Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 BHAIBHERI RINOCHINJA UPENYU

Vaipindura Mibvunzo Yose Vachishandisa Bhaibheri!

Vaipindura Mibvunzo Yose Vachishandisa Bhaibheri!
  • GORE ROKUBEREKWA: 1950

  • NYIKA: SPAIN

  • NHOROONDO YOUPENYU: SISITA WECHECHI YEROMA

MARARAMIRO ANDAIITA:

Panguva yandakazvarwa, vabereki vangu vaiva nepurazi duku mune rumwe ruwa ruri muGalicia, kuchamhembe kwakadziva kumadokero kweSpain. Ndaiva wechina pavana vasere. Taigara tichifara mumhuri medu. Panguva iyoyo zvainge zvakajairika muSpain kuti mwana mumwe chete kana kupfuura mumhuri aende kukoreji yaidzidzisa zvechitendero. Vana vatatu vemumhuri medu vakaenda kukoreji yakadaro.

Pandakanga ndava nemakore 13, ndakaenda kukoreji yechitendero yomuguta reMadrid kwaivawo nasisi vangu. Pakoreji pacho pakanga pasinganakidzi. Paingova nemitemo chete, muchigara muchingonyengetera uye painge pasina rusununguko, zvokuti zvainge zvakaoma kuva neshamwari. Taienda muimba yokunyengeterera achiri mangwanani-ngwanani kuti tinofungisisa, kunyange zvazvo kakawanda pasina kana chandaimbofungisisa. Pataipedza, taizoimba nziyo dzechechi toita Misa, uye zvose taizviita mururimi rwechiLatin. Hapana chandaimbonzwisisa uye ndainzwa sokuti handitombokwanisi kuva neukama naMwari. Mazuva aipindana tisingabvumidzwi kukurukura nevamwe vana vechikoro. Kunyange pandaisangana nasisi vangu taigona kungoti, “Kwaziwai Mariya mutsvene.” Masisita aitibvumira kutaura nevamwe kwemaminitsi 30 chete kana tapedza kudya. Zvakanga zvakasiyana chaizvo nokufara kwataiita mumhuri medu kumba! Ndainzwa sokuti ndiri zindoga uye ndaichema kakawanda.

Kunyange zvazvo ndaifunga kuti ndaisagona kuva neukama naMwari, ndakava sisita ndava nemakore 17. Chokwadi ndechokuti ndakangoita zvandaitarisirwa, asi ndakabva ndatanga kunetseka kuti Mwari akanga andisarudza kuti ndiite izvozvo here. Masisita aiwanzotaura kuti vanhu vaisava nechokwadi saizvozvo vaizoguma vapiswa mumoto wehero! Asi ndakangoramba ndisina chokwadi. Ndaiziva kuti Jesu akanga asingagari kwake oga, asi aigara achishanda nesimba pakudzidzisa uye pakubatsira vamwe. (Mateu 4:23-25) Pandakasvika makore 20, ndakaona kuti ndaifanira kurega zveusisita. Sezvineiwo, mudzimai aitungamirira masisita akandiudza kuti kana ndaisava nechokwadi nokuramba ndiri sisita ndaifanira kubva nokukurumidza. Ndinofunga kuti aityira kuti ndaizofurira vamwe. Saka ndakabva pakoreji pacho.

 Pandakadzoka kumba, vabereki vangu vakaratidza kunzwisisa chaizvo. Sezvo basa rakanga risingawaniki kwataigara, ndakatamira kuGermany, kwaigara imwe hanzvadzi yangu. Akanga ari nhengo yerimwe sangano rairwira kodzero dzevanhu, revagari vemuSpain vaisava zvizvarwa zvemo. Ndaifarira chaizvo kuva nevanhu ivavo vairwira kodzero dzevashandi uye dzekuenzaniswa kwemikana yevakadzi. Saka ndakapindawo musangano racho uye ndakazoroorwa nenhengo yesangano iroro. Ndaifunga kuti ndiri kuita zvine musoro, ndichipa vanhu mabhuku esangano iroro, uye ndichiitawo zvekuratidzira.

