Enda pane zvauri kuda

TEVEDZERAI KUTENDA KWAVO | MARIYA MAGADHARINI

“Ndaona Ishe!”

“Ndaona Ishe!”

 Mariya Magadharini akatarisa kudenga, achipukuta misodzi pamaziso ake. Ishe wake waanoda akanga akarovererwa padanda. Dzaiva kuma12 dzemasikati mumwaka wechirimo, “asi rima rakava panyika yese”! (Ruka 23:44, 45) Akagadzirisa jira raainge akapfeka kuti anyatsofukidza mapfudzi ake ndokubva aswedera pedyo nevamwe vakadzi vaivapo. Kuora kwezuva uko kunongoitika kwemaminitsi mashomanana kwaisagona kukonzera rima iri kwemaawa matatu. Zvichida Mariya nevamwe vakanga vakamira pedyo naJesu vakatanga kunzwa kuchema kwemhuka dzeusiku dzisingawanzonzwiki masikati. Vamwe vaivapo “vakatya kwazvo, vakati: ‘Chokwadi uyu anga ari Mwanakomana waMwari.’” (Mateu 27:54) Pamwe vateveri vaJesu nevamwe vaivapo vakafunga kuti Jehovha ainge achiratidza kusuruvara uye kutsamwa kwake nekubatwa zvine utsinye kwakanga kwaitwa Mwanakomana wake.

 Zvainge zvakaomera Mariya Magadharini kuti aone Jesu achirwadziwa, asi aisakwanisa kumusiya. (Johani 19:25, 26) Jesu anofanira kunge airwadziwa zvakanyanya. Amai vaJesu vaidawo kunyaradzwa nekutsigirwa.

 Mariya ainzwa achifanira kuitira Jesu zvese zvaaigona nekuti ainge abatsirwa zvikuru naye. Aimbova mukadzi anotarisirwa pasi uye anosiririsa, asi Jesu akanga azvichinja zvese. Ainge aita kuti ave munhu ane chiremerera uye ane chinangwa muupenyu hwake. Akanga ava mukadzi ane kutenda kukuru. Sei? Uye kutenda kwake kunotidzidzisei mazuva ano?

“Vaivashumira Vachishandisa Zvinhu Zvavo”

 MuBhaibheri, nyaya yaMariya Magadharini inotanga nechipo. Jesu akapa Mariya chipo cherusununguko, nekumusunungura pauranda hunotyisa. Mumazuva iwayo, kudzorwa nemadhimoni kwainge kwakapararira uye midzimu iyoyo yakaipa yaishungurudza vanhu vakawanda, ichitopinda mune vamwe ichiita zvainoda navo. Hatizivi kuti madhimoni aya aishungurudza Mariya Magadharini sei, asi tinongoziva kuti ainge akagarwa nemadhimoni 7 anotyisa uye akaipa. Zvinofadza kuti Jesu akaadzinga ese!—Ruka 8:2.

 Asunungurwa uye azorodzwa, Mariya aikwanisa kutanga upenyu hutsva. Aizoratidza sei kuti anoonga? Akava muteveri akatendeka waJesu. Aipa zvaaiona kuti zvaidiwa. Jesu nevaapostora vake vaida zvekudya, zvekupfeka uye pekurara manheru. Vakanga vasina kupfuma uye panguva iyoyo hapana basa ravaiita raivapa mari. Vaitoda kutsigirwa nezvinhu zvekurarama nazvo kuti vakwanise kuisa pfungwa dzavo pakuparidza nekudzidzisa.

 Mariya nevamwe vakadzi vanoverengeka, vaivabatsira nezvinhu izvozvo. Vakadzi ava “vaivashumira vachishandisa zvinhu zvavo.” (Ruka 8:1, 3) Vamwe vangangova vaiva vakadzi vakapfuma. Bhaibheri haritauri kana vaivagadzirira zvekudya, vaigeza mbatya dzavo kana kuvatsvagira pekugara mumisha yavaifamba. Asi vaitsigira nemwoyo wese boka iri raifamba, raiva nevanhu vanenge 20. Chokwadi zvese zvaiitwa nevakadzi ava zvakabatsira Jesu nevaapostora vake kuti vakwanise kuisa pfungwa dzavo zvizere pabasa rekuparidza. Hapana mubvunzo kuti Mariya aizviziva kuti aisambofa akakwanisa kuitira Jesu zvakaenzana nezvaakanga aitirwa naye asi zvaimufadza chaizvo kuti aitire Jesu zvese zvaaigona kuita!

