Enda pane zvauri kuda

BHAIBHERI RINOCHINJA UPENYU

Ndakazotanga Kuwirirana naBaba Vangu

Ndakazotanga Kuwirirana naBaba Vangu
  • GORE REKUBEREKWA: 1954

  • NYIKA: Philippines

  • NHOROONDO YEUPENYU: Ndakatiza baba vaindishungurudza

MARARAMIRO ANDAIITA

 Vashanyi vakawanda vanouya kuzoona mapopoma anozivikanwa ari pedyo neguta rePagsanjan kuPhilippines. Baba vangu, Nardo Leron, vakakurira ikoko uye vaiva varombo. Uori hwaiitwa nehurumende, nemapurisa, uye kubasa kwavo hwaivagumbura.

 Vabereki vangu vakashanda nesimba kuti vatirere tese tiri 8. Kakawanda kacho vaisawanika pamba nekuti vainorima kumakomo. Ini nemukoma wangu Rodelio taizvitsvagira zvekudya uye taiwanzogara tiine nzara. Pataikura, hatina kumbowana mukana wekutambawo nevamwe vana. Kubvira pataiva nemakore 7, tese sevana taifanira kunoshanda kumunda, tichidzika makomo takatakura masaga emacoconut airema. Kana saga richirema zvekusatakurika, taitofanira kuita rekudhonza.

 Tairwadziwa nekugara tichirohwa nababa, asi tainyanyorwadziwa pavairova amai. Taiedza kuvabata asi taitadza nekuti takanga tichiri vadiki. Ini naRodelio takaronga kuzouraya baba vedu kana takura. Ndaishuva kuva nababa vaitida!

 Ndakapedzisira ndaneta neunhu hwababa, ndichibva ndabva pamba ndiine makore 14. Ndakamboita nguva ndichigara mumugwagwa uye ndakatanga kusvuta mbanje. Ndakazotanga kushanda semutyairi wechikepe ndichiendesa vashanyi kunoona mapopoma.

 Papera makore mashomanana, ndakatanga kudzidza payunivhesiti kuManila. Asi ndaisawana nguva yakawanda yekuverenga nekuti pakupera kwevhiki ndaienda kuPagsanjan kunoshanda. Ndairarama upenyu hwakaoma, husina chinangwa, uye mbanje dzakanga dzisisandibatsiri kukanganwa nhamo dzangu. Ndakatanga kushandisa mamwe madhiragi akadai secocaine neheroin. Kushandisa kwandaiita madhiragi kwakaita kuti nditange kuita zveunzenza. Kwese kwese kwainge kwakazara urombo, udzvanyiriri, uye kutambura. Izvi zvaiita kuti ndivenge hurumende nekuti ndaiona sekuti ndiyo yaizvikonzera. Ndakabvunza Mwari kuti, “Sei upenyu huchidai?” Handina kuwana mhinduro kuzvitendero zvakasiyana-siyana zvandakamboenda. Ndakawedzera kushandisa madhiragi kuti ndisafunga nhamo dzangu.

 Muna 1972, vana vechikoro vemuPhilippines vakaratidzira vachitsutsumwa zvaiitwa nehurumende. Ndakabatanawo navo uye pakazopedzisira pava kuitika zvemhirizhonga. Vanhu vakawanda vakasungwa, uye papera mwedzi yakati kuti nyika yese yakanga yava kutongwa nemauto.

 Ndakapedzisira ndava kugara mumigwagwa zvekare ndichitya kusungwa. Kuti ndiwane mari yekutenga madhiragi, ndakatanga kuba uye ndakapedzisira ndava kuita zveunzenza nevanhu vaiva nemari uye vaibva kune dzimwe nyika. Ndaitoti chero ndikafa hazvina basa.

 Panguva iyi, amai vangu nemumwe munin’ina wangu vakatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Baba vangu vakagumbuka chaizvo, uye vakapisa mabhuku aishandiswa naamai nemunin’ina wangu kudzidza Bhaibheri. Asi vanaamai havana kukanda mapfumo pasi uye vakazobhabhatidzwa seZvapupu.

 Mumwe musi pane Chapupu chakataura nababa vangu nezveramangwana risina udzvanyiriri. (Pisarema 72:12-14) Baba vangu vakazvifarira zvekuti vakatanga kuverenga Bhaibheri kuti vazvionere. Vakaona kuti Mwari anovimbisa kuti pachava nehurumende isina uori uye zvinofanira kuitwa nevarume kumhuri dzavo. (VaEfeso 5:28; 6:4) Pasina nguva, ivo nevamwe vana vemumba medu vese vakava Zvapupu. Sezvo ndaiva kure nekumba, handina kumboziva kuti ndizvo zvakaitika.

KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI

 Muna 1978, ndakatamira kuAustralia. Asi kunyange ndaiva munyika yakabudirira kudaro, ndakanga ndisina rugare mupfungwa. Ndakaramba ndichiita zvemadhiragi nekunwa doro. Gore iroro, ndakashanyirwa neZvapupu zvaJehovha. Ndakafarira zvavakandiratidza muBhaibheri kuti panyika pachava nerugare, asi ndaizeza kudzidza navo.

 Pasina nguva ndaonana neZvapupu, ndakazombodzokera kuPhilippines kwemavhiki mashomanana. Vanin’ina vangu vakandiudza kuti baba vakanga vachinja chaizvo vava munhu ari nani, asi ndakanga ndichakavagumbukira zvekuti ndaisatomboda kana kuvaona.

 Kahanzvadzi kangu kakashandisa Bhaibheri kunditsanangurira kuti sei vanhu vachitambura vachidzvinyirirana. Ndakashamiswa kuti kamwana kadiki kudaro kaiva nemhinduro dzemibvunzo yaindinetsa. Ndisati ndaenda, baba vangu vakandipa bhuku rinonzi Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano. a Vakati: “Chidzikama. Bhuku iri rine mhinduro dzemibvunzo yaunayo.” Vakandikurudzira kuti ndinotsvaga Zvapupu zvaJehovha kana ndadzokera kuAustralia.

 Ndakaita zvandakaudzwa nababa, ndikanotsvaga paiva neImba yeUmambo pedyo nekwandaigara kuBrisbane. Ndakabvuma kudzidziswa Bhaibheri. Uprofita hwakadai sehuri pana Dhanieri chitsauko 7 uye Isaya chitsauko 9 hwakandiratidza kuti hurumende yaMwari isina kana uori ndiyo ichatitonga mune ramangwana. Ndakadzidza kuti tichagara muParadhiso pasi pano. Ndaida kufarirwa naMwari, uye ndakaona kuti ndaifanira kurega kuita zvehasha, madhiragi, doro, uye unzenza. Ndakasiyana nemusikana wandaigara naye, ndichibva ndarega kushandisa zvinhu zvinodhaka. Ndakawedzera kuvimba naJehovha, uye ndakanyengetera kuti andibatsire kuramba ndichichinja unhu hwangu.

 Zvishoma nezvishoma ndakatanga kuona kuti zvandaidzidza zvinokwanisa kuchinja munhu. Bhaibheri rinoratidza kuti kana tikashanda nesimba, tinogona ‘kupfeka unhu hutsva.’ (VaKorose 3:9, 10) Pandakaedza kuita izvi, ndakaona kuti zvandakanga ndanzwa nezvababa vangu kuti vakanga vachinja chaigona kuva chokwadi. Ndakanga ndava kuda kuwirirana navo, kwete kuramba ndakavagumbukira. Ndakazovagerera kushungurudza kwavakatiita tichiri vadiki.

KUBATSIRWA KWANDAKAITWA

 Pandaikura, ndaiwanzotevedzera zvinhu zvakaipa zvaiitwa nevamwe. Zvinotaurwa neBhaibheri kuti ushamwari hwakaipa hunotsausa ndizvo zvakanyatsoitika kwandiri. (1 VaKorinde 15:33) Asi iye zvino ndava neshamwari dzandinovimba nadzo pakati peZvapupu zvaJehovha uye dzakandibatsira kuti ndive munhu kwaye. Ndakawanawo mudzimai akanaka anonzi Loretta. Tese tinodzidzisa vanhu kushandisa zvinotaurwa neBhaibheri.

Tichidya nemudzimai wangu neshamwari

 Handina kumbobvira ndafunga kuti baba vangu vangachinja asi Bhaibheri rakavabatsira kuva murume ane rudo uye muKristu anozvininipisa, anoda rugare. Pandakazoonana nababa vangu ndabhabhatidzwa seChapupu chaJehovha muna 1987, vakandimbundira kekutanga muupenyu hwangu!

 Baba naamai vakaita makore anopfuura 35 vachiudza vamwe tariro yeBhaibheri. Baba vakanga vava munhu anoshanda nesimba, anoitira vamwe hanya uye vakanga vava kuzivikanwa nekubatsira vamwe. Mumakore iwayo, ndakadzidza kuvaremekedza uye kuvada. Ndaidada kuva mwanakomana wavo! Vakazoshaya muna 2016, asi ndinofara pandinofunga kuti tese takashandisa zvinodzidziswa neBhaibheri ndokuchinja unhu hwedu. Handisisina kana chigumbu navo. Ndinofara chaizvo kuti ndakaziva Baba vangu vekudenga vanondida, Jehovha Mwari, avo vanovimbisa kuti vachabvisa zvese zviri kushungurudza vanhu.

a Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha asi iye zvino harichaprindwi.