Enda pane zvauri kuda

Jesu Akamutswa Aine Muviri Wenyama Here?

Jesu Akamutswa Aine Muviri Wenyama Here?

Mhinduro yeBhaibheri

 Bhaibheri rinoti Jesu ‘akaurayiwa panyama, asi akaitwa mupenyu mumudzimu.’​—1 Petro 3:18; Mabasa 13:34; 1 VaKorinde 15:45; 2 VaKorinde 5:16.

 Mashoko akataurwa naJesu pachake anoratidza kuti aisazomutswa aine muviri wake wenyama neropa. Akati aizopa ‘nyama yake sorudzikinuro nokuda kwoupenyu hwenyika.’ (Johani 6:51; Mateu 20:28) Kudai akamutswa aine muviri wenyama zvaizofanana nokuti haana kupa rudzikinuro rwacho. Izvozvo zvaisazoita, nokuti Bhaibheri rinoti akapa nyama yake neropa rake “kamwe chete zvachose.”—VaHebheru 9:​11, 12.

Kana Jesu akamutswa asina muviri wenyama, sei vadzidzi vake vaikwanisa kumuona?

  •  Ngirozi dzinokwanisa kuchinja miviri yadzo kuti dzionekwe nevanhu. Somuenzaniso, ngirozi dzakamboita izvi dzaitokwanisa kudya nekunwa nevanhu. (Genesisi 18:​1-8; 19:​1-3) Kunyange zvakadaro, dzakanga dzichiri ngirozi uye dzaigona kuchinja miviri yadzo kuti dzidzokere kudenga.​—Vatongi 13:15-​21.

  •  Pashure pekunge Jesu amutswa, aimbopota achichinjawo kuti aonekwe nevanhu, sezvakamboitwa nengirozi. Sezvo aiva nemuviri wakafanana newengirozi, aikwanisa kungoerekana ava pakati pavo kana kuti kungonyangarika. (Ruka 24:31; Johani 20:19, 26) Jesu aichinja-chinja muviri wake wenyama. Ndicho chikonzero nei kunyange shamwari dzake dzepedyo dzaigona kungomuziva chete nezvaaitaura kana kuti zvaaiita.​—Ruka 24:30, 31, 35; Johani 20:14-​16; 21:​6, 7.

  •  Jesu akazviratidza kumuapostora Tomasi aine muviri une mavanga. Akaita izvi kuti asimbise kutenda kwaTomasi, uyo akanga asina chokwadi chekuti Jesu akanga amutswa.​—Johani 20:24-29.