Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Batsirwa Nechibayiro chaJesu

Batsirwa Nechibayiro chaJesu

 Gore rega rega, Zvapupu zvaJehovha nemamiriyoni evanhu vavanenge vakoka vanoungana pamwe chete kuti vayeuke Chirangaridzo cherufu rwaJesu, sezvaakarayira. (Ruka 22:19) Chiitiko ichi chinotibatsira kuti tinzwisise kukosha kwezvakaitwa naJesu paakapa upenyu hwake achiitira vanhu. Chinoratidzawo kuti tinobatsirwa sei nechibayiro chake iye zvino uye mune ramangwana.—Johani 3:16.

 Pasinei nekuti wakapinda Chirangaridzo gore rino kana kuti kwete, ungabatsirwa sei nechibayiro cherufu rwaJesu? Jesu akadzidzisa kuti tinofanira kuita zvinhu zviviri zvinokosha:

  1.  1. Dzidza nezvaMwari naJesu. Paainyengetera kuna Baba vake vari kudenga, Jesu akati: “Kuti vawane upenyu husingaperi, vanofanira kusvika pakukuzivai, imi Mwari mumwe chete wechokwadi, naJesu Kristu wamakatuma.”—Johani 17:3.

  2.  2. Shandisa zvaunenge uchidzidza. Jesu akasimbisa kuti tinofanira kushandisa zvaakadzidzisa muupenyu hwedu. Semuenzaniso, akapedzisa Mharidzo yake yepaGomo nekurumbidza chero munhu ‘anonzwa mashoko ake, oaita.’ (Ruka 6:46-48) Pane imwezve nguva, akataura kuti: “Kana muchiziva zvinhu izvi, munofara kana muchizviita.”—Johani 13:17.

 Unoda kudzidza zvakawanda nezvaMwari naJesu here? Ungada here kubatsirwa kushandisa zvaunenge wadzidza? Zvinhu zvinotevera zvinogona kukubatsira.

Kosi yeBhaibheri

 Kosi yeBhaibheri yatinoitisa tisingabhadharisi yakabatsira vanhu vakawanda kuongorora zvinotaurwa neBhaibheri uye kuzvishandisa muupenyu hwavo.

  •   Enda papeji yakanzi Kosi yeBhaibheri Uchibatsirwa Nemumwe Munhu kuti unzwe zvakawanda nezveurongwa uhwu.

  •   Ona vhidhiyo yakanzi Tinokugamuchira kuKosi yeBhaibheri kuti uone kuti kudzidza Bhaibheri nemumwe weZvapupu zvaJehovha kunoitwa sei.

Misangano yeZvapupu zvaJehovha

 Zvapupu zvaJehovha zvinoungana kaviri pavhiki panzvimbo dzavo dzekunamatira dzinonzi Dzimba dzeUmambo. Pamisangano iyi, tinokurukura zvinotaurwa neBhaibheri uye kuti tingashandisa sei zvarinotaura muupenyu hwedu.

 Munhu wese anokwanisa kupinda misangano iyi; haufaniri hako kunge uri Chapupu kuti uipinde. Zvichienderana nemamiriro ezvinhu kwaunogara, unogona kupindira paImba yeUmambo kana kuti kupinda uchiita zvekuonana nevamwe pamavhidhiyo.

  •   Ona vhidhiyo yakanzi Chii Chinoitwa paImba yoUmambo? kuti unzwe kuti zvii zvinoitwa pamisangano iyi.

Nyaya nemavhidhiyo zviri paindaneti

 Nyaya nemavhidhiyo akawanda ari pawebsite ino anogona kukubatsira kuti udzidze zvakawanda nezvezvakadzidziswa naJesu uye kukosha kwechibayiro chake.

 Semuenzaniso, kuti unzwe kuti rufu rwemunhu mumwe chete runobatsira sei mamiriyoni evanhu, verenga nyaya dzakanzi “Jesu Anoponesa Sei?” uye “Nei Jesu Akatambura Ndokufa?” kana kuti ona vhidhiyo yakanzi Jesu Akafirei?