Enda pane zvauri kuda

Bhaibheri Rinogona Kukubatsira Here Kana Uine Dambudziko Reutano?

Bhaibheri Rinogona Kukubatsira Here Kana Uine Dambudziko Reutano?

Mhinduro yeBhaibheri

 Hongu. Mwari ane hanya nevashumiri vake vanenge vachirwara. Richitaura nezvemushumiri waMwari akatendeka, Bhaibheri rinoti: “Jehovha achamutsigira paanenge achirwara ari pamubhedha wake.” (Pisarema 41:3) Kana uine dambudziko reutano, zvinhu zvitatu zvinotevera zvinogona kukubatsira:

  1.   Nyengetera kuti uwane simba rekutsungirira. Unogona kuwana “rugare rwaMwari runopfuura kunzwisisa kwese” urwo ruchakubatsira kuti urege kunyanya kunetseka.​—VaFiripi 4:​6, 7.

  2.   Iva Nemaonero Akanaka. Bhaibheri rinoti: “Mwoyo wakafara unobatsira munhu kupora. Asi mweya wakaputsika unoomesa mapfupa.” (Zvirevo 17:​22, The Bible in Union Shona Version) Edza kuva munhu anofara. Kuita izvi kunokubatsira kuti usanyanya kufunga nezvedambudziko rako uye uve neutano hwakanaka.

  3.   Isa pfungwa dzako pazvinhu zvatinovimbiswa naMwari. Kunyatsotenda kuti zvinhu izvi ndezvechokwadi kunogona kukubatsira kuti ufare pasinei nedambudziko rako reutano. (VaRoma 12:​12) Bhaibheri rinoti pachasvika nguva pakuchange kusina “mugari wemo achati: ‘Ndiri kurwara.’” (Isaya 33:​24) Panguva iyoyo Mwari acharapa zvirwere zvese zviri kutadza kupedzwa navanachiremba mazuva ano. Semuenzaniso, panyaya yekubviswa kuchaitwa kukwegura Bhaibheri rinoti: “Nyama yake ngaive itsva kupfuura paaiva mudiki; ngaadzokere kumazuva esimba reudiki hwake.”​—Jobho 33:25.

 Ziva kuti: Kunyange zvazvo Zvapupu zvaJehovha zvichiziva kuti Mwari anobatsira, zvinoendawo kuchipatara kana zviine matambudziko eutano. (Mako 2:​17) Asi hatina marapiro atinoti ndiwo akanaka kupfuura mamwe. Munhu mumwe nemumwe anofanira kuzvisarudzira.