Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 NYAYA IRI PAKAVHA

Unofanira Kunyengetera Here?

Unofanira Kunyengetera Here?

Ungabvunza kuti, ‘Kana Mwari achiziva zvinhu zvose, kusanganisira mafungiro angu uye zvandinoda, nei ndichifanira kunyengetera?’ Mubvunzo iwoyo une musoro. Jesu haana here kuti Mwari ‘anoziva kuti zvinhu zvipi zvamunoda musati mambomukumbira’? (Mateu 6:8) Mambo Dhavhidhi weIsraeri yekare aizivawo izvozvo uye akanyora kuti: “Shoko risati ravapo parurimi rwangu, tarirai! Haiwa Jehovha, imi munotoriziva rose.” (Pisarema 139:4) Saka, nei tichifanira kunyengetera kuna Mwari? Kuti tipindure mubvunzo iwoyo, ngationei kuti Bhaibheri rinotii nezveminyengetero. *

“Swederai pedyo naMwari, uye iye achaswedera pedyo nemi.”—Jakobho 4:8

 MUNYENGETERO UNOTISWEDEDZA PEDYO NAMWARI

Kunyange zvazvo Bhaibheri richitaura kuti Jehovha * Mwari anoziva zvinhu zvose, rinoratidzawo kuti anoita zvinopfuura kungoziva zvine chokuita nevashumiri vake. (Pisarema 139:6; VaRoma 11:33) Jehovha haakanganwi, asi akasiyana nekombiyuta inongochengeta mashoko ose ane chokuita nevanhu. Mwari anofarira chaizvo kuziva zviri mumwoyo medu nokuti anoda kuti tiswedere pedyo naye. (Pisarema 139:23, 24; Jakobho 4:8) Ndosaka Jesu akakurudzira vateveri vake kunyengetera pasinei nokuti Baba vake vanonyatsoziva zvinhu zvatinoda zvinokosha. (Mateu 6:6-8) Kuramba tichitaurira Musiki wedu zvatinofunga, kunoitawo kuti tirambe tichiswedera pedyo naye.

Dzimwe nguva, zvingatiomera kunyatsoziva zvatinoda kukumbira patinonyengetera. Pakadaro, Mwari anogona kuona kunyange zvinopfuura zvatinenge tatadza kutaura, obva atibatsira nezvinenge zvichidiwa sezvo achinyatsoziva zvose zviri kuitika kwatiri. (VaRoma 8:26, 27; VaEfeso 3:20) Kana tikaziva kuti Mwari atibatsira, kunyange nenzira dzisiri pachena, tinonzwa taswededzwa pedyo naye.

MWARI ANOPINDURA MINYENGETERO YOSE HERE?

Bhaibheri rinotivimbisa kuti Mwari Wemasimbaose anopindura minyengetero yevashumiri vake vakatendeka, asi rinotsanangurawo nei asingateereri mimwe minyengetero. Somuenzaniso, pane imwe nguva vanhu pavaingourayana muIsraeri yekare, Mwari akarayira muprofita wake Isaya kuti ataurire vanhu kuti: “Kunyange mukaita minyengetero mizhinji, handizoteereri; maoko enyu azere neropa.” (Isaya 1:15) Zviri pachena kuti vaya vasingaremekedzi mitemo yaMwari kana kuti vanonyengetera vaine zvinangwa zvisina kunaka havagoni kutarisira kunzwiwa naMwari.—Zvirevo 28:9; Jakobho 4:3.

Asi Bhaibheri rinotiwo: “Zvisinei nokuti chii chatinokumbira maererano nezvaanoda, iye anotinzwa.” (1 Johani 5:14) Izvi zvinoreva here kuti Mwari anongopa vashumiri vake zvose zvavanokumbira? Kwete hazvo. Funga nezvemuapostora Pauro, uyo akakumbira katatu kuna Mwari kuti abvisirwe “munzwa munyama.” (2 VaKorinde 12:7, 8) Pauro angangodaro ainetseka nemaziso airamba achirwadza. Zvinofanira kunge zvaimushungurudza chaizvo! Pauro akanga apiwa chipo chokurapa uye akatomutsa munhu ainge afa, asi aitofanira kutsungirira urwere hwake. (Mabasa 19:11, 12; 20:9, 10) Pauro akaonga kupindurwa kwaakaitwa naMwari, kunyange zvazvo asina kupindurwa sezvaaida.—2 VaKorinde 12:9, 10.

