Enda pane zvauri kuda

MAZANO EKUBATSIRA MHURI | WANANO

Ungava Sei Nemwoyo Murefu?

Ungava Sei Nemwoyo Murefu?

 “Zuva rega rega pane zvinotoitika chete zvinobudisa pachena kuti murume nemudzimai vane mwoyo murefu here. Paunenge usati waroora kana kuroorwa, kuva nemwoyo murefu kunogona kuita sekusingakoshi, asi unhu uhwu hunokosha chaizvo kuti wanano ibudirire.”—John.

 Nei uchifanira kuva nemwoyo murefu?

  •   Zviri nyore kuona zvikanganiso zvewawakaroorana naye.

     “Paunenge wajairana neupenyu hwemuwanano, zviri nyore kuramba uchingoona unhu husinganakidzi hwemumwe wako. Kana mafungiro iwayo angotanga, zviri nyore kusava nemwoyo murefu.”—Jessena.

  •   Kushaya mwoyo murefu kunogona kuita kuti utaure usina kufunga.

     “Ndinokurumidza kubudisa manzwiro andinenge ndichiita zvekuti dzimwe nguva ndinotaura zvinhu zvisingaiti. Kudai ndiine mwoyo murefu, pamwe ndaizotanga ndafunga kuti zvandiri kuda kutaura izvi zvine basa here, zvimwe ndosarudza kungonyarara.”—Carmen.

     Bhaibheri rinoti: “Rudo rune mwoyo murefu uye rune mutsa.” (1 VaKorinde 13:4) Tinogona kungofunga kuti vanhu vaviri vanodanana vanoitirana mwoyo murefu. Asi izvi handizvo zvinoitika nguva dzese. John, ambotaurwa pekutanga anoti, “Kungofanana nehumwe unhu hwakanaka, zvinotora nguva kuti uzova nemwoyo murefu asi unhu ihwohwo hunogona kungopera nenguva diki diki. Zvinotoda kushanda nesimba kuti uwedzere kuva nemwoyo murefu.”

 Ungaratidza sei mwoyo murefu?

  •   Kana pakaerekana paitika chimwe chinogona kuita kuti zvikuomere kuva nemwoyo murefu.

     Semuenzaniso: Mumwe wako anotaura mashoko anokurwadza. Unonzwa uchida kudzorerawo.

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “Usakurumidza kugumbuka, nekuti kugumbuka chiratidzo chebenzi.”—Muparidzi 7:9, mashoko emuzasi.

     Maratidzire aungaita mwoyo murefu: Chimbomira. Usati wapindura, zviudze kuti mumwe wako haasi kuda kukurwadzisa kana kukutuka nezvaataura. “Vazhinji vedu tinopindura zvinoenderana nezvatinofunga kuti ndizvo zviri kurehwa nemumwe wedu kwete zvaari kureva chaizvo kana kuti zvaataura,” rinodaro bhuku rinonzi Fighting for Your Marriage.

     Kunyange kana mumwe wako anga achida kukudenha zvechokwadi, kuzvidzora uchiratidza mwoyo murefu kunogona kuita sekudzima moto pane kuukuchidzira. “Kana pasina huni, moto unodzima,” rinodaro Bhaibheri.—Zvirevo 26:20.

     “Kana ukatanga kuona sekuti mudzimai wako muvengi wako, mira wombofunga kuti nei uchimuda wobva wakurumidza kuedza kumuitira chimwe chinhu chakanaka.”—Ethan.

     Zvekufunga nezvazvo:

    •  Unoita sei kana mumwe wako akataura kana kuita chimwe chinhu chisina kunaka?

    •  Ungawedzera sei kuva nemwoyo murefu kana zvikaitika zvakare pane imwe nguva?

  •   Kana mumwe wako akaramba achingodzokorora chimwe chinhu chinokugumbura.

     Semuenzaniso: Mumwe wako anogara achinonoka, zvekuti unomumirira uye unotowedzera kutsamwa paunoramba wakamumirira.

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “Rambai muchinzwisisana uye muchiregererana nemwoyo wese.”—VaKorose 3:13.

     Maratidzire aungaita mwoyo murefu: Edza kuisa wanano yenyu pekutanga pane kungofunga zvakanakira iwewe chete. Zvibvunze kuti, ‘Kugumbuka kana kuitisana nharo nemumwe wangu nezvenyaya iyi kuchaita kuti tiwedzere kudanana here kana kuti kwete?’ Yeukawo kuti “tese tinokanganisa kazhinji.” (Jakobho 3:2) Zvinoreva kuti newewo une zvaunofanira kuchinja.

     “Dzimwe nguva ndinoitira shamwari yangu mwoyo murefu kupfuura murume wangu. Ndinofunga kuti inyaya yekuti murume wangu ndinogara naye saka ndinoona zvaanokanganisa. Asi mwoyo murefu chikamu cherudo, chiratidzo cheruremekedzo saka unokosha muwanano yangu.”—Nia.

     Zvekufunga nezvazvo:

    •  Unoratidza mwoyo murefu zvakadii mumwe wako paanokanganisa?

    •  Ungawedzera sei kuva nemwoyo murefu munguva iri mberi?