 Mazuva ano, vanhu vakawanda vanotarisira pasi vaya vanoitira vamwe mabasa akaderera. Asi iwayo haasiriwo manzwiro anoita Mwari. Fungidzira kufara kwaakaita achiona Mariya achizvipira, achiita zvese zvaanogona kuti atsigire Jesu nevaapostora vake! Kunyangewo mumazuva ano, vaKristu vakawanda vakatendeka vanofara kuitira vamwe mabasa anoonekwa seakaderera. Dzimwe nguva, kuitira vamwe zvavanoda kana kuvaudza zvinokurudzira kunogona kuvabatsira chaizvo. Jehovha anokoshesa zvipo zvakadaro.—Zvirevo 19:17; VaHebheru 13:16.

“Pedyo Nedanda Rekutambudzirwa raJesu”

 Mariya Magadharini aiva mumwe wevakadzi vazhinji vakaenda naJesu kuPaseka ya33 C.E. (Mateu 27:55, 56) Tinogona kuva nechokwadi chekuti akanetseka paakanzwa kuti Jesu ainge asungwa uye atongwa usiku. Uye mashoko acho akatowedzera kuipa. Gavhuna Pondiyo Pirato ainge atongera Jesu rufu runorwadza padanda, achitevedzera zvaidiwa nevatungamiriri vechitendero vechiJudha neboka revanhu ravaiva naro. Mariya anofanira kunge akaona Tenzi wake, achiyerera ropa uye aneta, achitamburira kufamba mumigwagwa, akatakura danda refu raaizourayirwa.—Johani 19:6, 12, 15-17.

 Pari zvino, Mariya Magadharini nevamwe vakadzi vainge vamira “pedyo nedanda rekutambudzirwa raJesu,” kuine rima rainge ravapo kubvira kuma12 dzemasikati. (Johani 19:25) Mariya, akanga aripo kusvika pekupedzisira, akaona uye akanzwa Jesu achipa muapostora waanoda zvikuru Johani basa rekuti achengete amai vake. Akanzwawo Jesu achidanidzira achirwadziwa kuna Baba vake. Uye akanzwa mashoko aJesu ekupedzisira ekukunda aakataura ava kuda kufa ekuti, “Zvaitika.” Mariya airwadziwa chaizvo. Kunyange zvakadaro, akaramba akamira ipapo pasinei nekuti Jesu ainge afa. Mariya ainge achiripo mumwe murume akapfuma anonzi Josefa wekuArimatiya, paakatora mutumbi waJesu akamuisa muguva risina kumboshandiswa.—Johani 19:30; Mateu 27:45, 46, 57-61.

 Zvakaitwa naMariya zvinotiyeuchidza nezvezvatinogona kuita kana vatinonamata navo vakasangana nemiedzo yakakura. Tingasakwanisa kudzivisa kuti zvinhu zvakaipa zvisaitike kana kubvisa marwadzo acho. Asi tinogona kuratidza mutsa neushingi. Kungovapo kweshamwari yechokwadi kunobatsira chaizvo munguva dzakaoma. Kuramba tichitsigira vamwe seshamwari yechokwadi munguva yekutambudzika kunoratidza kuti tine kutenda kwakasimba uye kunonyaradza vamwe zvikuru.—Zvirevo 17:17.

Amai vaJesu vakanyaradzwa zvikuru nekuvapo kwaMariya Magadharini

‘Ndiudzei Ndinomutora’

 Chitunha chaJesu pachakanga chaiswa muguva, Mariya ainge aripo pakati pevakadzi vakatenga zvinonhuhwirira kuti vazozora chitunha chacho. (Mako 16:1, 2; Ruka 23:54-56) Pashure peSabata, akafumira mangwanani-ngwanani. Fungidzira kuchiri kwakasviba, achifamba mumugwagwa nevamwe vakadzi, vakananga kuguva raJesu. Vari munzira, vaifunga kuti vaizokungurutsa sei dombo rainge rakavhara suo reguva racho. (Mateu 28:1; Mako 16:1-3) Asi havana kudzokera shure. Kutenda kwavo kwakaita kuti vaite zvavaigona vachivimba kuti Jehovha aizovabatsira.

