Enda pane zvauri kuda

TEVEDZERA KUTENDA KWAVO | MIRIYEMU

“Imbirai Jehovha”!

“Imbirai Jehovha”!

 Pane musikana akahwanda nechekure, uye maziso ake akanyatsoti nde-e pachinhu chakaiswa pakati petsanga. Rwizi rwaNire ruri kuyerera zvinyoro-nyoro, uye musikana wacho haasi kana kumbopfakanyika. Musikana wacho anoramba aripo kwenguva yakareba. Maziso ake anoramba akangoti nde-e pachinhu chiya chakaiswa pakati petsanga, uye haasi kumbovhiringidzwa netupembenene twuri kungobhururuka-bhururuka. Chinhu chaakatarisa itswanda yakavigwa mutsanga uye mukati mayo mune kahanzvadzi kake kacheche. Zvaimurwadza kuziva kuti kahanzvadzi kake kangori kega mutswanda. Asi aiziva kuti zvainge zvaitwa nevabereki vake kwaiva kutogona nekuti ndizvo chete zvaigona kuponesa hanzvadzi yake panguva iyi yakaoma.

 Kasikana aka kane ushingi hunoshamisa, asi pane zvimwe zvava kuda kuitika zvichanyatsoratidza kuti kakashinga. Kunyange zvazvo aiva mudiki ainyatsoratidza kuti aitenda zvakasimba muna Mwari. Kutenda kwake kwaizomubatsira kweupenyu hwake hwese. Paaive achembera, panguva yakasunungurwa rudzi rwake muuranda, kutenda kwake kwakaramba kuchimubatsira. Kunyange paakazoita chikanganiso chakakura, kutenda ikoko kwakamubatsira. Musikana uyu ambori ani? Uye tingatevedzera sei kutenda kwake?

Miriyemu Mwana Akaberekerwa Muuranda

 Nyaya yacho haitauri zita remusikana uyu, asi tinoziva kuti aiva ani. Ainzi Miriyemu, dangwe raAmramu naJokebhedhi, avo vaiva varanda vechiHebheru vaigara muIjipiti. (Numeri 26:59) Kahanzvadzi kake kakazotumidzwa zita rekuti Mozisi. Aroni, ndiye aiva mukoma waMozisi, uye panguva iyi aiva nemakore anenge 3. Hatinyatsozivi kuti Miriyemu aiva nemakore mangani asi zvinoratidza sekuti aiva nemakore ari pasi pe10.

 Miriyemu akakura panguva yainge yakaoma. VaIjipiti vaitya kuti vaHebheru vaigona kuzovapandukira, saka vakavaita varanda vachivadzvinyirira. Vakaramba vachiwanda pasinei nekudzvanyirirwa kwavaiitwa. Izvi zvakaita kuti vaIjipiti vawedzere kutya vachibva vanyanya kuvaitira utsinye. Farao akapa mutemo wekuti vana vese vechikomana vechiHebheru vauraiwe pavanongoberekwa. Miriyemu anofanira kunge aiziva nezvekutenda kwakaratidzwa navananyamukuta vaviri Shifra naPua avo vasina kuteerera mutemo wamambo.—Eksodho 1:8-22.

 Miriyemu akaonawo kutenda kwakaratidzwa nevabereki vake. Pakaberekwa mwana uyu wechi3 Amramu naJokebhedhi vakamuviga kwemwedzi mitatu. Havana kutya mutemo wamambo uye vakachengetedza mwana wavo kuti asauraiwe. (VaHebheru 11:23) Kuviga mwana hakusi nyore saka vaifanira kuona zvekuita. Jokebhedhi aifanira kunoviga mwana wake, omusiya paaigona kuonekwa nemumwe munhu aigona kuzomurera. Anofanira kunge ainyengetera kakawanda paairuka tswanda achiinama netara kuti isapinda mvura achibva anosiya mwana wake waaida murwizi rwaNire! Zvinoratidza sekuti akaudza Miriyemu kuti amire nechekure achiona zvaizoitika.—Eksodho 2:1-4.

