Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Utano

Utano

Bhaibheri harisi bhuku rezveutano. Asi rine mazano anotibatsira panyaya dzeutano. Inzwa zvimwe zvinotaurwa neBhaibheri zvinogona kukubatsira kuti uve neutano hwakanaka.

CHENGETEDZA UTANO HWAKO

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: ‘Hapana munhu akambovenga muviri wake, asi anoupa zvekudya uye anouchengeta.’​—VaEfeso 5:29.

ZVAZVINOREVA: Tinofanira kuita zvese zvatinogona kuti tichengetedze utano hwedu. Imwe ongororo yakaratidza kuti zvirwere zvakawanda zvinokonzerwa nemararamiro atinoita. Saka kana tikava nemararamiro akanaka, tichava neutano hwakanaka.

ZVAUNOGONA KUITA:

  • Idya Zvinhu Zvine Utano. Kuti uve neutano hwakanaka unofanira kudya zvinhu zvine utano uye kugara uchinwa mvura.

  • Ita Maekisesaizi. Maekisesaizi anobatsira panyaya dzeutano pasinei nezera rako, kuremara kana kuti kurwara. Hama neshamwari uye vanachiremba vanogona kukubatsira panyaya iyi, asi iwe ndiwe unotofanira kushanda nesimba kuti zvifambe!

  • Wana Nguva Yakakwana Yekurara. Kana ukaita nguva yakareba usiri kurara zvakakwana, unogona kubatwa nezvirwere. Vakawanda vanotadza kuwana nguva yakakwana yekurara vachiita zvimwe zvinhu panguva yavanga vachifanira kurara. Asi kana ukazvipa nguva yakakwana yekurara, zvichakubatsira kuti uve neutano hwakanaka.

USAITA ZVINHU ZVINOKUKUVADZA

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Ngatizvichenesei pazvinhu zvese zvinosvibisa nyama nemweya.”​—2 VaKorinde 7:1.

ZVAZVINOREVA: Hatifaniri kuputa fodya nekuti inosvibisa miviri yedu uye inogona kuita kuti tirware kana kufa chaiko.

ZVAUNOGONA KUITA: Sarudza musi waunoda kuisiya, wobva wanyora pakarenda. Kana kwasara zuva rimwe chete, rasa fodya dzaunenge uinadzo, zvigusvani, kana zvimwe zvinhu zvaunoshandisa pakuputa. Usaenda kunzvimbo dzine vanhu vanoputa. Udza vanhu vanotsigira zvawasarudza kuti vakubatsire kuti usadzokera kumashure.

ZVIMWE ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

Kana uchida Bhaibheri unogona kutaura nemumwe weZvapupu zvaJehovha ari kwaunogara

USAITA ZVINHU ZVINOKUPINZA MUNJODZI.

“Kana ukavaka imba, unofanira kuvaka kamudhuri kanopoteredza denga racho, kuti urege kuisa mhosva yekudeura ropa paimba yako mumwe munhu adonha achibva pairi.”​—DHEUTERONOMI 22:8.

DZORA HASHA.

“Munhu anononoka kutsamwa ane ungwaru kwazvo, asi asina mwoyo murefu anoratidza upenzi hwake.”​—ZVIREVO 14:29.

USADYISA.

“Usava pakati . . . pevaya vanodyisa.”​—ZVIREVO 23:20.