 Mariya anogona kunge ari iye akatanga kusvika paguva racho. Akangomira achishamisika. Dombo racho rainge rakungurutswa uye guva rakanga risina munhu! Semukadzi akachangamuka, akabva amhanya kunoudza Petro naJohani zvaainge aona. Fungidzira achitaura achifemereka achiti: “Vabvisa Ishe muguva, uye hatizivi kwavamuisa”! Petro naJohani vakamhanya vachienda kuguva racho, vakaona kuti zvechokwadi rakanga risina munhu, vakadzokera kumisha yavo. aJohani 20:1-10.

 Mariya paakadzokera paguva, akaramba akamira ipapo ari ega. Runyararo rwaivapo mangwanani-ngwanani iwayo nekufunga kuti muguva makanga musina chinhu zvakabata bata Mariya zvekuti akatanga kuchema. Achiomerwa nekubvuma kuti Ishe akanga asisipo, akadongorera muguva uye zvaakaona zvakamuvhundutsa. Ngirozi mbiri dzakapfeka zvichena dzainge dzakagara imomo! Dzakamubvunza kuti, “Muri kuchemei?” Avhiringidzika, akadzokorora mashoko aainge amboudza vaapostora ekuti: “Vabvisa Ishe wangu, uye handizivi kwavamuisa.”—Johani 20:11-13.

 Akatendeuka, akaona murume akamira shure kwake. Haana kumuziva saka akafungidzira kuti aiva mushandi wemumunda wacho. Murume wacho akamubvunza zvinyoro nyoro kuti: “Muri kuchemei nhai amai? Muri kutsvaga ani?” Mariya akapindura achiti, “Ishe, kana muri imi mamubvisa, ndiudzei kwamamuisa ndinomutora.” (Johani 20:14, 15) Funga zvaakataura. Aizokwanisa here kutakura chitunha chaJesu Kristu ari ega, uyo aiva murume akasimba uye akagwinya? Mariya haana kumbomira achifunga nezvazvo. Aingoziva kuti aifanira kuita zvese zvaaigona.

“Ndinomutora”

 Tinogona kutevedzera zvakaitwa naMariya Magadharini here patinosangana nematambudziko akaoma anoita seasingakundiki? Tikanyanyofunga nezvezvatisingakwanisi kuita chete tinogona kutya zvekuti hapana chatinoita. Asi tikatsunga kuita zvese zvatinogona, tovimba naMwari, tinogona kuita zvinopfuura zvataifungira kuti tinogona. (2 VaKorinde 12:10; VaFiripi 4:13) Kupfuura zvese, tichafadza Jehovha. Mariya akadaro, uye Jehovha akamukomborera nenzira yaaisambofungira.

“Ndaona Ishe!”

 Murume ainge akamira pedyo naMariya aisava mushandi wemumunda wacho. Murume uyu aimbova muvezi, akazova mudzidzisi uye akazovawo Ishe anodiwa waMariya. Asi Mariya haana kumuziva saka akanga ava kuda kuenda. Mariya haana kumbobvira afungidzira zvakanga zvaitika. Jesu ainge amutswa ava chisikwa chemweya chine simba. Kuti akwanise kuoneka Jesu akachinja akava nemuviri wenyama asi wakanga wakasiyana newaaiva nawo asati aurayiwa. Mumazuva anofadza akazotevera, mushure mekunge Jesu amutswa, vanhu vakawanda vaitadza kumuziva, kunyange vaya vepedyo.—Ruka 24:13-16; Johani 21:4.

 Jesu akaita kuti Mariya amuzive sei? Aiva matauriro aakaita shoko rimwe chete rekuti: “Mariya!” Mariya akatendeuka akataura shoko rechiHebheru raainge ashandisa kasingaverengeki achidaidza Jesu rekuti “Rabhoni!” Aiva Mudzidzisi wake waanoda! Akafara zvisingaite. Akamubata uye aisada kumurega.—Johani 20:16.

 Jesu aiziva zvaaifunga. Akati kwaari, “Usaramba wakandibata.” Tinogona kumuona achitaura mashoko aya nemutsa, zvichida achinyemwerera, uye achizvikatanura zvinyoro nyoro kubva pana Mariya achiti, “Handisati ndakwira kuna Baba.” Nguva yekuti aende kudenga yainge isati yakwana. Akanga achine basa rekuita uye aida kuti Mariya amubatsire. Mariya akabva anyatsoteya nzeve. Jesu achibva amuudza kuti, “Enda kuhama dzangu unoti kwadziri, ‘Ndiri kukwira kuna Baba vangu naBaba venyu uye kuna Mwari wangu naMwari wenyu.’”—Johani 20:17.

