Enda pane zvauri kuda

Kusvuta Kwakaipa Here?

Kusvuta Kwakaipa Here?

Mhinduro yeBhaibheri

 Bhaibheri haritauri nezvekusvuta a kana kushandisa fodya. Asi rinoratidza kuti Mwari haadi zvinhu zvisina kuchena uye zvinokanganisa utano. Saka haabvumiri kusvuta.

  •   Kukoshesa upenyu. “Mwari . . . anopa vanhu vose upenyu nemhepo yokufema .” (Mabasa 17:24, 25) Sezvo upenyu huri chipo chinobva kuna Mwari, hatifaniri kuita zvinhu zvinodimburira upenyu panzira zvakadai sekusvuta. Pasi rese, kusvuta ndicho chimwe chinhu chiri kuuraya vanhu vanga vasingafaniri kufa.

  •   Kuda muvakidzani. “Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.” (Mateu 22:39) Kusvuta pane vanhu hakuratidzi rudo. Vaya vanogara vachifema chiutsi chevanhu vari kusvuta fodya, vari pangozi yekubatwa nezvirwere zvinobata vanosvuta vacho.

  •   Kuva vatsvene. Ipai “miviri yenyu sechibayiro chipenyu, chitsvene, chinogamuchirika kuna Mwari.” (Varoma 12:1) ‘Ngatizvichenesei pazvinhu zvose zvinosvibisa nyama nemweya, tichikwanisa utsvene pakutya Mwari.’ (2 VaKorinde 7:1) Kusvuta kunoita kuti munhu ave asina kuchena nekuti vaya vanosvuta vanenge vachitosvibisa miviri yavo nezvinhu zvinovakuvadza.

Bhaibheri rine zvarinotaura here nezvekushandisa mbanje nemamwe madhiragi zvekungonakidzwa chete?

 Bhaibheri haritauri nezvembanje kana kuti mamwe madhiragi nemazita. Asi rinoratidza kuti kushandisa zvinhu zvinodhaka izvi zvekungonakidzwa, hakuna kunaka.Kuwedzera pazvinhu zvambotaurwa, fungawo zvinhu zvinotevera:

  •   Kudzora pfungwa dzedu. “Ida Jehovha Mwari wako . . . nepfungwa dzako dzose.” (Mateu 22:37, 38) “Nyatsosvinurirai.” (1 Petro 1:13) Munhu haakwanisi kudzora pfungwa dzake paanenge achishandisa madhiragi, uye vakawanda vanotopindwa muropa nawo. Pfungwa dzavo dzinenge dzangova pakushandisa madhiragi pane kuti vafunge zvinhu zvinobatsira.—VaFiripi 4:8.

  •   Kuteerera mitemo yenyika. ‘Teererai hurumende nevanhu vane masimba.’ (Tito 3:1) Munyika dzakawanda kune mitemo inorambidza kushandiswa kwemamwe madhiragi. Kana tichida kufadza Mwari, tinofanira kuteerera zvinotaurwa nehurumende.—VaRoma 13:1.

a Kusvuta kunosanganisira fodya yemidzanga, yechikwepa, kana kuti inosvetwa nemumapaipi. Asi mazano achataurwa munyaya ino anoshandawo panyaya yefodya yekutsenga, yebute neimwewo.