Enda pane zvauri kuda

KUTSANANGURWA KWEMAVHESI

VaGaratiya 6:9—“Ngatiregei Kuneta Pakuita Zvakanaka”

VaGaratiya 6:9—“Ngatiregei Kuneta Pakuita Zvakanaka”

 “Ngatisarega kuita zvakanaka, nekuti panguva yakakodzera tichakohwa kana tisinganeti.”—VaGaratiya 6:9, Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva.

 “Ngatiregei kuneta pakuita zvakanaka, nokuti nenguva yakafanira tichakohwa kana tisingaori mwoyo.”—VaGaratiya 6:9, Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi.

Zvinorehwa naVaGaratiya 6:9

 Muapostora Pauro anokurudzira vaKristu kuti varambe vachiita zvinhu zvakanaka mukuona kwaMwari. Kana vakadaro, vanogona kuva nechokwadi chekuti Mwari achavapa mubayiro.

 “Ngatisarega.” Shoko iri rinogona kunzi “ngatiregei kuneta.” Shoko racho rinogona kureva kusaora mwoyo kana kuti kusarega kuva nechido. Pauro akazvibatanidzawo paakataura shoko iri achiratidza kuti naiyewo aimboora mwoyo.—VaRoma 7:21-24.

 “Zvakanaka,” izvi zvinosanganisira zvinhu zvese zvinofanira kuitwa nemuKristu paanenge achishumira Mwari. Zvinosanganisira mabasa anoitwa nemunhu achibatsira vaanonamata navo uyewo vamwe.—VaGaratiya 6:10.

 “Panguva yakakodzera tichakohwa kana tisinganeti.” Pauro anotiyeuchidza kuti zvinogona kutora nguva kuti tione kubatsira kwazvinoita patinoita zvinhu zvakanaka, sekungotorawo nguva kwazvinoita kuti zvirimwa zvikure. Paanotaura nezvekukohwa muvhesi iyi, Pauro anobudisa chokwadi chiri pavhesi 7 chekuti: “Zvinodyarwa nemunhu, ndizvo zvaachakohwa.” MuKristu paanoita zvinhu zvakanaka mukuona kwaMwari, anowana mubayiro wakakura, kusanganisira upenyu husingaperi.—VaRoma 2:6, 7; VaGaratiya 6:8.

Mashoko akapoteredza VaGaratiya 6:9

 Muapostora Pauro akanyora tsamba iyi kuvaKristu vaigara kuGaratiya munenge muna 50-52 C.E. Akanyora tsamba iyi kuti avabatsire kuti vasafurirwe nevanhu vaizviti vaKristu asi vachitaura nezvaJesu nepasiripo. (VaGaratiya 1:6, 7) Vadzidzisi venhema ava vaiti vaKristu vaifanira kuteerera Mutemo wakapiwa rudzi rwevaIsraeri naMwari achishandisa Mozisi. (VaGaratiya 2:15, 16) Pauro akatsanangura kuti Mutemo wakanga wapedza chinangwa chawo uye vanamati vaMwari vakanga vasisiri pasi peMutemo iwoyo.—VaRoma 10:4; VaGaratiya 3:23-25.

 Pauro paakakurudzira vamwe vaKristu kuti vasarega “kuita zvakanaka,” aisataura nezvekuteerera Mutemo waMozisi. Asi aivakurudzira kuti ‘vazadzise mutemo waKristu,’ uyo unosanganisira zvese zvakadzidziswa naJesu nezvekuitira vamwe zvinhu zvakanaka.—VaGaratiya 6:2; Mateu 7:12; Johani 13:34.

 Ona vhidhiyo iyi pfupi kuti unzwe pfupiso yezviri mubhuku raVaGaratiya.