Enda pane zvauri kuda

Bhaibheri Rinotii Nezvekutsanya?

Bhaibheri Rinotii Nezvekutsanya?

Mhinduro yeBhaibheri

 Kare, kutsanya kwaigamuchirwa naMwari kana kuchinge kwaitwa nezvikonzero zvakanaka. Asi Mwari aisafarira vanhu vaitsanya nezvikonzero zvisina kunaka. Mazuva ano, Bhaibheri haripi mutemo wekuti munhu atsanye kana kuti asatsanye.

Zvii zvaiita kuti vamwe vanotaurwa muBhaibheri vatsanye?

  •   Pavaitsvaga kubatsirwa uye kutungamirirwa naMwari. Vanhu vakanga vari parwendo rwekuenda kuJerusarema vakatsanya kuti vanyatsoratidza kuti vaida kubatsirwa naMwari. (Ezra 8:21-23) Pane dzimwe nguva, Pauro naBhanabhasi vakatsanya pavaigadza vakuru veungano.—Mabasa 14:23.

  •   Pavaiita zvinodiwa naMwari. Jesu paakabhabhatidzwa, akatsanya kwemazuva 40 achigadzirira kuita kuda kwaMwari muushumiri hwake hwaaizotanga.—Ruka 4:1, 2.

  •   Pavairatidza kuti vakanga vapfidza zvivi zvavo. Mwari akashandisa muprofita Joeri kuudza vaIsraeri vakanga vatsauka kuti: ‘Dzokai kwandiri nemwoyo yenyu yose, muchitsanya, muchisvimha misodzi uye muchiungudza.’—Joeri 2:12-15.

  •   Pavaichengeta Zuva Rokuyananisira. PaMutemo wakapiwa vaIsraeri naMwari paiva newekuti vatsanye paZuva Rokuyananisira raiitwa kamwe chete pagore.  a (Revhitiko 16:29-31) Kutsanya panguva iyi kwakanga kwakakodzera nekuti kwaivayeuchidza kuti vakanga vaine chivi uye kuti vaitoda kuregererwa naMwari.

Vamwe vanotsanya nekuda kwezvikonzero zvipi zvisina kunaka?

  •   Kuda kufadza vanhu. Jesu akadzidzisa kuti munhu anofanira kuzvisarudzira kana achida kutsanya uye ndezvake iye naMwari chete.—Mateu 6:16-18.

  •   Kuda kuonekwa sevakarurama. Kutsanya handiko kunoratidza kuti munhu anonamata chaizvo uye ane tsika dzakanaka.—Ruka 18:9-14.

  •   Kuda kuvharidzira zvivi zvavanenge vaita nemaune. Mwari aingogamuchira kutsanya kwevanhu vainge vapfidza nemwoyo wese voedza kumuteerera.—Isaya 58:3, 4.

  •   Kungoitira mutemo. Mwari haafariri vanhu vanomuda zvekumanikidzirwa. Anoda kuti zvibve pamwoyo.—Isaya 58:5-7.

VaKristu vanofanira kutsanya here?

 Kwete. Mwari akanga apa vaIsraeri mutemo wekuti vatsanye paZuva Rokuyananisira asi zvakazochinja Jesu paakafira zvivi zvevanhu vese vanopfidza. (VaHebheru 9:24-26; 1 Petro 3:18) VaKristu havasi pasi peMutemo waMosesi waitaura nezveZuva Rokuyananisira. (VaRoma 10:4; VaKorose 2:13, 14) Saka muKristu mumwe nemumwe anozvisarudzira kuti otsanya here kana kuti orega.—VaRoma 14:1-4.

 VaKristu vanoziva kuti kutsanya handiko kunoita kuti kunamata kwavo kugamuchirwe. Bhaibheri harimbotauri kuti munhu akatsanya anobva afara. ChiKristu chechokwadi chinooneka nemufaro, zvichiratidza unhu hwaJehovha uyo ari “Mwari anofara.”—1 Timoti 1:11; Muparidzi 3:12, 13; VaGaratiya 5:22.

Nhema dzinotaurwa nevanhu nezvekutsanya

 Zvavanofunga: Muapostora Pauro akati vaKristu vakaroorana vanofanira kutsanya.—1 VaKorinde 7:5, King James Version.

 Chokwadi nezvenyaya iyi: Zvinyorwa zveBhaibheri zvekare hazvitauri nezvekutsanya pana 1 VaKorinde 7:5. b Vaikopa Bhaibheri ndivo vakazowedzera mashoko nezvekutsanya, kwete pavhesi ino chete asiwo nepana Mateu 17:21; Mako 9:29; uye Mabasa 10:30. MaBhaibheri akawanda haana mashoko aya ekunyepa.

 Zvavanofunga: VaKristu vanofanira kutsanya vachiyeuka kutsanya kwakaita Jesu kwemazuva 40 ari murenje pashure pekunge abhabhatidzwa.

 Chokwadi nezvenyaya iyi: Jesu haana kurayira kuti vanhu vazotsanya vachimutevedzera uye muBhaibheri hapana panotaura kuti vaKristu vepakutanga vakazviita. c

 Zvavanofunga: VaKristu vanofanira kutsanya pavanenge vachiyeuka rufu rwaJesu.

 Chokwadi nezvenyaya iyi: Jesu haana kumboudza vadzidzi vake kuti vatsanye pavaizenge vachimuyeuka. (Ruka 22:14-18) Jesu paakati vadzidzi vake vaizotsanya pashure pekunge afa, akanga asiri kupa murayiro wezvaifanira kuzoitwa asi akanga ari kungotaura zvaizoitika. (Mateu 9:15) Bhaibheri rakati vaya vakanga vaine nzara vabve kumba kwavo vadya vasati vauya kuzoyeuka rufu rwaJesu.—1 VaKorinde 11:33, 34.

a Mwari akaudza vaIsraeri kuti: “Munofanira kuzvishungurudza” paZuva Rokuyananisira. (Revhitiko 16:29, 31; Bhaibheri Rinoera) Mashoko aya anonzi anoreva kutsanya. (Isaya 58:3) Saka, Bhaibheri Dzvene muchiShona Chanhasi rinoshandisa mashoko ekuti: “Munofanira kutsanya.”

b Ona Textual Commentary on the Greek New Testament, yaBruce M. Metzger, Third Edition, peji 554.

c Nezvekutsanya kunoita vanhu kwemazuva 40, bhuku rinonzi New Catholic Encyclopedia rinoti: “Mumakore 300 chiKristu chichangotanga, vanhu pavaigadzirira Isita vaitsanya kwenguva isingapfuuri vhiki; kazhinji kacho vaingotsanya kwezuva rimwe chete kana kuti maviri. . . . Nyaya yekutsanya kwemazuva 40 inotanga kuoneka muCouncil of Nicaea (325), kunyange zvazvo dzimwe nyanzvi dzichifunga kuti handiyo yaitaurwa.”—Second Edition, Volume 8, peji 468.