 Miriyemu Akaponesa Hanzvadzi Yake

 Miriyemu akaramba akamirira. Akazoona vamwe vakadzi vechiIjipiti vachiuya. Vainge vasiri vanhuwo zvavo, asi ainge ari mwanasikana waFarao nevashandikadzi vake vaiuya kurwizi rwaNire kuzogeza. Miriyemu anogona kunge akarohwa nehana achifunga kuti mwanasikana waFarao achateerera mutemo wamambo ouraya kamwana aka kechiHebheru. Miriyemu anofanira kunge akanyengetera zvakasimba panguva iyi.

 Mwanasikana waFarao ndiye akatanga kuona tswanda iya yanga yakavigwa. Akabva atuma mumwe wevashandikadzi vake kuti anoitora. Nyaya yacho inoti mwanasikana waFarao: “Paakaivhura, akaona muine mwana mukomana, uye mwana wacho aichema.” (Eksodho 2:5, 6) Akabva aziva kuti pane mumwe mukadzi wechiHebheru anga ari kuedza kuponesa mwana wake. Mwanasikana waFarao akanzwira tsitsi kamwana aka. Miriyemu anenge akaona kuti mukadzi uyu ari kunzwira tsitsi kamwana aka. Akabva aona kuti iyi ndiyo nguva yekuti aratidze kuti anotenda muna Jehovha. Akabva azvishingisa akaenda kwaiva nevakadzi ava.

 Hatizivi kuti zvii zvaiitika kare ikako kana mwana wemuranda akaedza kutaura nemunhu wemumuzinda wamambo. Asi Miriyemu akabva anotaura nemwanasikana wamambo. Akanomubvunza kuti: “Ndiende ndinokunoshevedzerai mukadzi wechiHebheru anoyamwisa kuti akurererei mwana wacho here?” Mubvunzo waakabvunza unoratidza kuti anga akachenjera. Mwanasikana waFarao aiziva kuti iye pachake akanga asingakwanisi kurera mwana uyu. Zvimwe akafunga kuti zviri nani kuti mwana uyu achengetwe nevanhu verudzi rwake; ozomutora ati kurei achimuchengeta semwana wake nekumudzidzisa. Miriyemu anofanira kunge akaita seachabata denga mwanasikana waFarao paakamuudza kuti: “Enda!”—Eksodho 2:7, 8.

Miriyemu ari kutarisa kuti aone zvichaitika kuhanzvadzi yake

 Miriyemu akabva amhanya kunoudza vabereki vake. Imboedza kufungidzira kufara kwaaiita paaiudza amai vake zvakanga zvaitika. Jokebhedhi akanyatsoona kuti ndiJehovha akanga achiita kuti izvi zviitike, achibva aenda naMiriyemu kune mwanasikana waFarao. Zvimwe Jokobhedhi akaedza kuvharidzira kufara kwaaiita paakaudzwa nemwanasikana waFarao kuti: “Enda nemwana wangu uyu undirerere, uye ndichakubhadhara.”—Eksodho 2:9.

 Musi uyu Miriyemu akadzidza zvakawanda nezvaMwari wake Jehovha. Akaona kuti Jehovha anoda vanhu vake uye anoteerera minyengetero yavo. Akaonawo kuti havasi vanhu vakuru kana kuti varume chete vanogona kuratidza kutenda uye ushingi. Jehovha anonzwa minyengetero yevashumiri vake vese vakatendeka. (Pisarema 65:2) Tese mazuva ano, vadiki, vakuru, varume uye vakadzi, tinoda kuyeuka izvi panguva dzino dzakaoma dzatinorarama.

Miriyemu Aiva Nemwoyo Murefu

 Jokebhedhi akachengeta mwana uyu. Miriyemu anofanira kunge aida kahanzvadzi kake kaakaponesa. Miriyemu anogona kunge akamudzidzisawo kutaura. Zvichida akafarawo paakanzwa ava kugona kutaura zita raMwari rekuti Jehovha. Mwana wacho paakanga akura mwanasikana waFarao akauya kuzomutora. (Eksodho 2:10) Mhuri yese inofanira kunge yakarwadziwa nekuenda kwemwana. Mwanasikana waFarao akamutumidza kuti Mozisi. Miriyemu aiva neshungu yekuda kuziva kuti hanzvadzi yake aizova munhu akaita sei kana akura! Aizoramba achida Jehovha here sezvo aizokurira mumuzinda wamambo?

