Enda pane zvauri kuda

Mwari Achandikanganwira Here?

Mwari Achandikanganwira Here?

Mhinduro yeBhaibheri

 Ehe, achakukanganwira kana ukaita zvaanotirayira kuti tiite kana taita chivi. Bhaibheri rinoti Mwari “akagadzirira kukanganwira” uye “achakanganwira zvikuru.” (Nehemiya 9:17; Pisarema 86:5; Isaya 55:7) Kana angotikanganwira, anenge atotikanganwira zvachose. Zvivi zvedu zvinobva ‘zvadzimwa.’ (Mabasa 3:19) Kana Mwari atikanganwira haazombomutsizve nyaya yacho nekuti iye anoti: “Handizoyeukizve chivi chavo.” (Jeremiya 31:34) Kana angotikanganwira haazoyeukizve zvivi zvatakaita achiitira kuti atipe mhosva kana kuti arambe achitiranga.

 Kunyange zvakadaro, Mwari haatiregereri nemhaka yekuti haakwanisi kutiranga kana kuti mwoyo wake unorwadziwa nekutiranga. Haazombofi akarega kuita zvakarurama. Ndokusaka asingakanganwiri zvimwe zvivi.​—Joshua 24:19, 20.

Zvaungaita kana uchida kuti Mwari akukanganwire

  1.   Bvuma kuti unenge waita zvisingadiwi naMwari. Kunyange zvazvo ungave warwadzisa vamwe nezvaunenge waita, chekutanga chaunofanira kuziva ndechekuti unenge watadzira Mwari.​—Pisarema 51:1, 4; Mabasa 24:16.

  2.   Nyengetera kuna Mwari uchireurura.​—Pisarema 32:5; 1 Johani 1:9.

  3.   Nyatsoratidza kuti uri kurwadziwa nezvawaita. “Kusuruvara sezvinodiwa naMwari” kunoita kuti munhu apfidze, kana kuti achinje mararamiro ake. (2 VaKorinde 7:10) Zvinosanganisirawo kuzvidemba pamusana pezvawakaita zvakazokonzera kuti uite chivi chacho.​—Mateu 5:27, 28.

  4.   ‘Tendeuka,’ kureva kuti chinja mararamiro ako. (Mabasa 3:19) Izvi zvingareva kuti haufaniri kudzokororazve chivi chacho kana kuti unofanira kusiya zvachose katsika kawakanga wava nako, kana kuti zvingareva kuti unotofanira kuchinja zvachose mafungiro nemararamiro ako.​—VaEfeso 4:23, 24.

  5.   Gadzirisa zvakanganisika zvacho. (Mateu 5:23, 24; 2 VaKorinde 7:11) Kumbira ruregerero kune vaunenge warwadzisa nemhaka yezvawaita kana kuti zvawakundikana kuita, uye ita zvese zvaunogona kuti uripe zvawakanganisa kana kuti udzorere zvawakatora.​—Ruka 19:7-10.

  6.   Nyengetera uchikumbira Mwari kuti akukanganwire achishandisa chibayiro chaJesu. (VaEfeso 1:7) Kuti munyengetero wako upindurwe, unofanira kukanganwirawo vamwe vakakutadzira.​—Mateu 6:14, 15.

  7.   Kana chivi chako chakakura, taura nemumwe munhu anogona kukubatsira kuti utangezve kufarirwa naMwari uye anogona kukunyengeterera.​—Jakobho 5:14-16.

Zvinhu zvisiri izvo zvinofungwa nevanhu panyaya yekukanganwirwa naMwari

 “Nezvandakaita izvi, handifungi kuti Mwari anondikanganwira.”

Dhavhidhi paakaita upombwe uye paakaurayisa Uriya, Mwari akamuregerera

 Sezvo Mwari achikanganwira zvikuru, kana tikangotevedzera zvaanotaura muBhaibheri, achatikanganwira. Anogona kukanganwira zvivi zvakakura kusanganisira zviya zvakaitwa kakawanda.​—Isaya 1:18.

 Semuenzaniso, Dhavhidhi, uyo aimbova mambo weIsraeri, akakanganwirwa paakaita upombwe uye paakaurayisa Uriya. (2 Samueri 12:7-13) Muapostora Pauro, uyo aiona sekuti ndiye akanga ari mutadzi mukuru kupfuura vamwe vese panyika, akakanganwirwawo. (1 Timoti 1:15, 16) Kunyange vaJudha avo vaiva nemhosva pamberi paMwari yekuuraya Jesu, vaizoregererwa kana vaizosiya maitiro avo akaipa.​—Mabasa 3:15, 19.

 “Kana ndikangoreurura kuna mufundisi, ndinobva ndatokanganwirwa zvivi zvangu.”

 Kana munhu atadzira Mwari, hapana munhu ane simba rekumuregerera kunze kwaMwari chete. Kunyange zvazvo kureurura kune mumwe munhu kuchiita kuti mutadzi anzwe kurerukirwa, Mwari chete ndiye anokwanisa kukanganwira.​—VaEfeso 4:32; 1 Johani 1:7, 9.

 Kana zvakadaro, saka Jesu airevei paakaudza vaapostora vake kuti: “Kana mukakanganwira zvivi zvevanhu chero vapi zvavo, ivo vachazvikanganwirwawo; kana mukachengeta zvevanhu chero vapi zvavo, izvo zvichachengetwawo”? (Johani 20:23) Aitaura nezvesimba raaizopa vaapostora pavaizowana mudzimu mutsvene.​—Johani 20:22.

 Vaapostora vakazowana simba iri ravakanga vavimbiswa pavakagamuchira chipo chemudzimu mutsvene muna 33 C.E. (Mabasa 2:1-4) Muapostora Petro akashandisa simba iri paaitonga nyaya yaAnaniyasi naSafira. Petro akabatsirwa nemudzimu mutsvene kuti azive unyengeri hwakanga hwaitwa naAnaniyasi naSafira, uye mutongo waakavapa wairatidza kuti chivi chavo chakanga chisingakanganwirwi.​—Mabasa 5:1-11.

 Chipo ichi chomudzimu mutsvene kungofanana nezvimwe zvipo zvakadai sekuporesa uye kutaura nendimi, zvakapera pakafa vaapostora. (1 VaKorinde 13:8-10) Saka mazuva ano hakuna munhu ane simba rekuregerera zvivi zvemumwe munhu.