Nokufamba kwenguva, ndakatangazve kuora mwoyo. Ndaiona sokuti vanhu vairwira kodzero dzevanhu vaiwanzokundikana kuita zvavaitaura. Maonero akadaro akazowedzera kusimba muna 1971, vamwe vechidiki vaiva musangano redu pavakapisa zvivako zvevamiririri veSpain zvaiva muFrankfurt. Vakaita izvi vachiratidzira pamusana peutsinye hwainge hwaitwa nehurumende yeSpain yaidzvinyirira. Asi ndaizviona kuti iyi yaisava nzira yakanaka yokugadzirisa zvinhu.

Pakaberekwa mwanakomana wedu wekutanga, ndakaudza murume wangu kuti ndaizorega kupinda misangano yekurwira kodzero dzevanhu. Ndaisurukirwa zvikuru nokuti hapana kana imwe yeshamwari dzangu dzekare yakandishanyira ini nemwana wangu. Ndainetseka nezvechinangwa cheupenyu. Zvaiva nemusoro here kuedza kuvandudza magariro evanhu?

KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI:

Muna 1976, Zvapupu zviviri zvechiSpanish zvakagogodza pamba pedu, ndokundipa mabhuku anotsanangura Bhaibheri uye ndakaabvuma. Pavakadzoka, ndakatanga kuvanaya nemibvunzo ine chokuita nekutambura, udzvinyiriri, uye utsinye. Ndakashamiswa pandakaona kuti vaipindura mibvunzo yose vachishandisa Bhaibheri! Ndakabva ndangobvuma kudzidza Bhaibheri.

Pakutanga ndaidzidza kuti ndingoziva chete. Zvinhu zvakazochinja ini nemurume wangu patakatanga kupinda misangano paImba yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha. Panguva iyoyo takanga tava nevana vaviri. Zvapupu zvaititakura kuenda kumisangano uye zvaitibatsira kutarisira vana vedu panguva yemisangano. Ndakatanga kufarira Zvapupu.

Kunyange zvakadaro, ndaiva nezvimwe zvandakanga ndisina chokwadi nazvo. Ndakafunga kushanyira mhuri yedu kuSpain. Munin’ina wababa vangu uyo aiva mupristi akaedza kuita kuti ndisadzidza Bhaibheri. Asi Zvapupu zveko zvakandibatsira zvikuru. Vakapindura mibvunzo yangu vachishandisa Bhaibheri sezvakanga zvaitwa neZvapupu zvekuGermany. Ndakatsunga kuti ndaizotangazve kudzidza Bhaibheri ndadzokera kuGermany. Murume wangu akasarudza kurega kudzidza Bhaibheri, asi ini ndakatangazve kudzidza uye handina kuzorega. Muna 1978, ndakabhabhatidzwa ndokuva mumwe weZvapupu zvaJehovha.

KUBATSIRWA KWANDAKAITWA:

Zivo yakarurama yechokwadi cheBhaibheri yakaita kuti ndive neupenyu hunogutsa uye hune chinangwa. Somuenzaniso, 1 Petro 3:1-4 inokurudzira madzimai kuti ‘vazviise pasi’ pevarume vavo “noruremekedzo rukuru” uye kuti vave ne“mudzimu wakanyarara uye munyoro, uyo unokosha kwazvo pamberi paMwari.” Mazano akadaro akandibatsira kuti ndive mudzimai uye amai vakanaka.

Ndava nemakore anenge 35 ndiri Chapupu. Ndinofara kushumira Mwari ndiri mumhuri yemunyika yose iri kunamata Mwari pamwe chete, uye ndinofara kuti vana vangu vana pavana vashanu vari kushumirawo Mwari.