kuvavengi vaMwari.—1 Makoronike 20:6; Dhanieri 3:1.

  Kudzokorora katatu kunoratidza kusimbisa. Pane dzimwe nguva Bhaibheri kana richida kusimbisa chimwe chinhu rinochidzokorora katatu. (Zvakazarurwa 4:8; 8:13) Saka nhamba yokuti 666 inoratidza zvakasimba kuti Mwari anoona masangano ose ematongerwo enyika kuti akundikana zvakanyanya. Masangano aya atadza kuita kuti panyika pave norugare norunyararo izvo zvichagonekwa noUmambo hwaMwari chete.

 Chiratidzo chechikara

 Bhaibheri rinoti vanhu vanogamuchira “chiratidzo chechikara” nokuti vanochitevera ‘vachichiyemura’ zvokuita senge vachachinamata. (Zvakazarurwa 13:3, 4; 16:2) Kunamata kwavanochiita kunooneka norukudzo rwavanopa kunyika yavo, kumauto enyika yavo nezvimwewo. Bhuku rinonzi The Encyclopedia of Religion rinoti: “Kutsigira nyika chatova chitendero chinoitwa nevanhu mazuva ano.” a

 Chiratidzo chechikara chinoiswa paruoko rwemunhu rwokurudyi uye pahuma sei? (Zvakazarurwa 13:16) Pamirayiro yaakapa rudzi rwevaIsraeri Mwari akati: ‘Muisungire sechiratidzo pamaoko enyu, uye inofanira kuva sechiyeuchidzo pahuma yenyu.’ (Dheuteronomio 11:18) Izvi zvakanga zvisingarevi kuti vaIsraeri vaifanira kuisa chiratidzo pamaoko avo nepahuma dzavo, asi chairehwa ndechokuti vaifanira kutungamirirwa nomutemo waMwari pazvose zvavaifunga kana kuita muupenyu. Saka ndizvowo zvinorehwa nenhamba yokuti 666, hazvirevi kuti munhu anotonyorwa nhamba iyi asi kuti zvinoreva kuti vanhu vanobvumira kuti masangano ematongerwo enyika atonge upenyu hwavo. Vanhu vane chiratidzo chechikara vanozviita vavengi vaMwari.—Zvakazarurwa 14:9, 10; 19:19-21.

a Onawo bhuku rinonzi Nationalism in a Global Era, peji 134; uye Nationalism and the Mind: Essays on Modern Culture, peji 94.