Enda pane zvauri kuda

KUTSANANGURWA KWEMAVHESI

1 Petro 5:6, 7—“Muzvininipise, Pasi Poruoko Rune Simba rwaMwari, . . . Kandai Pamusoro Pake Kufunganya Kwenyu Kwose”

1 Petro 5:6, 7—“Muzvininipise, Pasi Poruoko Rune Simba rwaMwari, . . . Kandai Pamusoro Pake Kufunganya Kwenyu Kwose”

 “Saka zvininipisei pasi peruoko rwaMwari rune simba, kuti akukwidziridzei panguva yakakodzera, muchikanda zvese zvinokudyai mwoyo paari, nekuti iye ane hanya nemi.”—1 Petro 5:6, 7, BhaibheriShanduro yeNyika Itsva.

 “Naizvozvo muzvininipise, pasi poruoko rune simba rwaMwari, kuti agokusimudzirai munguva yakafanira. Kandai pamusoro pake kufunganya kwenyu kwose nokuti anokuchengetai.”—1 Petro 5:6, 7, Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi.

Zvinorehwa na1 Petro 5:6, 7

 Nemashoko aya, muapostora Petro akaita kuti vaKristu vazive kuti vanogona kunyengetera kuna Mwari nezvematambudziko avanosangana nawo uye zvinovadya mwoyo vaine chivimbo. Mwari anokoshesa vaya vanozvininipisa, uye achavapa mubayiro wakakura.

 “Zvininipisei pasi peruoko rwaMwari rune simba.” MuBhaibheri, ruoko rwaMwari runowanzoreva simba rake rekuponesa uye rekudzivirira. (Eksodho 3:19; Dheuteronomi 26:8; Ezra 8:22) VaKristu vanozvininipisa pasi peruoko rwaMwari pavanovimba naye. Vanobvuma kuti vane zvavasingakwanisi kuita uye vanoziva kuti havakwanisi kukunda matambudziko avanosangana nawo nesimba ravo vega. (Zvirevo 3:5, 6; VaFiripi 4:13) Vane chokwadi chekuti Mwari ane simba rekuvabatsira panguva yakakodzera uye nenzira yakanakisisa.—Isaya 41:10.

 “Kuti akukwidziridzei panguva yakakodzera.” Vaya vanotsungirira nemwoyo murefu matambudziko avanosangana nawo, vanogona kuva nechokwadi chekuti Mwari achavakwidziridza, kureva kuti, achavapa mubayiro. Haazoregi vanamati vake vachingoedzwa nekusingaperi kana kuti kupfuura zvavanogona kutsungirira. (1 VaKorinde 10:13) Asi kana vakaramba vachiita zvakanaka, Mwari achava nechokwadi chekuti vawana mubayiro “panguva yakakodzera.”—VaGaratiya 6:9.

 “Muchikanda zvese zvinokudyai mwoyo paari, nekuti iye ane hanya nemi.” VaKristu vanogona kukanda zvese zvinovadya mwoyo pana Mwari kuburikidza nekunyengetera kuna Mwari vachizvininipisa. Rimwe bhuku rinoti: “Shoko rechiito rekuti kukanda rine pfungwa yekushandisa simba kuti chimwe chinhu chiende kure nesu. Rine pfungwa yekuzviita usingazenguriri.” Kana muKristu akakanda zvinomudya mwoyo pana Mwari, anogona kuderedza kunetseka kwaanenge achiita obva ava nerunonzi neBhaibheri “rugare rwaMwari.” (VaFiripi 4:6, 7) Anogona kuva nechokwadi chekuti Mwari anoda kumubatsira nekuti anoziva kuti Mwari ane hanya naye uye anogona kushandisa simba rake risingagumi kuti amutsigire.—Pisarema 37:5; 55:22.

Mashoko akapoteredza 1 Petro 5:6, 7

 Chitsauko 5 ndicho chinogumisa tsamba yekutanga iyo muapostora Petro akanyorera vaKristu. (1 Petro 1:1) Sezviri kuitika iye zvino, vateveri vaKristu vepanguva iyoyo vaisangana nematambudziko akasiyana-siyana ayo aiedza kutenda kwavo uye aigona kuita kuti vazvidye mwoyo. (1 Petro 1:6, 7) Achifunga nezvematambudziko avo, Petro akanyora tsamba yainyaradza uye yaikurudzira munenge muna 62-64 C.E.—1 Petro 5:12.

 Petro anopedzisa tsamba yake nechiyeuchidzo chinokurudzira kune vaya vanotarisana nematambudziko nemhaka yekutenda kwavo. Kana vakaramba vachizvininipisa uye vachivimba naMwari, vanogona kuva nechokwadi chekuti Mwari achavabatsira kuti vamire vakasimba. (1 Petro 5:5-10) Mashoko aPetro anogonawo kukurudzira vaKristu vari kutambudzwa mazuva ano.

 Ona vhidhiyo iyi pfupi kuti unzwe pfupiso yezviri mubhuku ra1 Petro.