 Iri raiva basa guru raainge apiwa naTenzi wake! Mariya ndiye aiva mudzidzi wekutanga kuona Jesu amutswa, uye iye zvino ainge apiwa ropafadzo yakakura yekuudza vamwe nezvemashoko akanaka iwayo. Fungidzira mufaro waaiva nawo uyo wakaita kuti ave nechido chekutsvaga vamwe vadzidzi. Ita seuri kumuona achifemereka achitaura mashoko aizoramba ari mupfungwa dzake nemupfungwa dzevaya vaaizoudza ekuti, “Ndaona Ishe!” Akavaudza zvese zvaainge audzwa naJesu achifara zvekuti akataura achimhanya. (Johani 20:18) Zvaakataura zvaienderana nezvainge zvataurwa nevamwe vakadzi vainge vaenda kuguva raJesu risina munhu.—Ruka 24:1-3, 10.

“Ndaona Ishe!”

“Vakanga Vasingabvumi Zvaitaurwa Nevakadzi Vacho”

 Varume vakazvibvuma here? Pekutanga havana. Tinoverenga kuti: “Mashoko aya aiita seenhando kwavari, uye vakanga vasingabvumi zvaitaurwa nevakadzi vacho.” (Ruka 24:11) Varume ivavo vainge vakurira munharaunda yaiona vakadzi sevasingagoni kuvimbwa navo; zvekutoti maererano nemitemo yevanarabhi, mukadzi aisakwanisa kupa uchapupu paitongwa nyaya. Zvinoita sekuti mafungiro iwayo ainge akaputira vaapostora kupfuura zvavaifunga. Asi Jesu naBaba vake havasaruri. Vakapa mukadzi uyu akatendeka ropafadzo iyoyo yakakura!

 Mariya haana kurega zvainge zvataurwa nevarume ava zvichimugumbura. Aiziva kuti Tenzi wake aivimba naye uye ndizvo zvega zvaikosha kwaari. Vateveri vese vaJesu vanopiwawo mashoko avanofanira kutaura kungofanana naMariya. Bhaibheri rinotaura kuti mashoko iwayo “mashoko akanaka eUmambo hwaMwari.” (Ruka 8:1) Jesu haana kuvimbisa vateveri vake kuti munhu wese aizovateerera kana kuona basa ravo serinokosha. Vanhu vaizoita zvakatosiyana naizvozvo. (Johani 15:20, 21) Saka vaKristu vanobatsirwa nekuyeuka Mariya Magadharini. Kunyange zvazvo vamwe vadzidzi vasina kubvuma zvaaitaura pakutanga, haana kurega izvozvo zvichimushayisa mufaro wekuti ataure mashoko akanaka pamusoro pekumutswa kwaJesu!

 Nekufamba kwenguva, Jesu akazviratidza kakawanda kuvaapostora vake nevamwe vateveri vake vakawanda. Pane imwe nguva, akazviratidza kuvanhu vanopfuura 500! (1 VaKorinde 15:3-8) Zviri pachena kuti kutenda kwaMariya kwairamba kuchisimbiswa pese paaiona Jesu kana paainzwa kuti ainge azviratidza kune vamwe. Mariya Magadharini anogona kunge aivapo pamusangano wakaitwa muJerusarema musi wePendekosti apo mweya mutsvene wakadururwa pavateveri vaJesu vainge vakaungana ipapo.—Mabasa 1:14, 15; 2:1-4.

 Tinogona kuva nechokwadi chekuti Mariya Magadharini akaramba aine kutenda kusvikira afa. Tese ngatitsungei kumutevedzera! Tinotevedzera kutenda kwaMariya Magadharini kana tichiratidza kuti tinoonga zvese zvatakaitirwa naJesu uye kana tikashumira vamwe tichizvininipisa, tichivimba kuti Mwari achatibatsira.

a Zviri pachena kuti Mariya akanga atoenda, ngirozi payakazoudza vamwe vakadzi vaaifamba navo nezvekumutswa kwaKristu. Kudai Mariya aivapo, hapana mubvunzo kuti angadai akaudza Petro naJohani nezvengirozi yainge yatsanangura kuti nei mutumbi wakanga usipo.—Mateu 28:2-4; Mako 16:1-8.