Enda pane zvauri kuda

Mwari Akaita Kuti Zvinhu Zvishanduke-shanduke Here Kuti Pave Nemarudzi Akasiyana-siyana Ezvinhu Zvipenyu?

Mwari Akaita Kuti Zvinhu Zvishanduke-shanduke Here Kuti Pave Nemarudzi Akasiyana-siyana Ezvinhu Zvipenyu?

Mhinduro yeBhaibheri

 Aiwa. Bhaibheri rinonyatsotaura zvakajeka kuti Mwari akasika vanhu uyewo “marudzi” akasiyana-siyana emhuka nezvinhu zvinomera. a (Genesisi 1:12, 21, 25, 27; Zvakazarurwa 4:11) Rinotaura kuti vanhu vese vakabva kuna Adhamu naEvha, vabereki vedu vekutanga. (Genesisi 3:20; 4:1) Bhaibheri haritsigiri dzidziso yekuti Mwari akaita kuti zvinhu zvishanduke-shanduke kuti pave nemarudzi akasiyana-siyana ezvinhu zvipenyu. Asi harirambi zvinotaurwa nenyanzvi dzesainzi zvekuti zvinhu zverudzi rumwe chete zvinogona kusiyana-siyana.

 Mwari akaita kuti zvinhu zvishanduke-shanduke here?

 Vaya vanotenda kuti Mwari akasika zvinhu zvichikwanisa kuzoshanduka-shanduka vane pfungwa dzakasiyana-siyana dzekuti akazviita sei. Maererano neEncyclopædia Britannica, vamwe vanhu vanotenda kuti kuberekana kunoita zvisikwa zvemhando imwe chete ndiko kunoshandiswa naMwari kuti panyika pave nezvinhu zvipenyu.

 Kushanduka-shanduka kwacho kunogona kusanganisira pfungwa dzinotevera:

  •   Zvinhu zvese zvipenyu zvakabva kumadzitateguru mamwe chete kare kare.

  •   Rudzi rumwe chete rwechinhu chipenyu runogona kushanduka kuva chimwe chinhu chakatosiyana zvachose nechekutanga.

  •   Mwari ndiye akaita kuti kushanduka uku kuitike.

 Kushanduka-shanduka kunowirirana nezvinotaura Bhaibheri here?

 Dzidziso yekuti Mwari akaita kuti zvinhu zvishanduke-shanduke inopa pfungwa yekuti nhoroondo yeBhaibheri yekusikwa kwezvinhu iri muna Genesisi hainyatsotauri chokwadi. Asi Jesu akataura zviri muna Genesisi achiratidza kuti ndezvechokwadi. (Genesisi 1:26, 27; 2:18-24; Mateu 19:4-6) Bhaibheri rinotaura kuti asati auya panyika, Jesu akararama kudenga naMwari uye akabatsira Mwari pakuita kuti “zvinhu zvese” zvivepo. (Johani 1:3) Saka zvinotaurwa zvekuti Mwari akaita kuti zvinhu zvishanduke-shanduke kuti pave neupenyu hazvipindirani nezvinodzidziswa neBhaibheri.

 Kuchinja kunoita zvinomera nemhuka zvichienderana nenzvimbo yazviri, kushanduka-shanduka here?

 Bhaibheri haritsananguri kuti zvinhu zverudzi rumwe chete zvinogona kusiyana-siyana kusvika papi. Uye haripikisani nepfungwa yekuti marudzi akasiyana-siyana emhuka nezvinomera, anogona kuita achisiyana zvichienderana nenzvimbo yaari uye sezvaanoramba achiberekana. Kunyange zvazvo vamwe vachiona kuchinja ikoko sekushanduka-shanduka, hapana rudzi rutsva rwechinhu chipenyu runoumbwa.

a Bhaibheri rinoshandisa shoko rekuti “rudzi” iro rinoreva zvakawanda kupfuura shoko rinoshandiswa nenyanzvi dzesainzi rekuti “species.” Dzimwe nguva nyanzvi dzesainzi dzinoti pava nechimwe chinhu chipenyu chashanduka kubva pane chimwe, asi chokwadi ndechekuti chinenge chisina kumboshanduka, kunenge kuchingova kusiyana-siyana kwezvinhu zverudzi rumwe chete, sekushandiswa kunoitwa shoko racho munhoroondo yaGenesisi.