Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha Zvinoshandisa Testamende Yekare Here?

Zvapupu zvaJehovha Zvinoshandisa Testamende Yekare Here?

 Hongu. Zvapupu zvaJehovha zvinobvuma kuti Bhaibheri rose ‘rakafuridzirwa naMwari uye rinobatsira.’ (2 Timoti 3:16) Izvi zvinosanganisira Testamende Yekare uye Testamende Itsva sokutaurwa kwazvinoitwa nevakawanda. Zvapupu zvaJehovha zvinodana zvikamu izvi zveBhaibheri zvichiti Magwaro echiHebheru uye Magwaro echiKristu echiGiriki. Kutaura kwakadai kunoita kuti tisapa pfungwa yokuti zvimwe zvikamu zveBhaibheri ndezvekare kana kuti hazvichashandi.

Sei vaKristu vachifanira kushandisa Testamende Yekare uye Testamende Itsva?

 Pauro aiva muKristu uye akafemerwa naMwari kunyora kuti: “Zvinhu zvose zvakanyorwa kare zvakanyorerwa kuti tirayiridzwe.” (VaRoma 15:4) Saka izvi zvinoratidza kuti muMagwaro echiHebheru mune mashoko anokosha okuti tizive. Zvimwe zvacho zvinosanganisira nyaya dzinokosha dzakaitika kare uye mazano arimo anobatsira.

  •   Nyaya dzinokosha dzakaitika kare. Magwaro echiHebheru ane mashoko anokosha anotaura nezvekusikwa kwezvinhu uye kuti zvakafamba sei kuti vanhu vave nechivi. Dai taiva tisina mashoko ose iwayo, taizotadza kuwana mhinduro dzinogutsa pamibvunzo yokuti: Takabvepi? Sei vanhu vachifa? (Genesisi 2:7, 17) Uyezve, Magwaro echiHebheru anotaura nezvemabatiro aiita Jehovha Mwari nevanhu vaiva vakangofanana nesu.​—Jakobho 5:17.

  •   Mazano anobatsira. Mabhuku akadai saZvirevo uye Muparidzi ayo anowanikwa muMagwaro echiHebheru, ane mazano anobatsira muupenyu uye mazano acho anoramba achishanda pasinei nokuti akanyorwa kare-kare. Ane mazano okuti tingava sei nemhuri dzinofara (Zvirevo 15:17), tingaona sei basa zviri pakati nepakati (Zvirevo 10:4; Muparidzi 4:6), uye kuti vechiduku vangaitei kuti vafare muupenyu (Muparidzi 11:9-12:1).

 Uyezve, kudzidza nezveMitemo yakapiwa Mosesi yakanyorwa muTorah (mabhuku mashanu okutanga ari muBhaibheri) kuchatibatsira. Kunyange zvazvo vaKristu vasingasungirwi kuita zviri mumutemo iwoyo, mashoko arimo anogona kutibatsira kuti tifare muupenyu.​—Revhitiko 19:18; Dheuteronomio 6:5-7.