Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CreativeDesignArt/DigitalVision Vectors via Getty Images

RAMBAI MAKAMUKA!

Zvinoita Here Kuti Vanhu Vemarudzi Akasiyana Vabatwe Zvakaenzana?—Bhaibheri Rinomboti Kudii?

Zvinoita Here Kuti Vanhu Vemarudzi Akasiyana Vabatwe Zvakaenzana?—Bhaibheri Rinomboti Kudii?

 Vanhu vakawanda vanoda kuti vanhu vemarudzi ese vabatwe zvakaenzana asi izvozvo hazvisi kuitika.

  •   “Rusarura ruri kukanganisa masangano uye magariro evanhu pasi rese. Ruri kuita kuti vanhu vasabatwa zvakaenzana.”—António Guterres, UN Secretary-General.

 Vanhu vemarudzi akasiyana vachazombobatwa zvakaenzana here? Bhaibheri rinomboti kudii?

Maonero anoita Mwari vanhu vemarudzi akasiyana-siyana

 Bhaibheri rinotidzidzisa kuti Mwari anoona sei vanhu vemarudzi akasiyana-siyana.

  •   “[Mwari] akaita marudzi ese evanhu kubva pamunhu mumwe chete, kuti agare panyika yese.”—Mabasa 17:26.

  •   “Mwari haasaruri, asi anogamuchira vanhu vanobva mumarudzi ese vanomutya uye vanoita zvakarurama.”—Mabasa 10:34, 35.

 Bhaibheri rinoratidza kuti vanhu vese imhuri imwe chete uye Mwari anogamuchira munhu wese pasinei nekuti ndewerudzi rupi.

Chii chichaita kuti vanhu vemarudzi ese vabatwe zvakaenzana?

 Umambo hwaMwari, kureva hurumende iri kudenga, ndiyo ichaita kuti vanhu vabatwe zvakaenzana. Hurumende iyoyo ichadzidzisa vanhu kubata vamwe zvakanaka. Vanhu vachadzidziswa kubvisa pfungwa dzerusarura dzavangadaro vainadzo.

  •   ‘Vagari vepanyika vachadzidza nezvekururama.’—Isaya 26:9.

  •   “Kururama kwechokwadi kuchaita kuti pave nerugare, uye kururama kwechokwadi kuchabereka runyararo nekuchengeteka zvinoramba zviripo.”—Isaya 32:17.

 Iye zvino mamiriyoni evanhu ari kudzidza kubva muBhaibheri zvavanofanira kuita kuti varemekedze vamwe.