Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Rusaruro Ruchapera Rini?

Rusaruro Ruchapera Rini?

“NDINE tarisiro.” Mashoko aya akataurwa naMartin Luther King, Jr., muhurukuro yake ine mukurumbira yaakapa makore makumi mashanu akapfuura, musi wa28 August 1963. Achishandisa mashoko iwayo aaidzokorora kuti abaye mwoyo yevateereri vake, King akataura tarisiro yake yokuti mumwe musi vanhu vaizorarama pasina zvokusarurana. Kunyange zvazvo akazvitaura kuvanhu vokuUnited States, vanhu vari munyika dzakawanda vakafarira chishuwo chake.

Martin Luther King, Jr., achipa hurukuro yake yaitaura nezvekodzero dzevanhu

Mwedzi mitatu pashure pehurukuro yaKing, musi wa20 November 1963, nyika dzinopfuura 100 dzakabvumirana nezvakaziviswa neSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzepasi Pose zvokupedza rusaruro rwose (Elimination of All Forms of Racial Discrimination). Mumakumi emakore akazotevera, pakazodzikwawo mimwe mitemo munyika dzakawanda. Zvose izvi zvave zvichiedza kuitwa zvinomutsa mubvunzo wokuti, Zvakazoguma nei?

Musi wa21 March 2012, Munyori Mukuru weU.N. anonzi Ban Ki-moon akati: “Kune zvibvumirano zvakawanda uye bumbiro remitemo inozivikanwa munyika dzose, kuitira kuti tidzivise uye tipedze urudzi, rusaruraganda, kuvenga vanhu vemamwe marudzi nezvimwe zvakadaro. Zvisinei, urudzi hunoramba huchikonzera kutambura kwemamiriyoni evanhu munyika yose.”

Kunyange munyika dzakakwanisa zvishoma kurwisa rusaruro neurudzi, mubvunzo unoramba uripo ndewokuti: Vakakwanisa kunyatsobvisa rusaruro rwuri mumwoyo yevanhu here kana kuti vakangovadzidzisa kuti vasaratidza rusaruro rwavo? Vamwe vanofunga kuti izvi zvakangoita kuti vanhu vasaratidza rusaruro pachena asi hazvina kubvisa rusaruro rwunenge rwuri mumwoyo. Sei tichidaro? Nokuti rusaruro runogona kuratidzwa pachena zvoita kuti munhu arangwe pachishandiswa mutemo, asiwo munhu anogona kuva nerusaruro mumwoyo urwo rusingagoni kuita kuti arangwe nemutemo nokuti rwunenge rusingaoneki.

Saka chero zvingaitwa pakuedza kupedza rusaruro hazvifaniri chete kungodzivisa vanhu kururatidza asi zvinofanira kuchinja mafungiro uye maonero avanoita vanhu verumwe rudzi. Izvi zvingakwanisika here? Kana zvakadaro, zvingaitika sei? Ngationei zvakaitwa nevamwe vanhu izvo zvichatibatsira kuona kuti vanhu vanogona kuchinja uye kuti pane chinogona kuvabatsira kuti vachinje.

BHAIBHERI RAKAVABATSIRA KUKUNDA RUSARURO

“Ndakasunungurwa pamusungo werusaruro.”—Linda

Linda: Ndakaberekerwa kuSouth Africa. Ndaiona vamwe vanhu vokuSouth Africa vasiri varungu sevasingakoshi, vasina kudzidza, vasingavimbiki, uye sevashandi chete vevarungu. Ndaiva nerusaruro mupfungwa dzangu uye ndaisatombozviziva. Zvisinei, mafungiro iwayo akazotanga kuchinja pandakatanga kudzidza Bhaibheri. Ndakadzidza kuti “Mwari haasaruri” uye kuti mwoyo ndiwo unonyanya kukosha kukunda ruvara rweganda kana mutauro wedu. (Mabasa 10:34, 35; Zvirevo 17:3) Rugwaro rwaVaFiripi 2:3 rwakandibatsira kuziva kuti kuona vanhu vose sevakuru kwandiri kwaizondibatsira kukunda rusaruro. Kurarama maererano nemazano aya emuBhaibheri kwakandibatsira kufarira vamwe pasinei neruvara rweganda ravo. Iye zvino ndakasunungurwa pamusungo werusaruro.

“Ndakazosvika pakuziva maonerwo anoitwa vanhu naMwari.”—Michael

Michael: Ndakakurira munzvimbo yaigara varungu vakawanda vokuAustralia, uye ndakava  nerusaruro rwakasimba pavanhu vokuAsia, kunyanya vokuChina. Ndaiti kana ndikaona munhu aiita sewokuAsia ndichidhiraivha, ndaivhura hwindo ndotanga kushevedzera mashoko ekunyomba akadai sokuti, “Enda kumusha, munhu wokuAsia!” Pandakazotanga kudzidza Bhaibheri, ndakazosvika pakuziva maonerwo anoitwa vanhu naMwari. Anovada pasinei nokuti vanobva kupi kana kuti vanotaridzika sei. Rudo irworwo rwakandibaya mwoyo uye ruvengo rwangu rwakachinja rukava rudo. Kuchinja kwakadaro kunoshamisa. Iye zvino ndinofara zvikuru kushamwaridzana nevanhu vanobva munyika dzakasiyana-siyana nemamiriro ezvinhu akasiyana-siyana. Izvi zvakachinja maonero andinoita upenyu uye zvakandiunzira mufaro mukuru.

