Enda pane zvauri kuda

Bhaibheri Rinotii Panyaya Yekuzvida?

Bhaibheri Rinotii Panyaya Yekuzvida?

Mhinduro yeBhaibheri

 Bhaibheri rinotaura kuti hazvina kuipa kuti munhu ade zvaari asi haafaniri kuzonyanyisa. Kuzvida kunosanganisira kuzvibata zvakanaka, uye kusazvitarisira pasi. (Mateu 10:31) Kunyange zvazvo Bhaibheri richiratidza kuti vanhu vanofanira kukoshesa zvavari, harivakurudziri kufunga zvakangovanakira.

Ndiani watinofanira kutanga kuda?

  1.   Mwari ndiye anofanira kuva pekutanga mumwoyo medu. Bhaibheri rinoti murayiro mukuru pane yese ndeuyu: “Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose.”—Mako 12:28-30; Dheuteronomio 6:5.

  2.   Murayiro wechipiri ndeuyu: “Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.”—Mako 12:31; Revhitiko 19:18.

  3.   Kunyange zvazvo Bhaibheri risina murayiro unoti munhu anofanira kuzvida, parinotaura kuti “ida muvakidzani wako sezvaunozviita” rinenge richitoratidza kuti zvingori muvanhu kuti vazvide uye vazviremekedze uye izvozvo zvinobatsira asi havafaniri kuzonyanyisa.

Ndiani ainyanya kudiwa naJesu?

 Jesu aiziva kuti ndezvipi zvainyanya kukosha kupfuura zvimwe, uye akaratidza kuti aida Mwari, muvakidzani, uye aizvida zvine mwero. Akadzidzisa vadzidzi vake kuti vamutevedzere.—Johani 13:34, 35.

  1.   Ainyanya kuda Jehovha Mwari uye akazvipira pakuita basa raakapiwa. Akati, “Kuti nyika izive kuti ndinoda Baba, Baba zvavakandipa murayiro wokuita, ndizvo zvandiri kuita.”—Johani 14:31.

  2.   Jesu aida muvakidzani, uye akaratidza izvi nekubatsira vamwe uye akatosvika pakupa upenyu hwake achiitira isu.—Mateu 20:28.

  3.   Dzimwe nguva Jesu aimbozorora, aidya, uye aimbotandarawo nevateveri vake uye nevamwe vaaiona kuti vaigona kuzova vadzidzi vake; izvi zvinoratidza kuti aizvida zvine mwero.—Mako 6:31, 32; Ruka 5:29; Johani 2:1, 2; 12:2.

Kuda vamwe kupfuura zvaunozviita kuchaderedza mufaro wako kana kuti kuzviremekedza kwaunoita here?

 Aiwa, nekuti takasikwa nemufananidzo waMwari ane rudo rwukuru uye anofunga zvakanakira vamwe. (Genesisi 1:27; 1 Johani 4:8) Izvi zvinoreva kuti takasikwa tichikwanisa kuratidza vamwe rudo. Kuzvida kunokosha, asi chinonyanya kuita kuti tifare kuda Mwari uye kuitira vamwe zvinhu zvakanaka. Bhaibheri rinototi, “kupa kune mufaro mukuru kupfuura kugamuchira.”—Mabasa 20:35.

 Mazuva ano vanhu vakawanda vanoti kufara kunobva pakuita zvinhu zvakakunakira wozofunga vamwe gare gare. Vanoti “unofanira kuzvida” kwete “kuda muvakidzani.” Asi zviri kuitika zvinoratidza kuti munhu ane utano hwakanaka uye anofara, ndeuya anoteerera zvinotaura Bhaibheri parinoti: “Mumwe nomumwe ngaarege kuramba achitsvaka zvake oga, asi zvomumwe munhu.”—1 VaKorinde 10:24.