Enda pane zvauri kuda

Hero Iriko Zvechokwadi Here? Shoko Rekuti Hero Rinorevei muBhaibheri?

Hero Iriko Zvechokwadi Here? Shoko Rekuti Hero Rinorevei muBhaibheri?

Mhinduro yeBhaibheri

 MaBhaibheri eChirungu ekare akawanda akadai seKing James Version anoshandisa shoko rekuti “hero” mune mamwe mavhesi. (Pisarema 16:10; Mabasa 2:27 a) Mapikicha ari munyaya ino anoratidza zvinodzidziswa nezvitendero zvakawanda uye izvozvo zvinoita kuti vanhu vakawanda vafunge kuti hero inzvimbo ine moto usingadzimi inorangirwa vanhu vakaipa. Asi izvozvo ndizvo zvinodzidziswa neBhaibheri here?

Zviri munyaya ino

 Hero inzvimbo yekuti vanhu vanorangwa nekusingaperi here?

 Kwete. Shoko rechiHebheru rekuti “Sheori”; kana rechiGiriki rekuti “Hadhesi” rakatanga kushandurwa mumaBhaibheri ekare richinzi “hero” rinoreva kuti “Guva.” Bhaibheri rinoratidza kuti vanhu vari “muGuva” havasi vapenyu.

  •   Vakafa havana chavanoziva saka havakwanisi kurwadziwa. “Hamuna basa, kana kufunga, kana uchenjeri, kana ruzivo muhero.” (Muparidzi 9:10, Douay-Rheims Version) Muhero hamuna kuzara vanhu vanenge vachichema nekurwadziwa. Bhaibheri rinoti: “Vanhu vakaipa ngavanyadziswe, uye ngavanyarare muguva [hero, Douay-Rheims].”—Pisarema 31:17; King James Version (30:18, Douay-Rheims); Pisarema 115:17.

  •   Mwari akati rufu ndirwo chirango chechivi kwete kupiswa mumoto wehero. Mwari akaudza munhu wekutanga Adhamu kuti rufu ndirwo chirango chekutyora mutemo wake. (Genesisi 2:17) Haana kumbotaura nezvekupiswa nekusingaperi mumoto wehero. Adhamu paakazotadza, Mwari akamuudza chirango chake paakati: “Zvauri guruva uchadzokera kuguruva.” (Genesisi 3:19) Adhamu aisazovapo zvakare. Kudai Mwari akanga ari kumuendesa muhero yemoto, angadai akazvitaura. Mwari haana kuchinja chirango chaanopa vanhu vasingateereri mitemo yake. Makore akawanda pashure pekunge Adhamu afa, akafemera mumwe munyori weBhaibheri kuti ataure kuti: “Mubayiro wechivi ndirwo rufu.” (VaRoma 6:23) Hapana chikonzero chekuti munhu arangwe zvakare nekuti “uya anenge afa asunungurwa pachivi chake.”—VaRoma 6:7.

  •   Dzidziso yekuti vanhu vanorwadziswa nekusingaperi inonyangadza Mwari. (Jeremiya 32:35) Dzidziso iyoyo haienderani nezvinodzidziswa neBhaibheri zvekuti “Mwari rudo.” (1 Johani 4:8) Anoda kuti timunamate nekuti tinomuda kwete nekuti tinotya kuzorwadziswa nekusingaperi.—Mateu 22:36-38.

  •   Pane vanhu vakanaka vakaenda kuhero. MaBhaibheri anoshandisa shoko rekuti “hero” anoratidza kuti varume vakatendeka vakadai saJakobho naJobho vaitarisira kuenda kuhero. (Genesisi 37:35; Jobho 14:13) Kunyange Jesu Kristu anonzi aiva muhero paakanga akafa, asati amutswa. (Mabasa 2:31, 32) Saka zviri pachena kuti shoko rekuti “hero” parinoshandiswa mumaBhaibheri aya, rinenge richingoreva Guva. b

 Mufananidzo waJesu wemupfumi naRazaro unorevei?

 Mufananidzo uyu wakataurwa naJesu uri pana Ruka 16:19-31. Mifananidzo inyaya dzinotidzidzisa tsika dzakanaka uyewo maonerwo anoitwa zvinhu naMwari. Mufananidzo wemupfumi naRazaro haisi nyaya chaiyo yakatoitika. (Mateu 13:34) Kuti udzidze zvakawanda nezvemufananidzo uyu, verenga nyaya yakanzi “Mupfumi naRazaro Vaiva Vanaani?

 Hero inoreva here kuti munhu anenge achiziva kuti haana ushamwari naMwari?

 Kwete. Dzidziso yekuti vanhu vakafa vanokwanisa kuziva kuti havana ushamwari naMwari haienderani nezvinodzidziswa neBhaibheri, iro rinonyatsoratidza pachena kuti vakafa havana kana chavanoziva.—Pisarema 146:3, 4; Muparidzi 9:5.

 Pane munhu akambobudiswa muhero here?

 Hongu. Bhaibheri rinotaura nezvevanhu 9 vakaenda kuGuva (shoko iri rinoshandurwa richinzi “hero” mune mamwe maBhaibheri) asi vakamutswa kuti vavezve vapenyu. c Kudai vaiziva zvaiitika vari muhero, vangadai vakataura zvavakaona. Hapana kana mumwe chete pavanhu vese ivavo 9 akataura kuti airwadziswa kana kuti pane zvaiitika kwaari paaiva muguva. Nemhaka yei? Nekuti Bhaibheri rinodzidzisa kuti vakanga vasina chavanoziva, sezvinoitika kana munhu akafa nehope.—Johani 11:11-14; 1 VaKorinde 15:3-6.

a MaBhaibheri akawanda eChirungu emazuva ano haashandisi shoko rekuti “hero” pana Mabasa 2:27. Asi mamwe anoshandisa mashoko akadai seekuti “guva,” (New Century Version); “nzvimbo yevakafa,” (New International Version); “vakafa” (The Passion Translation). Mamwewo ndiwo anoshandisa shoko rechiGiriki rekuti “Hadhesi.”—Holman Christian Standard Bible, NET Bible, New American Standard Bible, English Standard Version.

b Ona bhokisi rakanzi “ Mashoko Akashandiswa Pakanyorwa Bhaibheri.”