Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 BHAIBHERI RINOCHINJA UPENYU

“Ndakatanga Kunyatsofunga Kuti Upenyu Hwangu Hwainge Hwakananga Kupi”

“Ndakatanga Kunyatsofunga Kuti Upenyu Hwangu Hwainge Hwakananga Kupi”
  • GORE ROKUBEREKWA: 1941

  • NYIKA: AUSTRALIA

  • NHOROONDO YOUPENYU: AISVUTA FODYA UYE AIVA CHIDHAKWA

MARARAMIRO ANDAIITA:

Ndakakurira mutaundi duku rokumaruwa rinonzi Warialda muNew South Wales. Warialda inzvimbo inorimwa mbeu dzakasiyana-siyana uye inochengetwa makwai nemombe. Taundi racho rakachena uye kuparwa kwemhosva kushoma.

Zvandakanga ndiri dangwe pavana gumi, ndakatanga kushanda ndiine makore 13, kuti ndibatsire pakuriritira mhuri. Sezvo ndakanga ndisina kunyanya kudzidza, ndaishanda mumapurazi. Ndava nemakore 15, ndaishanda basa rokutarisira zvipfuwo, ndichipingudza mabhiza.

Kushanda pamapurazi kwaiva nezvakwakanakira uyewo zvakwakaipira. Ndaifarira chaizvo basa racho uye nzvimbo yacho. Ndaiwanzogara pamoto manheru ndichitarira mwedzi uye denga rakazara nenyeredzi ukuwo kamhepo kanotonhorera kachiita kuti ndinzwe kunhuwirira kwemiti yaiva pedyo. Ndinoyeuka ndichifunga kuti panofanira kuva neMunhu akasika zvinhu zvose izvi zvakanaka kudai. Asi mumapurazi imomo ndaishanda nevanhu vaiva neunhu hwakafumuka. Ndaigara ndichinzwa mashoko okutuka uye ndaiwana fodya zviri nyore. Ndakabva ndava netsika yokusvuta uye kutuka.

Ndava nemakore 18, ndakatamira kuSydney. Ndakaedza kupinda muchiuto asi handina kukwanisa nokuti ndaiva nedzidzo shoma. Ndakazowana basa muSydney uye ndakagaramo kwegore. Panguva iyoyo ndipo pandakatanga kusangana neZvapupu zvaJehovha. Ndakakokwa kuti ndipinde mumwe wemisangano yavo ndikabvuma uye ndakabva ndangoona kuti dzidziso dzavo ndedzechokwadi.

Munguva pfupi, ndakasarudza kudzokera kumaruwa. Ndakazopedzisira ndava kuGoondiwindi, muQueensland. Ndakawana basa, uye ndakaroora asi zvinosuwisa kuti ndakabva ndatanga kunwa doro.

Ini nemudzimai wangu takava nevana vaviri. Pashure pokunge  vana vangu vaberekwa, ndakatanga kunyatsofunga kuti upenyu hwangu hwainge hwakananga kupi. Ndakayeuka zvandakanga ndanzwa pamusangano weZvapupu kuSydney, uye ndakafunga kuti ndaifanira kuita chimwe chinhu.

Ndakawana magazini yekare yeNharireyomurindi, yaiva nekero yehofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha yokuAustralia. Ndakatumira tsamba ndichikumbira kubatsirwa. Ndakabva ndashanyirwa nechimwe Chapupu chaiva nerudo uye nemutsa. Pasina nguva, akatanga kudzidza neni Bhaibheri.

KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI:

Pandaidzidza Bhaibheri, ndakaona kuti ndaifanira kuchinja zvinhu zvakawanda muupenyu hwangu. Ndima yeBhaibheri yakanyanya kundibatsira ndi2 VaKorinde 7:1. Ndima iyi inotikurudzira kuti ‘tizvichenese pazvinhu zvose zvinosvibisa nyama.’

Ndakasarudza kurega kusvuta nokudhakwa. Zvakanga zvisiri nyore kuchinja, sezvo yainge yatova tsika kwenguva yakareba. Asi ndainge ndatsunga kuti ndirarame nenzira inofadza Mwari. Chakandibatsira zvikuru kwaiva kushandisa zano ratinowana pana VaRoma 12:2 rinoti: “Regai kuzvienzanisa nemamiriro ezvinhu epanguva ino, asi shandurwai nokuchinja pfungwa dzenyu.” Ndakaona kuti kana ndaizokwanisa kuchinja unhu hwangu, ndaifanira kuchinja mafungiro angu, uye ndoona unhu hwangu semaonero aiita Mwari kuti hwaiva hwakaipa. Mwari akandibatsira kuti ndikwanise kusiya fodya uye kurega kudhakwa.

“Ndakaona kuti kana ndaizokwanisa kuchinja unhu hwangu, ndaifanira kuchinja mafungiro angu”

Kutuka ndiko kwaiva kwakanyanya kundiomera kurega. Ndaiziva kuti muBhaibheri mune zano riri pana VaEfeso 4:29 rinoti: “Shoko rakaora ngarirege kubuda mumuromo menyu.” Kunyange zvakadaro, zvakanditorera nguva kugadzirisa matauriro angu. Ndakabatsirwa nokufungisisa mashoko ari pana Isaya 40:26. Ichitaura nezvematenga akazara nyeredzi, ndima yacho inoti: “Tarirai kumusoro muone. Ndiani akasika zvinhu izvi? Ndiye anobudisa uto razvo maererano nokuwanda kwazvo, anozvishevedza zvose nemazita azvo. Nokuda kwoukuru hwesimba rake guru, zvaainewo simba guru, hapana kana chimwe chete chazvo chinoshayikwa.” Ndakafunga kuti, kana Mwari aine simba rokusika zvinhu zvose zviri pasi nokudenga izvo zvandaifarira kutarira, zvechokwadi aizondipa simba rokuchinja kuitira kuti ndimufadze. Kuramba ndichinyengetera uye kushanda nesimba kwakandibatsira kuti ndigadzirise matauriro angu zvishoma nezvishoma.

KUBATSIRWA KWANDAKAITWA:

Pandaiita basa rokutarisira zvipfuwo, ndaisawana mukana wokukurukura nevanhu sezvo pamapurazi pandaishanda paiva nevanhu vashoma. Asi, nokudzidziswa kwandakaitwa pamisangano yeZvapupu zvaJehovha, ndava kugona kutaura nevamwe. Kudzidziswa uku kwakandibatsirawo kuti ndigone kuudza vamwe mashoko akanaka oUmambo hwaMwari.—Mateu 6:9, 10; 24:14.

Ndava nemakore ndichishanda semukuru muungano uye ndichifara. Ndinoiona seropafadzo kuita zvose zvandinogona kubatsira hama dzangu dzandinonamata nadzo. Chikomborero chikuru chandakawana ndechokushumira Jehovha nemudzimai wangu akavimbika uye ane rudo, pamwe chete nevana vedu vakanaka chaizvo.

Ndinoonga Jehovha nokundidzidzisa kunyange zvazvo ndiine dzidzo shoma. (Isaya 54:13) Ndinobvumirana chaizvo nemashoko ari pana Zvirevo 10:22, anoti: “Chikomborero chaJehovha ndicho chinopfumisa.” Ini nemhuri yangu tinotarisira kuzodzidza zvakawanda nezvaJehovha uye kumushumira nokusingaperi.