Enda pane zvauri kuda

BHAIBHERI RINOCHINJA UPENYU

“Ndaifairira Kuita Martial Arts”

“Ndaifairira Kuita Martial Arts”
  • Gore Rekuberekwa: 1962

  • Nyika: United States

  • Nhoroondo Yeupenyu: Aida zvakanyanya kuita zvemartial arts

MARARAMIRO ANDAIITA

 Mumwe wandaitamba naye akakuvara zvakanyanya. Ndakanga ndamukava pamhino netsaona. Ndakatanga kuzvipa mhosva uye kunetseka ndichibva ndafunga kusiya zvemartial arts. Mutambo uyu ndakanga ndava nemakore akawanda ndichiuita, asi pandakakuvadza mumwe wangu ndipo pandakatanga kufunga kana ndaifanira kuramba ndichiutamba. Regai nditsanangure kuti ndakasvika sei pakuita zvemartial arts.

 Ndakakurira pedyo neBuffalo muNew York kuU.S.A., uye mhuri yedu yaipinda chechi yeRoma. Ndakadzidza pazvikoro zvechechi yeRoma uye ndaibatsira mupristi mabasa ake. Vabereki vedu vaida kuti ini nehanzvadzi yangu tibudirire muupenyu. Saka vaindibvumidza kuti nditambe mitambo yaiitwa kuchikoro uye kuita mabasa kuti ndiwane mari chero bedzi zvaisazondifoirisa chikoro. Izvi zvakandidzidzisa kuti ndive munhu anozvidzora ndichiri mudiki.

 Pandakanga ndava nemakore 17, ndakatanga kuita zvemartial arts. Kwemakore akawanda, ndaiita maawa matatu pazuva kwemazuva 6 pavhiki ndichidzidzira. Vhiki rega rega, ndaiitawo maawa akawanda ndichidzidzira ndega uye ndaionawo mavhidhiyo emartial arts. Ndaifarira zvekudzidzira ndakazvivhara maziso kunyange pandaishandisa mapakatwa. Ndaigona kupwanya zvidhinha uye kudimbura mapuranga nechibhakera chimwe chete. Ndakatanga kupihwa zvidanho uye mikombe pandaienda kumakwikwi. Martial arts ndokwakanga kwava kudya kwangu.

 Ndaifunga kuti ndakanga ndabudirira. Pandakapedza kuyunivhesiti ndainge ndakapasa. Ndaishandira imwe kambani hombe ndichiita zvemakombiyuta. Basa rangu raindiwanisa zvakawanda, ndakakwanisa kutenga imba yangu uye ndaivawo nemusikana wandaidanana naye. Upenyu hwangu hwaiita sehwakanaka asi ndaisafara nekuti ndakanga ndiine mibvunzo yakawanda yakanga isina mhinduro.

KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI

 Ndakatanga kuenda kuchechi kaviri pavhiki uye kunyengetera kuna Mwari ndichitsvaga mhinduro dzemibvunzo yandaiva nayo. Rimwe zuva pandaitaura neshamwari yangu, takakurukura zvinhu zvakachinja upenyu hwangu. Ndakamubvunza kuti, “Wakambozvibvunzawo here kuti nei tichirarama?” ndakabva ndati, “Pane matambudziko akawanda uye vanhu vakawanda vari kudzvinyirirwa!” Akandiudza kuti aimbovawo nemibvunzo yakadaro uye kuti akanga awana mhinduro dzinogutsa kubva muBhaibheri. Akandipa bhuku rinonzi Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano. a Akandiudza kuti akanga ari kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Ndakambozeza nekuti ndakanga ndisingadi kuverenga mabhuku emamwe machechi. Asi nekuti ndaida mhinduro dzemibvunzo yandaiva nayo ndakatsvaga zvaidzidziswa neZvapupu kuti ndione kana zvaiva nemusoro.

 Ndakashamiswa pandaiona zvaidzidziswa neBhaibheri. Ndakadzidza kuti chinangwa chaMwari chaiva chekuti vanhu vagare muparadhiso pasi pano nekusingaperi uye kuti chinangwa ichocho hachina kuchinja. (Genesisi 1:28) Ndakashamisika pandakaona zita raMwari rekuti Jehovha muBhaibheri rangu reKing James uye kuona kuti zita iroro ndiro randaitaura nezvaro pandaiita Munyengetero waShe. (Pisarema 83:18; Mateu 6:9) Ndakatangawo kunzwisisa kuti nei Mwari ari kumbobvumira kuti vanhu vatambure. Zvinhu zvese zvandaidzidza ndaiona kuti zvine musoro! Izvi zvakaita kuti ndifare chaizvo.

