Enda pane zvauri kuda

KUTSANANGURWA KWEMAVHESI

VaHebheru 4:12—“Shoko raMwari Ibenyu Uye Rine Simba”

VaHebheru 4:12—“Shoko raMwari Ibenyu Uye Rine Simba”

 “Nekuti shoko raMwari ibenyu uye rine simba, rakapinza kupfuura bakatwa rinocheka nekwese uye rinobaya kusvika panoparadzana mweya nemwoyo, uye panosangana mapfupa nemwongo yawo, uye rinokwanisa kunzwisisa pfungwa dzemunhu uye zviri kudiwa nemwoyo wake.”—VaHebheru 4:12, Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva.

 “Nokuti shoko raMwari ibenyu uye rine simba. Rinopinza kukunda munondo unocheka kumativi maviri, rinobaya kunyange kusvikira panoparadzana mwoyo nemweya, namafundo nomongo; rinotonga mifungo nendangariro dzomoyo.”—VaHebheru 4:12, Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi.

Zvinorehwa naVaHebheru 4:12

 Mashoko ari muBhaibheri atakanyorerwa naMwari, ane simba rekuratidza zviri mupfungwa dzedu uye vavariro dzedu. Bhaibheri rinogona kubatsira kuti vanhu vachinje vova vanhu vakanaka.

 “Shoko raMwari ibenyu.” Mashoko ekuti “shoko raMwari” anoreva zvakavimbiswa naMwari muBhaibheri. a kana kuti chinangwa chake. Zvimwe zvakavimbiswa naMwari ndezvekuti vanhu vanoteerera vagare panyika nekusingaperi vaine rugare rwechokwadi uye vakabatana.—Genesisi 1:28; Pisarema 37:29; Zvakazarurwa 21:3, 4.

 Shoko raMwari kana kuti chinangwa chake “ibenyu” pakudii? Chimwe chikonzero ndechekuti rinokwanisa kuchinja mwoyo yevaya vanorigamuchira, rovapa tariro nechinangwa muupenyu. (Dheuteronomi 30:14; 32:47) Shoko raMwari “ibenyu” zvakare pakuti Mwari uyo anoramba ari mupenyu ari kushanda kuti vimbiso dzake dzinyatsozadzika. (Johani 5:17) Mwari akasiyana nevanhu, avo vanoti kana vakavimbisa chimwe chinhu vanogona kukanganwa nezvacho kana kuti kuzoona kuti havachakwanisi kuchiita. (Numeri 23:19) Shoko rake “harizodzoki (kwaari) risina zvaraita.”—Isaya 55:10, 11.

 “Shoko raMwari . . . rine simba.” Mashoko ekuti “rine simba” anogona kushandurwa achinzi “rinoita chero chinenge chichidiwa.” Saka zvese zvinenge zvavimbiswa naJehovha b Mwari, zvinototi zvizadzike. (Pisarema 135:6; Isaya 46:10) Mwari anozadzisa vimbiso dzake nenzira inopfuura nekure zvatingafungidzira.—VaEfeso 3:20. c

 Shoko raMwari “rine simba” zvakare pakuti rinobatsira vaya vanorishandisa kuti vaite zvakanaka muupenyu hwavo uye vachinje unhu hwavo. Vanorarama zvinoenderana nezvinodzidziswa naMwari, vachiita kuti rivatungamirire pamafungiro, mararamiro uye pazvinangwa zvavo. (VaRoma 12:2; VaEfeso 4:24) Saka tinogona kuti “shoko raMwari . . riri kushanda” mune vaya vanorigamuchira.—1 VaTesaronika 2:13.

 “Shoko raMwari . . . rakapinza kupfuura bakatwa rinocheka nekwese.” Nenzira yekufananidzira, shoko raMwari rakapinza kupfuura chero bakatwa rakagadzirwa nevanhu nemhaka yeparinokwanisa kusvika. Shoko raMwari rinosvika pamwoyo, kureva zvakaita munhu nechemukati uye hakuna dzidziso dzevanhu dzinogona kusvika ipapo. Izvi zvinobudiswa mune zvimwe zvinozotaurwa muna VaHebheru 4:12.

