Enda pane zvauri kuda

Ndiani Ainzi Mariya Magadharini?

Ndiani Ainzi Mariya Magadharini?

Mhinduro yeBhaibheri

 Mariya Magadharini aiva muteveri waJesu Kristu. Zita rekuti Magadharini, rinogona kunge raibva paguta rainzi Magdala (iro rinogona kunge raiva Magadhani), raiva pedyo neGungwa reGarireya. Mariya anogona kunge akambogara ikoko.

 Mariya Magadharini ndemumwe wevakadzi vaifamba naJesu nevadzidzi vake vachivapa zvinhu zvavaida pakurarama. (Ruka 8:1-3) Akaona Jesu achiurayiwa uye aiva mumwe wevakatanga kumuona paakamutswa.—Mako 15:40; Johani 20:11-18.

 Mariya Magadharini aiva pfambi here?

 Bhaibheri haritauri kuti Mariya Magadharini aiva pfambi. Rinongotaura kuti Jesu akadzinga madhimoni 7 aiva paari.—Ruka 8:2.

 Saka zvekuti aiva pfambi zvakabvepi? Patopera mazana emakore Mariya Magadharini afa, pane vamwe vanhu vakazotanga kuti Mariya uyu ndiye mukadzi asina kutaurwa zita rake (uyo anogona kunge aiva pfambi) akanyorovesa tsoka dzaJesu nemisodzi, achibva adzipukuta nebvudzi rake. (Ruka 7:36-38) Asi hapana umboo huri muBhaibheri hunotsigira izvozvo.

 Mariya Magadharini aiva muapostora here?

 Aiwa. Chechi yeRoma inodana Mariya ichiti “Mariya Magadharini Musande” uyezve inomuti aiva muapostora nekuti ndiye akatanga kunoudza vaapostora kuti Jesu akanga amutswa. (Johani 20:18) Asi izvi hazvisi zvinhu zvingaita kuti ave muapostora uye muBhaibheri hapana paanombonzi aiva muapostora.—Ruka 6:12-16.

 Bhaibheri rakapedza kunyorwa gore ra100 C.E. rava kuda kusvika. Makore ekuma500 C.E. vatungamiriri vezvitendero ndipo pavakatanga kuremekedza Mariya Magadharini. Pane zvimwe zvinyorwa zvekuma100 C.E. kusvika kuma200 C.E. zvinotaura kuti vamwe vadzidzi vaJesu vaiitira Mariya shanje. Asi zvinyorwa izvozvo hazvitsigirwi neBhaibheri.

 Mariya Magadharini aiva mudzimai waJesu here?

 Aiwa. Bhaibheri rinotaura kuti Jesu haana kumbobvira aroora. a