Enda pane zvauri kuda

Ndivanaani Vane Mazita Ari “Mubhuku Roupenyu”?

Ndivanaani Vane Mazita Ari “Mubhuku Roupenyu”?

Mhinduro yeBhaibheri

 “Bhuku roupenyu,” iro rinonziwo “mupumburu woupenyu” kana kuti “bhuku rokuyeuchidza,” rine mazita evanhu vachawana chipo choupenyu husingaperi. (Zvakazarurwa 3:5; 20:12; Maraki 3:16) Mwari anonyora mazita aya zvichienderana nokuvimbika kwavo kwaari.​—Johani 3:16; 1 Johani 5:3.

 Mwari anoyeuka mumwe nomumwe wevashumiri vake vakatendeka, sokunge kuti ari kunyora mazita avo mubhuku, kunyange vaya vakatanga kurarama “kubvira pakuvambwa kwenyika.” (Zvakazarurwa 17:8) Zvinoratidza sokuti munhu akatanga kunyorwa mubhuku roupenyu aiva Abheri murume akatendeka. (VaHebheru 11:4) Asi uku hakusi kungonyorawo zvako mazita nokuti bhuku roupenyu rinotiratidza kuti Jehovha ndiMwari ane rudo “anoziva vaya vari vake.”—2 Timoti 2:19; 1 Johani 4:8.

Mazita anenge anyorwa “mubhuku roupenyu” anogona kudzimwa here?

 Hongu. Mwari akataura nezvevanhu vaisateerera vaiva murudzi rwevaIsaeri vekare kuti: “Munhu wose akanditadzira, ndiye wandichadzima mubhuku rangu.” (Eksodho 32:33) Asi kana tikaramba takatendeka, mazita edu acharamba ari ‘mumupumburu woupenyu.’​—Zvakazarurwa 20:12.