Enda pane zvauri kuda

“Bhuku Rakashandurwa Neunyanzvi” muchiEstonian

“Bhuku Rakashandurwa Neunyanzvi” muchiEstonian

Muna 2014, muEstonia makaitwa makwikwi ezvinhu zvakanyorwa mumutauro wechiEstonian. Bhaibheri reShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene rakasarudzwa kuti ripindewo mumakwikwi aya ekuzowana mubayiro weLanguage Deed of the Year Award. Pazvinhu 18 zvaikwikwidza, Bhaibheri iri rakaita nhamba 3.

Bhaibheri iri rakabudiswa musi wa8 August 2014 uye Kristiina Ross nyanzvi yezvemitauro paInstitute of the Estonian Language akazorisarudza kuti ripinde mumakwikwi aya. Akati Shanduro yeNyika Itsva “iri nyore uye inonakidza kuverenga,” uye akawedzera kuti: “Kushandurwa kwarakaitwa neunyanzvi kwasimudzira nyaya dzekushandurwa kwemabhuku muchiEstonian.” Rein Veidemann, mumwe purofesa anoongorora nyaya dzetsika uye kunyorwa kwemabhuku muchiEstonian, akati Shanduro yeNyika Itsva “ibhuku rakashandurwa neunyanzvi.”

Bhaibheri rokutanga rakazara muchiEstonian rakabudiswa muna 1739, uye mamwe akazoshandurwa nokufamba kwenguva. Saka nemhaka yei Shanduro yeNyika Itsva yakazonzi ‘yakashandurwa neunyanzvi’?

Rakarurama. Rimwe Bhaibheri rechiEstonian rinoshandiswa nevanhu vakawanda iro rakabudiswa muna 1988, rakaita zvakanaka nokushandura zita raMwari richiti “Jehoova” (Jehovha) muMagwaro echiHebheru (Testamende Yekare) kanodarika ka6 800. a Shanduro yeNyika Itsva yechiEstonian ndizvo zvayakaitawo, asi haigumiri ipapo. Pazvainge zvakakodzera yakashandisawo zita raMwari muMagwaro echiKristu echiGiriki (Testamende Itsva).

Rakajeka. Bhaibheri iri reShanduro yeNyika Itsva rakarurama uye rinonzwisisika here? Toomas Paul mumwe mushanduri weBhaibheri anoremekedzwa akanyora mupepanhau rinonzi Eesti Kirik (Chechi yekuEstonia) kuti Shanduro yeNyika Itsva “yakashandurwa muchiEstonian chinonyatsonzwisisika.” Akawedzera kuti: “Kutaura chokwadi zvinhu zvakadai hazvisati zvamboitika.”

Vanhu vari kuverenga Bhaibheri muchiEstonian

Vanhu vekuEstonia vari kufarira chaizvo Bhaibheri iri reShanduro yeNyika Itsva. Nhepfenyuro yeredhiyo yeko yakabudisa chirongwa chemaminitsi 40 chaingotaura nezveBhaibheri iri. Vafundisi nevamwe vanhu vanoendawo kumachechi vakatokumbirawo Zvapupu zvaJehovha Bhaibheri iri. Chimwe chikoro chepamusoro chiri muTallinn chakakumbira maBhaibheri 20 eShanduro yeNyika Itsva kuti vazoashandisa pane zvimwe zvidzidzo zvinoitwa pachikoro chavo. Vanhu vekuEstonia vanofarira zvokuverenga, saka Zvapupu zvaJehovha zvinovapa shanduro iyi yakarurama uye yakajeka yeShoko raMwari.

a Ain Riistan, sachigaro weNew Testament Studies paUniversity of Tartu, akarondedzera chakaita kuti vanhu vekuEstonia vadane zita raMwari vachiti “Jehoova,” uye akazopedzisa achiti: “Ndinofunga kuti shoko rokuti Jehoova rakanyatsokodzera mazuva ano. Pasinei nekuti rakatangira kupi, . . . zita iri rokuti Jehoova ragara richiremekedzwa chaizvo nezvizvarwa zvakawanda, uye ndiro zita raMwari akatuma Mwanakomana wake kuti azodzikinura vanhu.”