Enda pane zvauri kuda

Nei Zvapupu zvaJehovha Zvakachinja Zvimwe Zvazvaitenda?

Nei Zvapupu zvaJehovha Zvakachinja Zvimwe Zvazvaitenda?

 Bhaibheri ndiro rinoita kuti titende zvatinotenda, saka tinogadzirisa zvatinotenda zvichienderana nekujeka kunenge kuchiita manzwisisiro atinoita Magwaro. a

 Kuchinja ikoko kunoenderana nezvinotaurwa neBhaibheri pana Zvirevo 4:18, panoti: “Gwara revakarurama rakaita sechiedza chinopenya chinoramba chichiwedzera kupenya kusvikira ava masikati chaiwo.” Kungofanana nezvinoitika panobuda zuva iro rinoita kuti tizonyatsoona zvakaita nzvimbo zvishoma nezvishoma, Mwari anojekesa chokwadi chake zvishoma nezvishoma, panguva yake yakakodzera. (1 Petro 1:10-12) Sekutaura kunoita Bhaibheri, Mwari ari kuita kuti chokwadi chikurumidze kujeka ‘munguva yokuguma.’​—Dhanieri 12:4.

 Hatifaniri kunetseka kana kuti kushamisika panogadziridzwa manzwisisiro atinoita Magwaro. Vanamati vaMwari vekare vaimbonzwisisawo zvisiri izvo dzimwe pfungwa, nezvaitarisirwa uye vaifanira kugadzirisa maonero avo.

  •   Mosesi akafunga kuti aitofanira kununura rudzi rwaIsraeri, asi mukuona kwaMwari nguva yacho yakanga isati yakwana, pakanga pachine makore 40.​—Mabasa 7:23-25, 30, 35.

  •   Vapostora vakatadza kunzwisisa uprofita hwaitaura nezvekufa uye kumutswa kwaMesiya.​—Isaya 53:8-12; Mateu 16:21-23.

  •   Vamwe vaKristu vepakutanga vaifunga zvisiri izvo panyaya yekuti “zuva raJehovha” raizosvika riini.​—2 VaTesaronika 2:1.

 Pava paya, Mwari akazogadziridza kusanzwisisa kwavo, uye tinoti dai akaramba achitiitirawo zvakafanana.​—Jakobho 1:5.

a Hatiedzi kuvanza zvinhu zvinenge zvagadziridzwa pamanzwisisiro atinoita Bhaibheri. Pane kudaro, tinozvinyora uye tinozvibudisa. Semuenzaniso, ona chikamu chakanzi “Beliefs Clarified” chiri paWatchtower Raibhurari yepaIndaneti.