 Makore zvaakafamba, zvakazova pachena kuti Mozisi aiva munhu akaita sei. Miriyemu anofanira kunge akafara chaizvo paakaona hanzvadzi yake ichikura ichida kushumira Mwari uye achisiya mikana yaaiwana mumuzinda waFarao yaizoita kuti abudirire! Mozisi paakanga ava nemakore 40, akaratidza kuti aitsigira vanhu verudzi rwake. Akauraya muIjipiti waakaona achirova muHebheru. Akabva atiza muIjipiti nekuti aiziva kuti aigona kuzouraiwa.—Eksodho 2:11-15; Mabasa 7:23-29; VaHebheru 11:24-26.

 Mozisi akanogara kuMidhiyani kwemakore 40 achifudza makwai uye kwemakore ese aya kunenge kuti Miriyemu haana shoko raakambonzwa nezvehanzvadzi yake. (Eksodho 3:1; Mabasa 7:29, 30) Makore akaramba achipindana zvekuti Miriyemu akasvika pakuchembera achingoona kutambura kwaiita vanhu verudzi rwake kuchiwedzera.

Miriyemu Aiva Muprofitakadzi

 Miriyemu anofanira kunge aiva nemakore ekuma80 pakatumwa Mozisi naMwari kuti azonunura vanhu vake. Aroni ndiye aitaura achimiririra Mozisi, pavakaenda kuna Farao vachinokumbira kuti asunungure vanhu vaMwari. Farao akaramba uye vakadzokera vadzokerazve Mwari paakaunza matambudziko 10 pavaIjipiti. Pese apa Miriyemu anofanira kunge aivakurudzira. Padambudziko rekupedzisira ndipo pakaurayiwa matangwe ese eIjipiti uye vaIsraeri vakabva vanzi vachienda! Ita seuri kuona Miriyemu achishanda nesimba achibatsira vanhu verudzi rwake kubuda muIjipiti Mozisi achitungamirira.—Eksodho 4:14-16, 27-31; 7:1–12:51.

 VaIsraeri pavakanga vava kushaya kuti voita sei vakatarisana neGungwa Dzvuku uku vachidzingirirwa nemauto evaIjipiti, Miriyemu akaona hanzvadzi yake Mozisi akamira pamberi peGungwa Dzvuku achisimudza tsvimbo yake. Gungwa rakabva ravhurika! Vanhu zvavaifamba vachitsika pakaoma, kutenda kwaMiriyemu munaJehovha kwakabva kwawedzera kusimba. Mwari ainamatwa naMiriyemu, anogona kuzadzisa chero zvaanenge avimbisa!—Eksodho 14:1-31.

 Vanhu vese pavainge vapera kuyambuka, mvura yakabva yatanga kudzokera ikaparadza mauto ese evaIjipiti. Miriyemu akaona kuti Jehovha aiva nesimba kupfuura chero mambo upi zvake. Vanhu vakashamiswa, vakabva vatanga kuimbira Jehovha rwiyo. Miriyemu akabva atanga kutungamirira vakadzi vachiimba mashoko ekuti: “Imbirai Jehovha, nekuti ava kukudzwa kwazvo. Akanda bhiza nemutasvi waro mugungwa.”—Eksodho 15:20, 21; Pisarema 136:15.

Mwari akaita kuti Miriyemu atungamirire vakadzi vechiIsraeri kuimba paGungwa Dzvuku

 Miriyemu haana kumbokanganwa zvakaitika musi uyu. Panguva iyi, Bhaibheri rinotaura nezvaMiriyemu semuprofitakadzi. Miriyemu ndiye mukadzi wekutanga kutaurwa muBhaibheri semuprofitakadzi. Aiva mumwe wevakadzi vashoma vakasarudzwa naJehovha kuti vashande sevaprofitakadzi.—Vatongi 4:4; 2 Madzimambo 22:14; Isaya 8:3; Ruka 2:36.

