Enda pane zvauri kuda

KUTSANANGURWA KWEMAVHESI

2 VaKorinde 12:9—“Nyasha Dzangu Kwauri Dzakakwana”

2 VaKorinde 12:9—“Nyasha Dzangu Kwauri Dzakakwana”

 “Nyasha dzangu pauri dzakakukwanira, nekuti simba rangu riri kuitwa kuti rive rakakwana mukusava kwako nesimba.”—2 VaKorinde 12:9, Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva.

 “Nyasha dzangu kwauri dzakakwana, nokuti simba rangu iguru kwazvo pano munhu anoutera.”—2 VaKorinde 12:9, Bhaibheri Rine Apokirifa.

Zvinorehwa na2 VaKorinde 12:9

 Mwari aivimbisa kupa Pauro simba rekutsungirira miedzo yaaizosangana nayo uye aimuvimbisa kuti aizobudirira kunyange zvazvo aiva nezvimwe zvinhu zvaakanga asingakwanisi kuita.

 “Nyasha dzangu pauri dzakakukwanira.” Mashoko aMwari ekupindura minyengetero yaPauro anogona kunyorwa achinzi “nyasha dzangu ndidzo dzega dzinodiwa kwauri.” Nemamwe mashoko, nyasha dzaMwari ndidzo chete dzaidiwa kuti Pauro akwanise kutsungirira miedzo yaaisangana nayo. Nei tichidaro? Shoko rakashandurwa kuti “nyasha,” rinopa pfungwa yechipo chinopiwa munhu pachena asina kukodzera kuchiwana. Zvakanyorwa naPauro zvinoratidza kuti akabatsirwa chaizvo nenyasha dzaMwari. Kunyange zvazvo Pauro aimbotambudza vanhu vaMwari, Mwari akamupa simba rekuti akwanise kuchinja unhu hwake uye kuti akwanise kubatsira vamwe kuti vave vaKristu. (1 VaKorinde 15:9, 10; 1 Timoti 1:12-14) Pauro aigona kuvimba naMwari kuti aizomubatsira kukunda chero dambudziko kana muedzo waaizosangana nawo.

 “Nekuti simba rangu riri kuitwa kuti rive rakakwana mukusava kwako nesimba.” Ishe Jehovha a aiyeuchidza Pauro kuti simba rake, Mwari, rinonyatsooneka paanobatsira vanhu vasina simba uye vane chivi. (2 VaKorinde 4:7; 12:8) VaKristu pavanoona kuti vane zvavasingakwanisi kuita vokumbira kubatsirwa naJehovha, vanenge vachitobvumira kuti simba raMwari rishande mavari. (VaEfeso 3:16; VaFiripi 4:13) Simba raMwari rinobva raoneka mukusava nesimba kwevanhu.

Mavhesi akapoteredza 2 VaKorinde 12:9

 Pauro akanyora tsamba yakafemerwa kuvaKristu vaiva muKorinde muna 55 C.E. Paakanga ava kunopedza kunyora tsamba yacho, akatsanangura kuti aiva nekodzero yekuva muapostora. Akaona kuti aifanira kutsanangura nekuti vamwe vanhu vaizviona sevadzidzisi vaimupikisa, vachitarisa chimiro chake kana kuti matauriro aaiita.—2 VaKorinde 10:7-10; 11:5, 6, 13; 12:11.

 Kuti azvidzivirire, Pauro akataura kuti kudai akavimba nesimba rake angadai asina kubudirira pabasa rekuparidza uye angadai asina kukwanisa kutsungirira miedzo yakawanda. (2 VaKorinde 6:4; 11:23-27; 12:12) Muchitsauko 12, anotaura ‘nezvemunzwa waiva munyama’ yake. Zvimwe munzwa wacho waifananidzira dambudziko rainge risingaperi raiita kuti arwadziwe. (2 VaKorinde 12:7) Pauro haana kutaura kuti aiva nedambudziko rei, asi aida kutsungirira dambudziko racho achibatsirwa naMwari.

 Mazuva ano vaKristu vanogona kusangana nematambudziko uye vanogonawo kutambudzwa. Vanonyaradzwa nekuziva kuti simba raMwari rinogona kuvabatsira kutsungirira chero dambudziko ravangasangana naro. SaPauro, vanogona kutaura vaine chivimbo kuti: “Pandinenge ndisina simba, ndipo pandiine simba.”—2 VaKorinde 12:10.

 Ona vhidhiyo iyi pfupi kuti unzwe zvinotaurwa mubhuku ra2 VaKorinde.

a Jehovha ndiro zita raMwari. (Pisarema 83:18) Ona nyaya yakanzi “Jehovha Ndiani?