Enda pane zvauri kuda

Ndiani Anopesana naKristu?

Ndiani Anopesana naKristu?

Mhinduro yeBhaibheri

 Anopesana naKristu haasi munhu mumwe chete kana kuti sangano, nokuti Bhaibheri rinoti “vanopesana naKristu vazhinji.” (1 Johani 2:18) Mashoko okuti “anopesana naKristu,” anobva mushoko rechiGiriki rinoreva “kupikisa Kristu,” achireva munhu wose anoita zvinotevera:

 Bhaibheri parinotaura nezvemunhu “anopesana naKristu” rinogona kureva munhu mumwe chete kana kuti boka revanhu rinoita zvataurwa pamusoro apa. (2 Johani 7) Munhu anopesana naKristu akatanga kuoneka panguva dzevaapostora uye nanhasi achiripo. Uprofita hweBhaibheri hwakagara hwataura nezvekuvapo kwake.​—1 Johani 4:3.

Maziviro atingaita vanhu vanopesana naKristu

  •   Vanotaura nhema pamusoro paJesu. (Mateu 24:​9, 11) Somuenzaniso, vaya vanodzidzisa nezveUtatu kana kuti vanodzidzisa kuti Jesu ndiMwari Wemasimbaose vanopikisana nezvakadzidziswa naJesu, uyo akati: “Baba vakuru kwandiri.”​—Johani 14:28.

  •   Vanhu vanopesana naKristu vanoramba zvinotaurwa naJesu nezveUmambo hwaMwari. Somuenzaniso, vamwe vatungamiriri vezvitendero vanoti Kristu anewo zvaanoita muhurumende dzevanhu. Asi dzidziso iyi haienderani nezvakataurwa naJesu, uyo akati: “Umambo hwangu hahusi hwenyika ino.”​—Johani 18:36.

  •   Vanoti Jesu ndiye Ishe wavo, asi havatevedzeri mitemo yake, kusanganisira wekuti vaparidze mashoko akanaka eUmambo.​—Mateu 28:19, 20; Ruka 6:46; Mabasa 10:42.