 Bhaibheri rinoratidza kuti Jehovha anoona zvese zvatinoita uye anoda chaizvo kutikomborera pane zvese zvatinomuitira pakumurumbidza tichimirira kuti azadzise zvaakavimbisa. Tingava tiri vadiki, vakuru, varume kana vakadzi, tese tinogona kuratidza kuti tine kutenda muna Jehovha. Anofadzwa nevanhu vane kutenda kwakadaro, haambovakanganwi uye anotoda kuvakomborera. (VaHebheru 6:10; 11:6) Izvi zvinoita kuti tide kutevedzera kutenda kwaiva naMiriyemu!

Miriyemu Akatanga Kuzvikudza

 Mamwe mabasa anounza makomborero asi anogonawo kuita kuti munhu azvikudze. VaIsraeri pavakasunungurwa muuranda, Miriyemu anogona kunge ari iye ainyanya kuzivikanwa pavakadzi vese. Aizotanga kuzvikudza here? (Zvirevo 16:18) Zvinosuwisa kuti ndizvo zvakaitika.

 Pashure pemwedzi mishoma vabuda muIjipiti, Mozisi akatambira vaenzi vaibva kure. Vaiva tezvara vake vainzi Jetro, mudzimai wake ainzi Zipora, nevanakomana vake vaviri. Mozisi ainge aroora Zipora paakaita makore 40 achigara kuMidhiyani. Zipora anogona kunge ainge ambodzokera kuvabereki vake kuMidhiyani kunoshanya uye baba vake vakanga vava kumuunza kumusasa wevaIsraeri. (Eksodho 18:1-5) Fungidzira kufara kwakaita vaIsraeri! Vaida chaizvo kuona mudzimai wemurume ainge asarudzwa naMwari kuti avatungamirire kubuda munyika yeIjipiti.

 Miriyemu akafarawo here? Pakutanga anogona kunge akafara. Asi godo rakazomukurira. Anogona kunge akafunga kuti Zipora aizomutorera chinzvimbo chake. Miriyemu naAroni vakatanga kutaura mashoko ekushora. Kazhinji vanhu pavanowanzotaura mashoko ekushora anozopedzisira ava mashoko ekutuka uye ane ruvengo mukati. Pakutanga nyaya yaiva pana Zipora, vachiti aiva muKushi a kwete muIsraeri. Asi vakazopedzisira vava kutaura zvakaipa nezvaMozisi. Miriyemu naAroni vaiti: “Jehovha akataura achishandisa Mozisi ega here? Haana kutaura achitishandisawo here?”—Numeri 12:1, 2.

Miriyemu Anorohwa Nemaperembudzi

 Matauriro aMiriyemu naAroni anoratidza kuti vakanga vava neunhu hwakaipa. Vainge vava kuda chinzvimbo, zvekuti vainge vasisafare nekushandiswa kwaiitwa Mozisi naJehovha. Mozisi ainge achishandisa simba rake zvisiri izvo here? Pane zvimwewo zvaaikanganisa asi ainge asiri munhu aida chinzvimbo uye aizvikudza. Bhaibheri rinoti: “Murume uyu Mozisi, ndiye akanga ari munhu munyoro kupfuura vanhu vese vaiva panyika.” Miriyemu naAroni vaitaura zvisirizvo nezvaMozisi uye izvozvo zvaiva nengozi. Nyaya yacho inoti, “Jehovha akanga akateerera.”—Numeri 12:2, 3.

 Jehovha akabva ati vese vari vatatu vaende kutende rekusanganira. Vari ikoko, shongwe yegore yaimiririra Jehovha yakadzika ikamira pasuo retende. Jehovha akabva atanga kutaura navo, akatsiura Miriyemu naAroni achivayeuchidza nezveushamwari hwakasimba hwaaiva nahwo naMozisi uye kuti aivimba naye zvakadii. Jehovha akavabvunza kuti: “Saka nei musina kutya kutaura zvakaipa nezvemuranda wangu Mozisi?” Miriyemu naAroni vakadedera nekutya. Pavaishora Mozisi, Jehovha aiona sekuti vaitomushora iye pachake.—Numeri 12:4-8.