“Ichi ndicho chivimbo chatiinacho kwaari, kuti, zvisinei nokuti chii chatinokumbira maererano nezvaanoda, iye anotinzwa.”—1 Johani 5:14

Ichokwadi kuti vamwe vanotaurwa muBhaibheri vaimbopindurwa minyengetero yavo nenzira dzinoshamisa. (2 Madzimambo 20:1-7) Asi hapasi pose pazvaiitika. Vamwe vatendi vaitonetseka pavaiona sokuti Mwari haana kupindura minyengetero yavo. Mambo Dhavhidhi akabvunza kuti: “Haiwa Jehovha, muchandikanganwa kusvikira rini? Nokusingaperi here?” (Pisarema 13:1) Asi paakafunga nezvokununurwa kwaainge amboitwa naJehovha kakawanda, murume uyu ainge akatendeka akataurazve nezvokuvimba kwake naMwari. Mumunyengetero iwoyo, Dhavhidhi akawedzera kuti: “Asi ini ndakavimba nomutsa wenyu worudo.” (Pisarema 13:5) Kungofanana naDhavhidhi, vanamati vaMwari mazuva ano vangatofanira kuramba vachinyengetera kusvikira vaona kuti Mwari apindura minyengetero yavo.—VaRoma 12:12.

 KUPINDURA KUNOITA MWARI MINYENGETERO

Mwari anopindura maererano nezvinenge zvichinyatsodiwa.

Vabereki vane rudo vanopa vana vavo zvavanenge vakumbira panguva yakakodzera. Saizvozvowo, Mwari angasatipindura nenzira yatinoda kana kuti panguva yatinotarisira. Asi tinogona kuva nechivimbo chokuti Musiki wedu achatipindura maererano nezvinenge zvichinyatsodiwa panguva yakakodzera uye nenzira yakarurama, sezvinoita baba vane rudo.—Ruka 11:11-13.

Mwari anogona kupindura munyengetero achishandisa Bhaibheri

Mwari anogona kupindura nenzira dzisiri pachena.

Ko kana tichinyengetera kuti tibatsirwe padambudziko rinongoramba riripo? Tinofanira here kufunga kuti Jehovha haana kutombopindura minyengetero yedu nokuti dambudziko racho rinenge risina kubviswa nechishamiso? Pane kuti tidaro, zvingava zvakanaka kufunga kana Mwari ari kutitsigira nenzira dzisiri pachena. Somuenzaniso, shamwari ine rudo ingangodaro yakaita zvayaikwanisa kuti itibatsire panguva yakakodzera. (Zvirevo 17:17) Hakusi here kuti Jehovha ndiye akaita kuti shamwari iyoyo itibatsire? Uyezve, Mwari anogona kupindura munyengetero achishandisa Bhaibheri. Mariri tinogona kuwana mashoko anotibatsira kutsungirira rimwe dambudziko.—2 Timoti 3:16, 17.

Mwari angashandisa shamwari dzine rudo kuti dzitibatsire panguva yakakodzera

Mwari anowanzopa vanhu vake simba rinodiwa kuti vatsungirire matambudziko avo, pane kuti abvise dambudziko racho. (2 VaKorinde 4:7) Somuenzaniso, Jesu paaityira kuti mumwe muedzo wakanga wakaoma waizozvidzisa zita raMwari, akakumbira Baba vake kuti vaubvise, asi Jehovha akatuma ngirozi kuti isimbise Mwanakomana wake. (Ruka 22:42, 43) Jehovha angashandisawo shamwari yepedyo kuti itikurudzire panguva chaiyo yatinenge tichida kubatsirwa. (Zvirevo 12:25) Sezvo mhinduro yakadaro isiri nyore kuona, zvingatoda kuti tinyatsocherechedza kuti tione mapinduriro anoita Jehovha minyengetero yedu.

Pamwe tingatofanira kumirira nguva yaMwari yakakodzera.

Bhaibheri rinotaura kuti “munguva yakakodzera,” Mwari Wemasimbaose anoitira mutsa vaya vanozvininipisa. (1 Petro 5:6) Saka kana zvikaita sokuti Mwari ari kunonoka kupindura minyengetero yedu yemwoyo wose, hatifaniri hedu kubva taona sokuti Jehovha haana hanya nesu. Hapana mubvunzo kuti Musiki wedu ane rudo anoshandisa ruzivo rwake rwakakura pakuongorora zvikumbiro zvedu, achifunga zvakanyatsotinakira.

