Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha Zvinoparadza Mhuri Here Kana Kuti Zvinodzivaka?

Zvapupu zvaJehovha Zvinoparadza Mhuri Here Kana Kuti Zvinodzivaka?

 SeZvapupu zvaJehovha, tinoshanda nesimba kuti mhuri dzedu nedzevavakidzani vedu dzirambe dzakasimba. Tinoremekedza Mwari nokuti ndiye akatanga urongwa hwemhuri. (Genesisi 2:21-24; VaEfeso 3:14, 15) MuBhaibheri mune mazano anobatsira vanhu pasi rose kuti vave nemhuri dzakasimba uye dzinofara.

Zvatinoita Kuti Mhuri Dzirambe Dzakasimba

 Tinoedza chaizvo kutevedzera mazano ari muBhaibheri, nokuti anotibatsira kuva varume, madzimai uye vabereki vari nani. (Zvirevo 31:10-31; VaEfeso 5:22-6:4; 1 Timoti 5:8) Mazano acho anobatsira kunyange mhuri dzine vanhu vanopinda machechi akasiyana. (1 Petro 3:1, 2) Inzwa zvakataurwa nevamwe vane varume kana madzimai vakazova Zvapupu zvaJehovha:

  •   “Mumakore edu 6 okutanga taroorana taigara tichipopotedzana. Asi mudzimai wangu Ivete paakazova Chapupu chaJehovha, rudo rwake nomwoyo murefu zvakabva zvawedzera. Izvi zvakabatsira kuti imba yedu isaparara.”—Clauir, wekuBrazil.

  •   “Murume wangu Chansa paakatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, handina kuzvifarira ndichifunga kuti vanoita kuti mhuri dziparare. Asi ndakatozoona kuti Bhaibheri riri kutibatsira.”—Agness, wekuZambia.

 Patinoparidza, tinoratidza vavakidzani vedu kuti mazano ari muBhaibheri angavabatsira sei

Kana wawakaroorana naye akasarudza kuva Chapupu zvinokonzera kuti mutange kunetsana mumba here?

 Dzimwe nguva ndizvo zvinoitika. Somuenzaniso, muna 1998 tsvakurudzo yakaitwa neboka rinonzi Sofres yakaratidza kuti pamhuri 20 dzine murume kana mudzimai ari Chapupu, 1 yacho yakava nematambudziko akakura munhu iyeye paakatendeuka kuva Chapupu.

 Jesu akagara ataura kuti vaya vanoita zvaaidzidzisa vanogona kuzotambudzwa nevoukama. (Mateu 10:32-36) Munyori wenhoroondo anonzi Will Durant anoti paitonga Umambo hweRoma, “chiKristu chaipomerwa kuti chinoita kuti dzimba dziparare,” a uye vamwe veZvapupu zvaJehovha ndizvo zvavanopomerwawo. Saka zvinoreva here kuti uya anenge ava Chapupu ndiye anokonzera kuti mumba muve nokusawirirana?

Dare reEuropean Court of Human Rights (ECHR)

 European Court of Human Rights payaitonga nyaya yaipomerwa Zvapupu zvaJehovha yokuparadza mhuri, yakataura kuti voukama vasiri Zvapupu ndivo vanowanzokonzera kunetsana. Izvi vanozviita “nokusaremekedza kodzero ine hama yavo yokusarudza manamatiro ainoda yakasununguka.” Dare racho rakawedzera kuti: “Kunyange pakasava neChapupu chaJehovha mumhuri, vanhu vanototi vanetsane kana mumba mukava nemachechi maviri.” b Zvapupu zvaJehovha pazvinopikiswa, zvinoedza kutevedzera zano reBhaibheri rokuti: “Musadzorera chakaipa nechakaipa kuna ani naani zvake. . . . Kana zvichibvira, nepamunogona napo, ivai norugare nevanhu vose.”—VaRoma 12:17, 18.

Nei Zvapupu zvaJehovha zvichida kungoroorana pachazvo?

 Zvinoteerera murayiro weBhaibheri wokuti rooranai “munaShe chete,” kureva kungoroorana nomunhu wavanonamata naye chete. (1 VaKorinde 7:39) Uyu murayiro uri muBhaibheri uye unobatsira. Somuenzaniso, imwe nyaya iri mubhuku rinonzi Journal of Marriage and Family ra2010 yakati, “vanhu vanoroorana vaine chechi imwe chete yavanopinda” vanowanzowirirana chaizvo. c

 Kunyange zvakadaro, Zvapupu hazvikurudziri vavanonamata navo kuti vaparadzane newavakaroorana naye kana asiri Chapupu. Bhaibheri rinoti: “Kana hama chero ipi zvayo iine mudzimai asingatendi, asi iye achida hake kugara nayo, ngairege kumusiya; uye mukadzi ane murume asingatendi, asi murume wacho achida hake kugara naye, ngaarege kusiya murume wake.” (1 VaKorinde 7:12, 13) Zvapupu zvaJehovha zvinoteerera murayiro uyu.

a Ona bhuku rinonzi Caesar and Christ, papeji 647.

b Ona mutongo wakapiwa panyaya inoti Jehovah’s Witnesses of Moscow and Others v. Russia, pamapeji 26-27, ndima 111.

c Ona bhuku rinonzi Journal of Marriage and Family, Volume 72, Number 4, (August 2010), peji 963.