Enda pane zvauri kuda

6 JULY 2023
GEORGIA

Bhuku raMateu Rakabudiswa muMutauro weMingrelian

Bhuku raMateu Rakabudiswa muMutauro weMingrelian

Musi wa30 June 2023, Hama Joni Shalamberidze vari muDare reBazi rekuGeorgia vakabudisa Bhaibheri—Mashoko Akanaka Akanyorwa naMateu mumutauro weMingrelian. Iri ndiro bhuku rekutanga reBhaibheri kubudiswa mumutauro uyu. Rakabudiswa kuvanhu vanosvika 627 vaiva paGungano Remunharaunda ra2023 raiva nemusoro unoti: ‘Iva Nemwoyo Murefu’! Gungano iri rakaitirwa paImba yeMagungano iri muZugdidi kuGeorgia. Bhuku racho rava kuwanika riri repafoni uye rakaprindwa.

Vanhu vanonyanya kutaura chiMingrelian vanogara munharaunda iri kumadokero kweGeorgia. Muna 2019, Zvapupu zvaJehovha zvakavhura hofisi yeshanduro muZugdidi.

Zvapupu zvaJehovha zviri pakati pemasangano mashoma akabudisa zvinyorwa mumutauro weMingrelian. Mumwe mushanduri akati: “Nemhaka yekuti vanhu havawanzonyori mumutauro uyu, hapana mitemo inonyatsozivikanwa yekuti unofanira kunyorwa sei kana kuti mashoko anofanira kupereterwa sei. Izvi ndizvo zvaiita kuti kushandura kunyanye kuoma. Saka pakaitwa basa racho takashandisa mitemo yemanyorerwo anoitwa mutauro weGeorgian asi tichifungawo nezvekuti mutauro weMingrelian unotaurwa sei.”

Hofisi yeshanduro yemutauro weMingrelian iri muZugdidi kuGeorgia

Uyewo, mamwe mashoko ari muBhaibheri haana mashoko anonyatsoenderana nawo emutauro weMingrelian. Semuenzaniso muchiMingrelian hamuna shoko rinoenderana nerekuti “kupfidza.” Saka vashanduri vakashandisa mashoko ekuti “kunetseka nekukanganisa kwaunenge waita” kuti vabudise pfungwa yacho.

Tinofara pamwe chete nehama nehanzvadzi dzedu dzinotaura mutauro weMingrelian pavari kushandisa shanduro iyi kubatsira vanhu vakawanda “vane nzara nenyota yekururama.”—Mateu 5:6.