Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA | VAKAFA VACHARARAMAZVE HERE?

Tinoziva Sei Kuti Vakafa Vachamuka?

Tinoziva Sei Kuti Vakafa Vachamuka?

Kufunga kuti vakafa vachararamazve kupusa here? Muapostora Pauro ainge asingafungi kuti kupusa. Akafemerwa kunyora kuti: “Kana takava netariro muna Kristu muupenyu huno chete, tiri vanhu vanosiririsa kupfuura vanhu vose. Zvisinei, zvino Kristu akamutswa kuvakafa, icho chibereko chokutanga pane vaya vakarara murufu.” (1 VaKorinde 15:19, 20) Pauro aiva nechokwadi chekuti vakafa vachamutswa. Kumutswa kwakaitwa Jesu pachake kunoita kuti tive nechokwadi chekuti vakafa vachamutswa. * (Mabasa 17:31) Ndosaka Pauro akati Jesu “chibereko chokutanga,” zvichireva kuti ndiye aiva wekutanga kumutswa kuti ararame nekusingaperi. Sezvo Jesu aiva wekutanga, zvine musoro kutenda kuti kune vamwe vachamutswa.

Jobho akaudza Mwari kuti: “Muchasuwa basa remaoko enyu.”—Jobho 14:14, 15

Jehovha ndiMwari anotaura chokwadi. ‘Mwari haarevi nhema.’ (Tito 1:2) Ichi ndicho chimwe chinhu chinogona kuita kuti uve nechokwadi chekuti vakafa vachamuka. Jehovha haasati ambonyepa uye hapana paachazombonyepa. Angatipa tariro yekuti vakafa vachamuka, otiratidza kuti anogona kuvamutsa, asi ozotadza kuzadzisa zvaanovimbisa here? Haangambodaro!

Sei Jehovha akaita urongwa hwekuti azomutsa vakafa? Nekuti ane rudo. Jobho akabvunza kuti, “Kana murume . . . akafa, angararamazve here?” “Muchashevedza, uye ini ndichakupindurai. Nokuti muchasuwa basa remaoko enyu.” (Jobho 14:14, 15) Jobho aiva nechokwadi chekuti Baba vake vekudenga vane rudo vaizova nechido chakasimba chokumumutsa. Mwari akachinja here panyaya iyi? Anoti: “Ndini Jehovha; handina kuchinja.” (Maraki 3:6) Mwari achine chido chakasimba chekuona vakafa vachimuka, vaine utano uye vachifara. Ichi ndicho chido chingava nemubereki chero upi zvake anenge afirwa nemwana. Zvinozongosiyana pakuti Mwari ane simba rekuita zvaanenge achida.—Pisarema 135:6.

Rufu ndicho chinhu chakaipisisa, asi Mwari ane simba rekugadzirisa dambudziko racho

Jehovha achapa Mwanakomana wake simba rekuti amutse vakafa uye vaya vakafirwa vachafara zvekufara zviya. Jesu anonzwawo sei nezvenyaya yekumutsa vakafa? Asati amutsa Razaro, Jesu akaona kushungurudzika kwaiita hanzvadzi dzaRazaro, neshamwari dzake, uye iye pachake “akasvimha misodzi.” (Johani 11:35) Pane imwe nguva, Jesu akaona imwe chirikadzi yemuguta reNaini yainge yafirwa nemwanakomana wayo mumwe chete. Jesu akasiririswa naye, ndokuti kwaari: ‘Rega kusvimha misodzi.’ Akabva amutsa mwanakomana wacho. (Ruka 7:13) Saka Jesu anorwadziwa paanoona vanhu vachishungurudzika uye vachifa. Achafara chaizvo paachaita kuti vanhu vakanganwe zvekuchema, vova nemufaro munyika yose!

Wakamboshungurudzika here? Unogona kufunga kuti rufu rucharamba ruripo nariini. Asi harusi kuzoramba rwuripo nekuti Mwari achaita kuti Mwanakomana wake amutse vakafa. Ziva kuti Mwari anoda kuti uzoona izvi zvichiitika. Anoda kuti uzovapo uchimbundira hama dzako zvakare. Chimbofunga hako tichironga zvatichada kuzoita muupenyu, pasina kufunga kuti rimwe zuva tichazofa.

Lionel, ambotaurwa nezvake, anoti: “Pakupedzisira, ndakazodzidza nezverumuko. Pakutanga zvaindiomera kutenda kuti zvichaitika, uye ndaisavimba nemunhu akandiudza nezvazvo. Asi ndakatarisa muBhaibheri ndikaona kuti chaiva chokwadi! Ndatononokerwa nekuona sekuru vangu vachimutswa.”

Ungada kuziva zvimwe here? Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukuratidza muBhaibheri rako kuti sei vaine chokwadi chekuti vakafa vachamutswa. *

^ ndima 3 Kuti uwane uchapupu hwekuti Jesu akamutswa, ona bhuku rinonzi Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu? peji 78-86. Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.