“Naizvozvo, zvininipisei pasi poruoko rwaMwari rune simba, kuti iye akukwidziridzei munguva yakakodzera.”—1 Petro 5:6

Kuenzanisira: Ngatitii mwanakomana wako achiri mudiki akumbira kutengerwa bhasikoro. Ungabva wangotenga bhasikoro racho pakarepo here? Kana uchiona kuti haasati ava kukodzera kuchovha bhasikoro, unogona kumbomira kuritenga. Asi unogona kuzoritenga nokufamba kwenguva wava kuona kuti anogona kubatsirwa naro. Saizvozvowo, Mwari anogona kutipa zvinhu zvakakodzera “zvinokumbirwa nomwoyo [wedu]” panguva chaiyo kana tikaramba tichinyengetera.—Pisarema 37:4.

IVA NECHIVIMBO CHOKUTI JEHOVHA ANOTEERERA

Bhaibheri rinokurudzira vaKristu vechokwadi kuti varambe vachifunga nezvekukosha kwemunyengetero. Vamwe vangati, ‘Kuzvitaura kuri nyore pane kuzviita.’ Ichokwadi kuti kana tave tichitsungirira dambudziko rinongoramba richienderera kana kuti tichiitirwa zvakaipa, zvinogona kutiomera kumirira mhinduro yaMwari. Zvisinei, tinofanira kuyeuka zvakadzidziswa naJesu nezvokuramba tichinyengetera.

 Jesu akataura muenzaniso weimwe chirikadzi yaiva murombo iyo yakaramba ichienda kumutongi ainge akaipa kuti iruramisirwe. (Ruka 18:1-3) Kunyange zvazvo mutongi wacho akamboramba kuibatsira pakutanga, akazotaura mumwoyo make kuti: “Ndichaita kuti iruramisirwe, kuti irege kuramba ichiuya [ichindinetesa nechikumbiro chayo].” (Ruka 18:4, 5) Mashoko emumutauro wakatanga kunyorwa nawo ndima iyi yeBhaibheri, anoratidza kuti mutongi wacho akateerera chirikadzi yacho kuitira kuti ‘isakanganisa mukurumbira wake.’ * Kana mutongi akaipa achigona kubatsira chirikadzi murombo kuitira kuti arambe aine mukurumbira wakanaka, Mwari wedu ane rudo anotoita zvinopfuura izvozvo kuitira kuti vaya “vanoshevedzera kwaari masikati nousiku varuramisirwe”! Sezvakataurwa naJesu, Mwari “achaita kuti vakurumidze kururamisirwa.”—Ruka 18:6-8.

“Rambai muchikumbira, uye muchazvipiwa.”—Ruka 11:9

Kunyange zvazvo tichimbonzwa taneta nokuramba tichikumbira kubatsirwa, hatifaniri kubva takanda mapfumo pasi. Kuramba tichinyengetera, kunoratidza kuti tinoda chaizvo kubatsirwa naMwari. Tinobva tazivawo kuti Mwari anopindura sei minyengetero yedu, zvoita kuti tiswedere pedyo naye. Zvechokwadi tinogona kuva nechivimbo chokuti Mwari achapindura minyengetero yedu yakakodzera kana tangoramba tichikumbira tiine chokwadi chokuti achapindura.—Ruka 11:9.

^ ndima 3 Kana tichida kuti Mwari ateerere minyengetero yedu, tinofanira kuedza nemwoyo wose kuita zvinoenderana nezvaanoda. Kana tikadaro, tinogona kuona kushanda kunoita munyengetero, sezvinotaurwa munyaya ino. Kuti uwane mamwe mashoko, ona chitsauko 17 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha, kana kuti enda pawww.pr418.com.

^ ndima 5 Jehovha ndiro zita raMwari rinotaurwa muBhaibheri.

^ ndima 22 Munguva dzinotaurwa muBhaibheri, Mwari aitarisira vatongi vomuIsraeri kuti vabate chirikadzi nenherera zvakanaka.—Dheuteronomio 1:16, 17; 24:17; Pisarema 68:5.