“Ndakagadzirisa mafungiro angu uye ndakaita kuti ndive norugare nehama dzababa vangu.”—Sandra

Sandra: Amai vangu vaibva mutaundi reUmunede muDelta State, kuNigeria. Asi mhuri yababa vangu inobva kuEdo State uye vanotaura mutauro wechiEsan. Kusiyana ikoko kwakaita kuti amai vangu vasarurwe zvakasimba nemhuri yababa vangu kusvikira pazuva ravakafa. Saka ndakatsidza kuti ndaisazombofa ndakashamwaridzana nachero ani zvake anotaura mutauro wechiEsan kana kuroorwa nemunhu anobva kuEdo State. Asi pandakatanga kudzidza Bhaibheri, maonero angu akachinja. Sezvo Bhaibheri richiti Mwari haasaruri uye anogamuchira chero ani zvake anomutya, saka ndingagovengerei vamwe vanhu pamusana pedzinza ravo kana mutauro? Ndakagadzirisa mafungiro angu uye ndakaita kuti ndive norugare nehama dzababa vangu. Kushandisa mazano emuBhaibheri kwakandibatsira kuti ndifare uye ndive norugare rwepfungwa. Kwakandibatsirawo kuti ndive norugare nevamwe vanhu pasinei nekuti vanobva mumamiriro ezvinhu akaita sei, rudzi rwavo, mutauro kana nyika yavanobva. Uye munoziva here kuti murume akazondiroora anobva kupi? Anobva kuEdo State uye anotaura mutauro wechiEsan!

Nei Bhaibheri rakakwanisa kubatsira vanhu ava nevamwe vakawanda kuti vakurire ruvengo uye rusaruro zvavakakura vainazvo mumwoyo? Nokuti  Bhaibheri iShoko raMwari. Rine simba rokuchinja mafungiro nemanzwiro atinoita nezvevamwe vanhu. Uyewo Bhaibheri rinoratidza zvimwe zvinodiwa kuti rusaruro rwose rupere.

UMAMBO HWAMWARI HUCHAPEDZA RUSARURO RWOSE

Kunyange zvazvo ruzivo rweBhaibheri ruchikwanisa kupedza rusaruro rwakasimba, pane zvimwe zvinhu zviviri zvinofanira kugadziriswa rusaruro rusati rwanyatsopedzwa. Chokutanga, pane chivi nekusakwana kwevanhu. Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti: “Hapana munhu asingatadzi.” (1 Madzimambo 8:46) Saka pasinei nokuti tinoshanda nesimba zvakadini, tine hondo iri matiri yakafanana neyaiva naPauro, uyo akanyora kuti: “Pandinoda kuita zvakarurama, zvakaipa zviri mandiri.” (VaRoma 7:21) Saka, nguva nenguva, mwoyo wedu une chivi unodzokera pa“kufunga kunokuvadza” uko kunogona kuita kuti tive norusaruro.—Mako 7:21.

Chechipiri, pane simba raSatani Dhiyabhorosi. Bhaibheri rinomutsanangura richimuti “muurayi” uye rinoti “ari kutsausa nyika yose inogarwa.” (Johani 8:44; Zvakazarurwa 12:9) Izvi zvinoratidza kuti nei rusaruro rwuri kwose kwose uye nei vanhu vachiita sevasisakwanisi kupedza kufungirana zvakaipa, rusaruro, hondo dzokutsakatisa marudzi, uye kusafarira vamwe pamusana perudzi, chitendero uye magariro avo.

Saka kuti rusaruro rwupere zvachose, panofanira kutanga pabviswa chivi nekusakwana kwevanhu uye simba raSatani Dhiyabhorosi. Bhaibheri rinoratidza kuti Umambo hwaMwari huchabvisa zvinhu izvi.

Jesu Kristu akadzidzisa vateveri vake kuti vanyengetere kuna Mwari vachiti: “Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika, sezvakunoitwa kudenga.” (Mateu 6:10) Umambo hwaMwari ndihwo huchashandiswa kupedza kusaruramisira kwose, kunosanganisira kusawirirana kwose uye rusaruro.

Kana Umambo hwaMwari hwava kutonga panyika, Satani ‘achasungwa’ kana kuti kudziviswa zvachose kuitira kuti “arege kutsausa marudzi.” (Zvakazarurwa 20:2, 3) Pachabva pava “nenyika itsva,” kana kuti vanhu vanoteerera Mwari, uye ‘kururama kuchagara mairi.’ *2 Petro 3:13.

Vaya vachange vari munyika iyi yevanhu vakarurama vachaitwa kuti vave vakakwana, vasisina chivi. (VaRoma 8:21) Sezvo vachange vachitongwa neUmambo hwaMwari, ‘havazombokuvadzi kana kumboparadza.’ Nemhaka yei? “Nokuti nyika ichazara nokuziva Jehovha.” (Isaya 11:9) Panguva iyi, vanhu vose vachadzidza nzira dzaJehovha Mwari, votevedzera unhu hwake hwerudo. Izvi zvichareva kuti rusaruro rwose runenge rwapera, “nokuti Mwari haasaruri.”—VaRoma 2:11.

^ ndima 17 Kuti uwane mamwe mashoko nezveUmambo hwaMwari uye zvahuchaita munguva pfupi iri pedyo, ona zvitsauko 3, 8, ne9 zvebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.