 “Shoko raMwari . . . rinobaya kusvika panoparadzana mweya nemwoyo, uye panosangana mapfupa nemwongo yawo.” MuBhaibheri, shoko rekuti “mweya” rinogona kureva zvakaita munhu nechekunze, asi rekuti “mwoyo” rinoreva zvakanyatsoita munhu nechemukati. (VaGaratiya 6:18) Nenzira yekufananidzira, “shoko raMwari” rinobaya kusvika ‘pamwongo,’ kureva mafungiro nemanzwiro edu zvakadzika-dzika. Vanhu havakwanisi kuona zvinenge zviri mumwoyo medu, asi zvinodzidziswa naJehovha zvinogona kutibatsira kuti tichinje zvatinoita. Izvi zvinoita kuti tifare uye tinofadzawo Musiki wedu.

 “Shoko raMwari . . . rinokwanisa kunzwisisa pfungwa dzemunhu uye zviri kudiwa nemwoyo wake.” Zvinoitwa nemunhu paanonzwa shoko raMwari zvinogona kuratidza zvakanyatsoita mafungiro ake, kana kuti vavariro dzake chaidzo. Semuenzaniso, kana munhu akafarira shoko raMwari ochinja upenyu hwake kuti huenderane nezvaanenge adzidza, anenge achiratidza kuti anozvininipisa uye anonyatsoda Mwari. Anenge achida kufadza Musiki wake. Asi kana achiona sekuti zvinotaurwa naMwari hazvishandi kana kuti hazvina musoro, anenge achitoratidza kuti ane unhu husina kunaka, hwakadai sekuzvikudza kana kuti kungoda kuita zvakamunakira. Zvimwe anenge achida kungoita zviri kudiwa nemwoyo wake asi izvo zvichivengwa naMwari.—Jeremiya 17:9; VaRoma 1:24-27.

 Rimwe bhuku rakati shoko raMwari “rinogona kusvika pakadzika-dzika pemwoyo wedu.” Hapana pasingaonekwi naMwari mumwoyo medu uye shoko rake rinonyatsobudisa zvatiri pachena. VaHebheru 4:13 inoti “zvinhu zvese zvakafukurwa uye zviri pachena mumaziso aiye watinofanira kuzvidavirira kwaari.”

Mashoko akapoteredza VaHebheru 4:12

 Bhuku raVaHebheru itsamba yakanyorwa nemuapostora Pauro munenge muna 61 C.E., achinyorera vaKristu vechiJudha vaiva muJerusarema neJudhiya

 Muchitsauko 3 ne4, Pauro anoyambira vaKristu kuti vasaita zvakaitwa nevaIsraeri. (VaHebheru 3:8-12; 4:11) Jehovha akavimbisa vaIsraeri kuti aizovanunura kubva muuranda oita kuti vaende kunyika ‘yavaizogara vasina chekutya.’ (Dheuteronomi 12:9, 10) Asi vaIsraeri vakabva muIjipiti vakaramba vachiratidza kuti vakanga vasina kutenda muvimbiso dzaMwari uye vaigara vachityora mitemo yake. Izvi zvakaita kuti ‘vasapinda muzororo raMwari’ kureva kuva ushamwari hwepedyo naMwari. Uye vakafira murenje nemhaka yekusateerera. Kunyange zvazvo vana vavo vakapinda muNyika Yakapikirwa, naivowo vakatangawo kusateerera. Nekufamba kwenguva zvinhu hazvina kuzofambira zvakanaka rudzi rwacho.—Nehemiya 9:29, 30; Pisarema 95:9-11; Ruka 13:34, 35.

 Pauro anoudza vaKristu vadzidze kubva pane zvakaitwa nevaIsraeri vakanga vasina kutendeka. Isu, tinogona kupinda muzororo raMwari kana tikateerera shoko rake uye tikava nekutenda kwakasimba muvimbiso dzake.—VaHebheru 4:1-3, 11.

 Ona vhidhiyo iyi kuti uone pfupiso yezviri mubhuku raVaHebheru.

a Muna VaHebheru 4:12, mashoko ekuti “shoko raMwari” haarevi Bhaibheri. Asi sezvo vimbiso dzaMwari dzakanyorwa muBhaibheri, VaHebheru 4:12 inogona kurevawo Bhaibheri.

b Jehovha ndiro zita raMwari. (Pisarema 83:18) Ona nyaya yakanzi “Jehovha Ndiani?