 Zvinoratidza sekuti Miriyemu ndiye aiva pamberi pakutaura mashoko ekushora mudzimai waMozisi uye akafurira Aroni kuti abatane naye. Ndochikonzero nei Miriyemu ari iye akarangwa. Jehovha akabva amurova nemaperembudzi. Chirwere ichi chinotyisa chakaita kuti asare achena “sechando.” Aroni akabva azvininipisa pamberi paMozisi, achibva atanga kukumbira ruregerero achiti: “Taita zveupenzi.” Mozisi aiva munhu munyoro, uye akabva atanga kuchema kuna Jehovha achiti: “Haiwa Mwari, ndapota muporesei! Ndapota!” (Numeri 12:9-13) Vakarwadziwa nezvakaitika. Zvinonyatsoratidza kuti vaida hanzvadzi yavo pasinei nekuti ane zvaaikanganisa.

Miriyemu Anoregererwa

 Jehovha akamunzwira tsitsi. Akamuporesa nekuti akanga apfidza. Asi aifanira kugara kunze kwemusasa wevaIsraeri kwemazuva 7. Miriyemu anofanira kunge akabuda mumusasa achinyara chaizvo nekuti munhu wese aiziva kuti ainge arangwa. Asi kutenda kwake kwakamuponesa. Aiziva kuti chirango chaainge aipiwa nababa vake Jehovha chainge chakakodzera nekuti vaimuda. Saka akabva aita zvaakaudzwa. Akaita vhiki yese ari kwake ega vaIsraeri vakamumirira. Miriyemu akaratidza zvakare kutenda kwake paakabvuma ‘kudzoswa mumusasa.’—Numeri 12:14, 15.

 Jehovha anoranga vaanoda. (VaHebheru 12:5, 6) Aida Miriyemu chaizvo ndosaka akamubatsira kuti asaramba achizvikudza. Chirango chacho chairwadza asi chakamubatsira. Kubvuma nemwoyo wese chirango chaakapiwa, kwakaita kuti Mwari arambe achimufarira. Akararama kusvikira vaIsraeri vatova pedyo kupinda munyika yakapikirwa. Akazofira muKadheshi yaiva murenje reZini uye anofanira kunge ainge ava kusvitsa makore 130. b (Numeri 20:1) Papera mazana emakore, Jehovha akaratidza kuti aikoshesa basa rainge raitwa naMiriyemu pakumushumira akavimbika. Achishandisa muprofita Mika, akayeuchidza vanhu vake kuti: “Ndakakununurai muimba yeuranda; ndakatuma Mozisi, naAroni naMiriyemu kwamuri.”—Mika 6:4.

Kutenda kwaMiriyemu kwakamubatsira kuti azvininipise paakarangwa naJehovha

 Tine zvakawanda zvatinodzidza kubva kuna Miriyemu. Tinoda kubatsira vamwe uye kuva neushingi hwekutsigira zvakarurama sezvaakaita paainge achiri mudiki. (Jakobho 1:27) Tinoda kumutevedzerawo pakuudzawo vamwe mashoko anobva kuna Mwari. (VaRoma 10:15) Zvakaitika kwaari zvinotidzidzisawo kuti tisava negodo uye ruvengo. (Zvirevo 14:30) Tinodawo kuzvininipisa tobvuma chirango chinobva kuna Jehovha. (VaHebheru 12:5) Patinoita zvese izvi, tinenge tichitevedzera kutenda kwaiva naMiriyemu.

a Panyaya yaZipora, shoko rekuti ‘muKushi’ rinoratidza kuti aibva kuArabhiya sezvainge zvakangoita vamwe vaMidhiyani, kwete kuItiopiya.

b Vese vari vatatu vakafa kuchitanga nemukuru, kutanga Miriyemu, kuchitevera Aroni, kuchibva kwazopedzisira Mozisi. Zvinoratidza sekuti vese vakafa gore rimwe chete.