Enda pane zvauri kuda

KUTSANANGURWA KWEMAVHESI

Ruka 2:14—“Rugare Panyika Nokuvanhu Vaanofarira”

Ruka 2:14—“Rugare Panyika Nokuvanhu Vaanofarira”

 “Mwari ngaakudzwe kumusorosoro, uye vanhu vaanofarira vari panyika ngavave nerugare.”—Ruka 2:14, Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva.

 “Mwari ngaarumbidzwe kumusoro-soro! Rugare panyika nokuvanhu vaanofarira.”—Ruka 2:14, Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi.

Zvinorehwa naRuka 2:14

 Mashoko aya ekurumbidza akataurwa nengirozi pakaberekwa Jesu anoratidza kuti vaya vanotenda muna Jesu vanogona kufarirwa naMwari vova nerugare.

 “Mwari ngaakudzwe kumusorosoro.” Ngirozi padzakataura mashoko aya, dzaitosimbisa kuti Mwari akakodzera kuti apiwe kukudzwa kwese. Mashoko aya airatidzawo kuti kuberekwa kwaJesu uye ushumiri hwaaizoita ari panyika zvaizoita kuti Jehovha a Mwari akudzwe. Semuenzaniso, Jesu aiita kuti vanhu vazive kuti zvaaidzidzisa zvaibva kuna Mwari. Akatombotaura kuti: “Zvandinodzidzisa hazvisi zvangu, asi ndezvaiye akandituma.” (Johani 7:16-18) Jesu paaiita zvishamiso, kazhinji vanhu vaizviona ‘vaitanga kukudza Mwari.’ (Ruka 5:18, 24-26; Johani 5:19) Kunyange kufa kwaJesu chaiko kwakaita kuti Mwari akudzwe. Kwakaita kuti Mwari akwanise kuzadzisa chinangwa chake chekuita kuti nyika izare nevanhu vakarurama uye vanoda rugare.—Genesisi 1:28.

 “Panyika [ngapave] nerugare.” Rugare ruri kutaurwa apa harungorevi kuti kunenge kusina hondo. Runosanganisira kunzwa takadzikama kana kuti kugadzikana mumwoyo zvichibva pakuti tinofarirwa naJehovha. Jesu ndiye akaita kuti vanhu vakwanise kuva nerugare urwu naMwari. (Jakobho 4:8) Uye saMambo weUmambo hwaMwari, Jesu achaita kuti panyika pese pave nerugare rusingaperi.—Pisarema 37:11; Ruka 1:32, 33.

 “Vanhu vaanofarira.” Mashoko aya anotaura nezvevanhu vanofarirwa naMwari nekuti vane kutenda kwechokwadi maari uye muna Jesu waakatuma. Haarevi zvinhu zvakanaka zvinoitirwa vanhu vese naMwari pasinei nemafungiro avo kana zviito zvavo, uyewo haarevi zvinhu zvakanaka zvinoitwa nevanhu. Dzimwe shanduro dzeBhaibheri dzakadai seKing James Version, dzinoshandura mashoko aya kuti “[Mwari] ngaaitire vanhu zvakanaka.” Zvisinei, mamwe magwaro echiGiriki ekare anovimbwa nawo anoenderana nemashandurirwo azvakaitwa muShanduro yeNyika Itsva uye mune dzimwe shanduro dzemazuva ano. Shanduro idzi dzinobudisa pfungwa yekuti rugare rwuve pavanhu vanofarirwa naMwari.—Ona “ Ruka 2:14 Mune Mamwe maBhaibheri.”

Mashoko akapoteredza Ruka 2:14

 Chitsauko 2 chaRuka chinotaura nezvemakore ekutanga eupenyu hwaJesu panyika. Jesu achangobva kuberekwa, ngirozi yakauya kune vafudzi “vaigara kunze kwemisha vachichengeta zvipfuwo zvavo usiku.” b (Ruka 2:4-8) Ngirozi yacho yakazivisa “mashoko akanaka emufaro mukuru” ichiudza vafudzi vacho kuti: “Nhasi maberekerwa muponesi, Kristu Ishe, muguta raDhavhidhi.” (Ruka 2:9-11) Vafudzi ava vakabva vaudzwa kuti vaizowana kupi mwana iyeye akanga achangoberekwa, uye vakabva vaona ngirozi dzakawanda dzichirumbidza Mwari. Pavakasvika muBhetrehema vafudzi vacho vakawana Mariya naJosefa vaine mwana wacho, Jesu. (Ruka 2:12-16) Vapedza kurondedzera zvishamiso zvavanga vaona nekunzwa, vafudzi vacho vakadzokera kuzvipfuwo zvavo, “vachikudza nekurumbidza Mwari nekuda kwezvinhu zvese zvavakanzwa nekuona.”—Ruka 2:17-20.

 Ruka 2:14 Mune Mamwe maBhaibheri

 “Mwari ngaarumbidzwe kumusoro, norugare ngaruve navanhu vaanofarira.”—Ruka 2:14, Bhaibheri Magwaro Matsvene aMwari.

 “Mwari ngaarumbidzwe kumusoro, norugare ngaruve navanhu vaanofarira.”—Ruka 2:14, The Bible in Union SHONA Version.

 “Mbiri kuna Mwari kumusorosoro, rugare pasi pano, pakati pavanhu vanofarirwa naMwari.”—Ruka 2:14, Bhaibheri Rine Apokirifa.

 Ona vhidhiyo iyi pfupi kuti unzwe zvinotaurwa mubhuku raRuka.

a Jehovha ndiro zita raMwari. (Pisarema 83:18) Ona nyaya yakanzi “Jehovha Ndiani?

b Sezvo vafudzi ava vairara kunze kwemisha usiku zvinoratidza kuti zviitiko izvi hazvina kuitika munguva yechando. Kuti udzidze zvakawanda, verenga nyaya yakanzi “Jesu Akaberekwa Rini?