 Handimbokanganwi musi wandakatanga kuenda kumusangano weZvapupu zvaJehovha. Munhu wese aiva neushamwari uye aitoda kuziva zita rangu. Pandakatanga kuenda kumusangano pakapiwa hurukuro inokosha yaitaura nezveminyengetero inonzwiwa naMwari. Sezvo ndainyengetera kuna Mwari ndichikumbira kubatsirwa, musoro wehurukuro yacho wakaita kuti ndide kunzwa zvakawanda. Ndakazopindawo Chirangaridzo cherufu rwaJesu. Paiverengwa Bhaibheri, zvakandishamisa kuona kunyange vana vadiki vachivhurawo maBhaibheri avo. Pakutanga ndakanga ndisingagoni kuvhura Bhaibheri asi Zvapupu zvakandibatsira uye vakandidzidzisa kuti ndinorishandisa sei.

 Ndakaramba ndichipinda misangano, uye ndakatanga kuona kuti Zvapupu zvaJehovha zvinodzidzisa zvinhu chaizvo kusiyana nemamwe machechi. Ndaidzidza zvakawanda pamusangano wega wega, uye pataipedza ndainzwa ndazorodzwa uye ndakurudzirwa. Mumwe munhu akazokumbira kudzidza neni Bhaibheri.

 Zvandakaona pandaiva neZvapupu zvakanyatsosiyana nezvandaiona kuchechi kwedu. Ndaiona kuti Zvapupu zvaJehovha vanhu vakabatana vanoedza kuita zvinofadza Mwari. Ndakabva ndava nechokwadi chekuti vanhu ava, vairatidzana rudo, ndivo vaiva vaKristu vechokwadi.—Johani 13:35.

 Pandairamba ndichidzidza zvakawanda, ndakatangawo kuchinja zvakawanda kuti upenyu hwangu huenderane nezvandaidzidza. Asi ndainyatsonzwa kuti ndaisakwanisa kusiya zvemartial arts. Ndainakidzwa nekudzidzira uye kuenda kumakwikwi. Pandakaudza munhu wandaidzidza naye Bhaibheri, akandisimbisa, akandiudza kuti, “Ingoramba uchidzidza, ndinoziva kuti uchaita chisarudzo chakanaka.” Ndizvo chaizvo zvandaida kunzwa. Kuramba ndichidzidza kwaiita kuti ndiwedzere kuda kufadza Jehovha Mwari.

 Pakaitika zvandambotaura patanga nyaya ino ndipo pakachinja upenyu hwangu, pandakakava mumwe wandaitamba naye pamhino netsaona. Izvozvo zvakaita kuti ndifunge kuti ndaizova muteveri waKristu ane rugare here kana ndaizoramba ndichiita zvemartial arts. Ndakanga ndadzidza pana Isaya 2:3, 4 kuti Jehovha akataura kuti vaya vanoteerera mirayiro yake “havazodzidzi kurwa zvakare.” Uye Jesu akadzidzisa vanhu kuti vasarwa kunyange kana vakaitirwa utsinye. (Mateu 26:52) Saka ndakabva ndarega zvemartial arts.

 Kubvira ipapo ndakabva ndatanga kuteerera murayiro wemuBhaibheri wekuti ndizvidzidzise “kuzvipira kuna Mwari.” (1 Timoti 4:7) Nguva yese nesimba zvandaimboshandisa pakuita zvemartial arts ndava kuzvishandisa pakuita zvekunamata. Musikana wandaidanana naye haana kubvumirana nezvandaidzidza muBhaibheri saka takabva tarambana. Musi wa24 January 1987 ndakabhabhatidzwa semumwe weZvapupu zvaJehovha. Pasina nguva, ndakabva ndatanga kuita nguva yakawanda ndichiparidza ndichidzidzisa vamwe Bhaibheri. Ndakamboshandawo kumahofisi makuru eZvapupu zvaJehovha ari muNew York kuU.S.A.

KUBATSIRWA KWANDAKAITWA

 Nekuti ndava kuziva chokwadi nezvaMwari, ndakawana zvandaishaya muupenyu hwangu. Handichanzwi sekuti pane zvimwe zvinhu zvandisina. Ndine upenyu hunonyatsogutsa uye tariro yechokwadi yeramangwana uye ndiri kunyatsofara. Ndichiri kunakidzwa nekuekisesaiza asi izvozvo hazvisirizvo zvinonyanya kukosha muupenyu hwangu. Chava kunyanya kukosha iye zvino kushumira Jehovha Mwari.

 Pandaiita zvemartial arts, ndaigara ndakangwarira vanhu vaiva pedyo neni uye ndaigara ndichifunga kuti ndingazvidzivirira sei kana mumwe munhu akandirwisa. Iye zvino ndichiri ndakangwaririra vanhu vanenge vari pedyo neni nekuti ndinoda kuvabatsira. Bhaibheri rakandibatsira kuti ndive munhu ane rupo uye kuti ndide mudzimai wangu Brenda.

 Ndainyanya kufarira kuita martial arts. Asi iye zvino ndava nechimwe chinhu chiri nani. Bhaibheri rinotaura nezvacho parinoti, “Kusimbisa muviri kunobatsira zvishoma, asi kuzvipira kuna Mwari kunobatsira pazvinhu zvese, sezvo kuine vimbiso yeupenyu huno neupenyu huchauya.”—1 Timoti 4:8.

a Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha asi iye zvino harichaprindwi.