Enda pane zvauri kuda

Ungakurira Sei Dambudziko Rokutya Rufu?

Ungakurira Sei Dambudziko Rokutya Rufu?

Mhinduro yeBhaibheri

 Zvakakodzera kuti titye rufu nokuti muvengi wedu uye tinotora matanho okuzvidzivirira. (1 VaKorinde 15:26) Asi kutya rufu zvisina basa nemhaka yenhema dzinotaurwa nevanhu kana kuti kutenda mashura zvinoita kuti vanhu vave “muuranda kwoupenyu hwavo hwose.” (VaHebheru 2:15) Kuziva chokwadi nezverufu kuchakusunungura pakutya rufu zvisina basa nokuti kunyanya kurutya kunoita kuti usafara muupenyu.​—Johani 8:32.

Chokwadi pamusoro pevakafa

  •   Vakafa havana chavanoziva. (Pisarema 146:4) Haufaniri kutya uchifunga kuti kana wafa ucharwadziswa kana kuti kutambudzwa, nokuti Bhaibheri rinofananidza rufu nokurara.​—Pisarema 13:3; Johani 11:11-14.

  •   Vakafa havakwanisi kutikuvadza. Kunyange vanhu vainge vakarimirana kumuganhu pavanofa vanenge vasisina simba. (Zvirevo 21:16) Bhaibheri rinoti “kuvenga kwavo negodo ravo zvakatoparara.”​—Muparidzi 9:6.

  •   Munhu paanofa hazvirevi kuti zvatoperera ipapo. Mwari achamutsa vanhu vakafa kuti vararame zvakare.​—Johani 5:28, 29; Mabasa 24:15.

  •   Mwari anovimbisa kuti “rufu haruchazovipo.” (Zvakazarurwa 21:4) Bhaibheri richitaura nezvenguva iyoyo rinoti: “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagara mairi nokusingaperi,” vasingazombotyi kufa.​—Pisarema 37:29.