Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvinyorwa Zvekare Zvinoratidza Kwaigara Dzinza raManase

Zvinyorwa Zvekare Zvinoratidza Kwaigara Dzinza raManase

Bhaibheri rinoti vaIsraeri pavakatora Nyika Yakapikirwa vachibva vaigovana, mhuri 10 dzenzinza raManase dzakapiwa nharaunda yaiva kumavirira kwerwizi rwaJodhani, dziri kwadzo dzega. (Joshua 17:1-6) Pane umboo hwevanochera matongo hunoratidza kuti ndizvo zvakaitika here?

Muna 1910 vanochera matongo vakawana zvimedu zvehari zvakawanda kuSamariya. Zvimedu izvi zvainge zvakanyorwa nechiHebheru, uye zvaitaura nezvezvinhu zvinoshamisira zvakadai sewaini nemafuta ekuzora, zvainge zvatengwa zvikaendeswa kuimba yamambo muguta guru. Zvimedu zvacho zvese pamwe chete zvaiva 102 uye zvaiva zvemakore ekuma700 B.C.E, asi 63 ndizvo zvinonyatsoverengeka zvakanaka. Zvimedu izvi zvine misi nemazita emhuri uyewo zvinoratidza mazita evanhu vaitenga nevaivatengesera zvinhu zvacho.

Mazita ese akanyorwa pazvimedu izvi ndeevanhu vedzinza raManase. Bhuku rinonzi Archaeological Study Bible, rinoti uhwu “humwe umboo, kuwedzera pane zvinotaurwa neBhaibheri hunoratidza kwaigara dzimwe mhuri dzedzinza raManase.”

Mashoko ari pachimedu ichi anotaura nezvemukadzi ainzi Noa uyo aiva wedzinza raManase

Zvimedu izvi zvinotsigirawo zvakanyorwa nemunyori weBhaibheri Amosi, uyo akataura nezvevapfumi vemunguva iyoyo achiti: “Vanonwira waini mumidziyo mihombe uye vanozora mafuta akanaka kwazvo.” (Amosi 6:1, 6) Zvimedu zvakawanikwa kuSamariya zvinoratidza kuti zvechokwadi mhuri 10 dzedzinza raManase dzaitenga zvinhu izvozvo.