Enda pane zvauri kuda

Munhu Anogona Here Kuti Haachadi Kuva Mumwe weZvapupu zvaJehovha?

Munhu Anogona Here Kuti Haachadi Kuva Mumwe weZvapupu zvaJehovha?

 Hongu. Munhu anonzi aramba kuva musangano redu kana aita zvinhu zviviri zvinotevera:

  •   Aita zvekutaura ega. Kana munhu asingachadi kuzivikanwa semumwe weZvapupu zvaJehovha, anogona kuita zvekutaura kana kuti kuita zvekunyora.

  •   Maitiro ake. Anogona kunge ava kurarama nenzira inoratidza kuti haachadi kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha. (1 Petro 5:9) Semuenzaniso, anogona kunge ava kuenda kune imwe chechi uye achitoratidza kuti ava kuda kuva nhengo yechechi iyoyo.—1 Johani 2:19.

Ko kana munhu asingachaparidzi kana kuti asingachapindi misangano yenyu? Munoona munhu iyeye seanenge atoramba kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha here?

 Aiwa. Munhu anenge azvibvisa musangano redu kana kuti anenge ati haachadi kuva Chapupu chaJehovha , akasiyana nemunhu anenge asisina kusimba pakutenda. Kazhinji kacho vanhu vaya vanenge vaita sevadzikira pakunamata, hazvirevi hazvo kuti vanenge vatosiya kutenda, asi kuti vanogona kunge vakaodzwa mwoyo nezvimwewo zvinhu. Pane kuti tibva tangosiyana nevanhu vakadaro, tinoedza kuvanyaradza uye kuvatsigira. (1 VaTesaronika 5:14; Judha 22) Kana munhu wacho achida kubatsirwa, vakuru vemuungano vanotungamirira pakubatsira munhu iyeye kuti asimbezve pakunamata.—VaGaratiya 6:1; 1 Petro 5:1-3.

 Zvisinei, vakuru havana masimba ekumanikidza munhu kuti arambe ari mumwe weZvapupu zvaJehovha. Munhu mumwe nemumwe anozvisarudzira zvaanoda panyaya yechitendero. (Joshua 24:15) Tinodavira kuti vanhu vanonamata Mwari vanofanira kumunamata nemwoyo wese.—Pisarema 110:3; Mateu 22:37.